bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 11
1 Corinthians 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Iʋai ʋateʋeri ʋangu, seni ndiri muteʋeri waKristu.
2
Ɀino, ndinokurumbidzai, nokuti munondiraŋgarira paɀinhu ɀose, muciceŋgeta tsika, seɀandakakupai idzo.
3
Asi ndinoɗa kuti muziʋe kuti musoro womumŋe nomumŋe ndiye Kristu; ʋuye musoro womukadzi ndiye murume; ʋuye musoro waKristu ndiye Mŋari.
4
Murume mumŋe nomumŋe, unonyeŋgetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake.
5
Asi mukadzi mumŋe nomumŋe, unonyeŋgetera kana kuprofita musoro wake usina‐kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndiɀo ɀimŋe nokuʋeʋurwa.
6
Nokuti kana mukadzi asiŋgafukidzwi, ŋgaacekerwe vudzi rake ʋo; asi kana ɀisiŋgafaniri kuti mukadzi acekerwe vudzi, kana aʋeʋurwe, ŋgaafukidzwe.
7
Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, ɀaari mufananidzo nokubginya kwaMŋari; asi mukadzi ndiye kubginya kwomurume.
8
Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
9
ʋuye murume haana‐kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
10
nokuɗa kwaiɀoɀo mukadzi unofanira kuʋa neciratidzo ce simba pamusoro wake, nokuɗa kwaʋatumŋa.
11
Kunyaŋge ɀakaɗaro munaShe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume kunze kwomukadzi.
12
Nokuti mukadzi seɀaanobva kumurume, nokuɗaro ʋo murume unoɓerekwa nomukadzi; asi ɀose ɀinobva kunaMŋari.
13
Toŋgai imi mumene: Ɀakafanira kuti mukadzi anyeŋgetere kunaMŋari asina‐kufukidzwa here?
14
Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe waʋanhu kuti kana murume anevudzi refu, unonyadziswa naɀo here?
15
Asi kana mukadzi anevudzi refu, ndiko kubginya kwake; nokuti wakapiwa vudzi rake, ciʋe cifukidzo.
16
Ɀino kana mumŋe aneŋge aciɗa kuita gakaʋa, hatinetsika yakaɗaro isu, kunyaŋge kereke dzaMŋari.
17
Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa.
18
Nokuti shoko rokutaŋga, kana muciʋuŋgana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuri’po pakati penyu; pamŋe ndinotenda kuti ndiɀo.
19
Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuʋa pakati penyu, kuti aʋo ʋakatendeka ʋaʋonekwe pakati penyu.
20
Ɀino kana muciʋuŋgana pamŋe cete, hakuzi kuti mudye cirayiro caShe;
21
nokuti kana modya, mumŋe nomumŋe unotaŋgira ʋamŋe kudya cirayiro cake; mumŋe unenzara, mumŋe unoɓatwa.
22
Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi.
23
Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa;
24
akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira.
25
Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira.
26
Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya.
27
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe.
28
Ɀino munhu ngaaɀiidze, kuti adye ciŋgwa ici aciɗaro, nokunwa mukombe uyu.
29
Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga.
30
Nemhaka iyi ʋazhinji ʋari’po pakati penyu ʋasinesimba, ʋanorwara; ʋazhinji ʋaʋete.
31
Nokuti ɗai taiɀiidza isu timene, hatizairobga.
32
Ɀino kana ticitoŋgwa, tinoraŋgwa naShe, kuti tirege kutoŋgerwa kurashwa pamŋe cete nenyika.
33
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, kana muciʋuŋganira pakudya, miriranai.
34
Kana munhu anenzara, ŋgaadye kumusha kwake; kuti murege kuʋuŋganira kutoŋgwa. Ɀimŋe ɀakasara ndicaɀigadzira kana ndiciȿika.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16