bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 2
Joshua 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakatuma ʋarume ʋaʋiri pakaʋanda, ʋacibva Shitimi, kuti ʋandoshora, aciti: Endai mundotarira nyika neJeriko. Ʋakaenda, ʋakapinda muimba yecifeʋe, cainzi Rakabi, ʋakaʋata’po.
2
Ɀino mambo weJeriko akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakapinda muno ʋusiku bguno kuzoshora nyika.
3
Ɀino mambo weJeriko akatuma shoko kunaRakabi, akati: Ƃuɗisa ʋarume ʋakaȿika kwauri, ʋapinda mumba mako, nokuti ʋaʋuya kuzoshora nyika yose.
4
Mukadzi akatora ʋarume aʋo ʋaʋiri, akaʋaʋanza, akati: Hoŋo, ʋarume ʋakaȿika haʋo kwandiri, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋaibve’pi.
5
Ɀino neŋguʋa yokupfigwa kwesuʋo, kwaȿiɓa, ʋarume ʋakaɓuɗa ɀe; kwaʋakazoenda iʋo ʋarume, ini handikuziʋi; kurumidzai kuʋateʋera, nokuti muŋgandoʋaɓata.
6
Asi wakaŋga aʋakwidza pamsoro peɗeŋga, akaʋaʋanza pasi poʋutanda bgamasosoʋori, bgakaŋga bgakaroŋgwa naye paɗeŋga.
7
Ʋarume ʋakaʋateʋerera nenzira inoenda Joridani, kuȿikira kumazambuko; ɀino ʋakaʋateʋerera ʋakati ʋaɓuɗa, suʋo rikazarirwa.
8
Ɀino ʋacigere kuʋata, Rakabi ndokukwira kwaʋari pamsoro peɗeŋga,
9
akati kuʋarume: Ndinoziʋa kuti Jehova wakakupai nyika, tinokutyai kwaɀo, ʋanhu ʋose ʋagere munyika ʋavunduka pamberi penyu.
10
Nokuti takanzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yeGuŋgwa Dɀuku pamberi penyu, ŋguʋa yokuɓuɗa kwenyu Egipita, neɀamakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, iʋo Sihoni naOgi, ʋamakaparadza cose.
11
Ɀino pakarepo takati ticinzwa iɀoɀo mŋoyo yeɗu ikavunduka, hakunomunhu ucinokutsuŋga pamŋoyo pake nokuɗa kwenyu, nokuti Jehova Mŋari wenyu, ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi.
12
Naiɀoɀo ɀino ndipikirei henyu naJehova, kuti ɀandakakuitirai ɀakanaka, nemi ʋo mucaitira imba yaɓaɓa ʋaŋgu ɀakanaka; mundipei ʋo ciratidzo cakasimba,
13
kuti mucararamisa ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu nehanɀadzi dzaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu, neɀose ɀaʋanaɀo, nokurwira ʋupenyu bgeɗu parufu.
14
Ipapo ʋarume ʋakati kwaari: Isu ŋgatife panɀimbo yenyu, kana musiŋgaɓuɗisi pacena ɓasa reɗu iri; kana Jehova acitipa nyika iyi, ticakuitira ɀakanaka neɀokwaɗi.
15
Ipapo akaʋaɓurusira pasi neɓote napawindi, nokuti imba yake yakaŋga iri pamsoro poruȿiŋgo rweguta, naiye wakaŋga agere pamsoro poruȿiŋgo.
16
Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu.
17
Ɀino ʋarume ʋakati kwaari: Hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
18
Tarira, ŋguʋa yatinopinda panyika ino, unofanira kusuŋgira ɓote iri dɀuku rakakoshwa pawindi pawakatiɓurusira pasi napo; unofanira ʋo kuʋuŋganidza mumba mako ɓaɓa ʋako, namai ʋako, nehanɀadzi dzako, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako.
19
Ɀino aninani unoɓuɗa kunze kwemikoʋa yeimba vako, ropa rake ricaʋa pamsoro pomusoro wake, asi isu hatiŋgaʋi nemhoȿa; aninani unewe mumba mako, ropa rake ricaʋa pamsoro pemisoro yeɗu, kana akaitirwa ɀakaipa noruʋoko rwomunhu.
20
Asi kana ukaɓuɗisa pacena ɓasa reɗu iri, isu hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako yawakatipikisa.
21
Iye akati: Ŋgaɀiitwe seɀamakataura; akaʋaendisa, ʋakabva, iye ndokusuŋgira ɓote dɀuku pawindi.
22
Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika kumakomo, ʋakagara’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; ʋateʋeri ʋakaʋatȿaka panzira iyo yose, asi haʋana‐kuʋawana.
23
Ɀino ʋarume aʋo ʋaʋiri ʋakadzoka, ʋakaɓuruka pamakomo, ʋakayambuka, ʋakaȿika ɀe kunaJoshua, mŋanakomana waNuni; ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaitirwa.
24
Ʋakati kunaJoshua: Ɀirokwaɀo, Jehova wakaisa nyika yose pamaʋoko eɗu; ʋuye ʋanhu ʋose ʋagere panyika iyo ʋavunduka pamberi peɗu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24