bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 16
1 Corinthians 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀakaʋuŋganidzirwa ʋatȿene, seɀandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi ʋo saiɀoɀo.
2
Nomusi wokutaŋga weviki, mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaakamure ɀimŋe kumba kwake, aʋuŋganidze, paakawana napo, kuti ɀipo ɀirege kuʋuŋganidzwa, kana ndiciȿika.
3
Kana ndaȿika, ndicatuma aʋo ʋamunotenda neŋwadi, ʋagondoisa ɀipo ɀenyu Jerusarema
4
Kana ɀakafanira kuti ini ndiende ʋo, ʋaŋgaenda neni.
5
Ɀino ndicaʋuya kwamuri, kana ndagura neMakedonia; nokuti ndinogura neMakedonia.
6
Ɀimŋe ndicagara nemi, kunyaŋge ndipedze cando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
7
Nokuti handiɗi kukuʋonai ɀino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndicazogara nemi ciŋguʋa, kana Ishe acinditendera.
8
Asi ndicagara paEfeso kuȿikira paPentekosta.
9
Nokuti ndazarurirwa mukoʋa mukuru uneɓasa guru; naʋadziʋisi ʋazhinji ʋari’po.
10
Ɀino kana Timotio aciȿika, cenjerai kuti agare nemi asiŋgatyi; nokuti unoɓate‐ɓasa raShe, sendandinoita neni ʋo.
11
Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unomuɀidza. Asi mumuperekedzei norugare, kuti aʋuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamŋe cete nehama.
12
Ɀino kana ari Aporo, hama yeɗu, ndakakumbira kwaari ɀikuru, kuti aʋuye kwamuri pamŋe cete nedzimŋe hama; asi wakaŋga asiŋgatoŋgoɗi kuʋuya ɀino, ucaʋuya hake kana awana ŋguʋa yakanaka.
13
Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai saʋarume, musimbiswe.
14
Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo.
15
Ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, — munoziʋa mhuri yaStefana, kuti ndico ciɓereko cokutaŋga paAkaya, ʋakaɀiisa kuti ʋashumire ʋatȿene —
16
Kuti nemi ʋo muɀiise pasi paʋakaɗaro, na pasi paʋose ʋano ti ɓatsira naʋanoɓata.
17
Ndinofara nokuʋuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti iʋo ʋaka ndi itira ɀamakaŋga musiŋgagoni kuita imi.
18
Nokuti ʋakazorodza mŋeya waŋgu nowenyu; naiɀoɀo kudzai ʋakaɗaro.
19
Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira ʋanokukwazisai ɀikuru munaShe, pamŋe cete nekereke iri mumba maʋo.
20
Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokuȿeta kutȿene.
21
Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu.
22
Kana munhu asiŋgaɗi Ishe, ŋgaaʋe wakatukwa. Ishe unoʋuya!
23
Nyasha dzaShe Jesu ŋgadziʋe nemi.
24
Ruɗo rwaŋgu ŋgaruʋe nemi mose munaKristu Jesu.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16