bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 13
1 Corinthians 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere!
2
Kunyaŋge ndine cipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.
3
Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu.
4
Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi;
5
haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura;
6
harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi;
7
runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.
8
Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa.
9
Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana;
10
asi kana ɀakakwana ɀaȿika, iɀo ɀisakakwana ɀicabviswa.
11
Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana.
12
Nokuti ɀino tinoʋona paciʋoni‐ʋoni, tisiŋgaʋoni kwaɀo; asi neŋguʋa iyo ticaʋona neɀiso ɀakatarisana; ɀino ndinoziʋa ɀisakakwana, asi neŋguʋa iyo ndicaziʋa seɀandakazikanwa neni ʋo.
13
Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16