bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 1
Joshua 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Ɀino Mosesi, muranda waJehova, wakati afa, Jehova akataura naJoshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati:
2
Mosesi, muranda waŋgu wafa; ɀino simuka iwe uyambuke Joridani urwu, iwe naʋanhu aʋa ʋose, muende kunyika yandinoʋapa iʋo ʋana ʋaIsraeri.
3
Nɀimbo imŋe neimŋe icatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, seɀandakataura naMosesi.
4
Kubva murenje neRebanoni iri, kuȿikira parwizi rukuru, irwo rwizi Ufratesi, nenyika yose yaʋaHeti, kuȿikira kuguŋgwa guru, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiyo nyika yenyu.
5
Hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako mazuʋa ose oʋupenyu bgako; ndicaʋa newe seɀandaisiʋa naMosesi; handiŋgakuregi kana kukusiya.
6
Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti ucagarisa ʋanhu aʋa nhaka yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo.
7
Asi usimbe nokutsuŋga mŋoyo kwaɀo, kuti ucenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda waŋgu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruɓoshwe, kuti uʋe nomufaro pose paunoenda.
8
Buku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuiraŋgarira masikati noʋusiku, kuti ucenjere kuita ɀose ɀakanyorwa’mo; nokuti nokuɗaro ucaɀiwanira mufaro panzira yako nokuɓata nokucenjera.
9
Ko handina‐kukuraira here? Simba, utsuŋge mŋoyo; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari wako unewe kwose kwaunoenda.
10
Ipapo Joshua akaraira ʋatariri ʋaʋanhu, akati:
11
Pindai napakati pemisasa, muraire ʋanhu, muti: Ɀigadzirirei mbuʋa, nokuti mazuʋa matatu acigere kupera mucafanira kuyambuka Joridani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe yenyu.
12
Joshua akataura naʋaRubeni naʋaGadi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati:
13
Raŋgarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehova, aciti: Jehova Mŋari wenyu ucakupai zororo, nokukupai nyika iyi.
14
Ʋakadzi ʋenyu nepxere dzenyu neɀipfuwo ɀenyu ɀicasara panyika yamakapiwa naMosesi necoʋuno mhiri kwaJoridani, asi imi ʋarume ʋose ʋanesimba noʋumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashoŋga nhumbi dzokurwa, muʋaɓatsire;
15
kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu iʋe yaʋo; ipapo muŋgadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehova, iri necoʋuno mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuti iʋe yenyu.
16
Ʋakapindura Joshua, ʋakati: Ɀose ɀamunotiraira, ticaɀiita, pose pamunotituma ticaenda’po.
17
Seɀataiterera Mosesi paɀose, saiɀoɀo ticakutererai nemi ʋo; Jehova Mŋari wenyu ŋgaaʋe nemi, seɀaaiʋa naMosesi.
18
Aninani unomukira murairo wenyu, asiŋgaɗi kuterera mashoko enyu paɀose ɀamunoraira, iye ucaʋurawa; asi simbai, mutsuŋge mŋoyo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24