bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 22
Joshua 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
1
Ɀino Joshua akaɗana ʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase,
2
akati kwaʋari: Makaita ɀose ɀamakarairwa naMosesi muranda waJehova, nokuterera ʋo inzwi raŋgu paɀose ɀandakakurairai;
3
hamuna‐kusiya hama dzenyu mazuʋa awa mazhinji kuȿikira nhasi, asi makaita cireʋo camakarairwa naJehova Mŋari wenyu.
4
Ɀino Jehova Mŋari wenyu wakazorodza hama yenyu, seɀaakataura kwaʋari; naiɀoɀo ɀino dzokai, muende kumatente enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waJehova, mhiri kwaJoridani.
5
Asi cenjerai kwaɀo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehova, kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuceŋgeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemŋoyo yenyu yose ʋuye nemŋeya yenyu yose.
6
Ɀino Joshua akaʋaropafadza, akaʋaendisa; ʋakaenda kumatente aʋo.
7
Ɀino Mosesi wakaŋga apa imŋe hafu yorudzi rwaManase nhaka yaʋo muBashani; asi imŋe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamŋe cete nehama dzaʋo, mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa. Ɀino Joshua akaʋaropafadza ʋo pakuʋaendisa kwake kumatente aʋo.
8
Akataura naʋo, akati: Dzokerai kumatente enyu munefuma zhinji neŋombe zhinji kwaɀo, nesirveri, nendarama, nendarira, namatare, neŋguʋo zhinji, mugoʋane nehama dzenyu ɀamakapamba kuʋaʋeŋgi ʋenyu.
9
Ɀino ʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase ʋakadzoka, ʋakaparadzana naʋana ʋaIsraeri paShiro munyika yeKanani, ʋakaenda kunyika yeGireadi, kunyika yaʋakaŋga ʋapiwa kuti iʋe yaʋo, seɀakaŋga ɀataurwa nomurairo waJehova nomuromo waMosesi.
10
Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika yapaJoridani, munyika yeKanani, ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase ʋakaʋaka artari paJoridani, artari huru kana iciʋonekwa.
11
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakanzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase ʋaʋaka artari pakatarisana neKanani, panyika yapaJoridani, kurutiʋi rwaʋana ʋaIsraeri.
12
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana paShiro, kuti ʋaende kundorwa naʋo.
13
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakatuma Pinehasi, mŋanakomana womuprista Ereazari, kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGireadi;
14
iye namacinda anegumi naye, mucinda mumŋe weimba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa pakati pamarudzi aʋaIsraeri; mumŋe nomumŋe waʋo wakaŋga ari mukuru wedzimba dzamadziɓaɓa aʋo pakati peɀuru ɀaʋaIsraeri.
15
Iʋo ʋakaȿika kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGireadi, ʋakataura naʋo, ʋakati:
16
Ɀanzi neʋuŋgano yaJehova: Kuɗarika uku kwamakaɗarikira Mŋari waIsraeri nako kwakaɗiniko, nokuti munotsauka nhasi pakuteʋera Jehova, ɀamakaɀiʋakira artari, kuti mumukire Jehova nhasi?
17
Ko ɀakaipa ɀePeori ɀigere kutiriŋgana here, iɀo ɀaticigere kuɀinatsa paɀiri kuȿikira zuʋa ranhasi, kunyaŋge hosha yakawira ʋuŋgano yaJehova,
18
ɀamoɗa‐kutsauka nhasi pakuteʋera Jehova? Ɀino ɀamakamukira Jehova nhasi, maŋgwana ucatsamŋira ʋuŋgano yose yaIsraeri.
19
Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehova, pagere tabernakeri yaJehova, kuti mupiwe nhaka pakati peɗu; asi regai kumukira Jehova, kana kutimukira isu, pakuɀiʋakira imŋe artari parutiʋi rweartari yaJehova Mŋari weɗu.
20
Ko Akani, mŋanakomana waZera, haana‐kuɗarika pacinhu cakayeriswa, kutsamŋa kukawira ʋuŋgano yose yaIsraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.
21
Ipapo ʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase ʋakapindura, ʋakati kuʋakuru ʋeɀuru ʋaʋaIsraeri:
22
Mŋari, iye Mŋari Jehova, Mŋari, iye Mŋari Jehova, iye unoziʋa, naIsraeri ʋacaziʋa; kana takamukira Jehova, kana kumuɗarikira, (musatiponesa nhasi,)
23
ɀatakaɀiʋakira artari, kuti titsauke tirege kuteʋera Jehova; kana takaɀiita kuti tiɓayire pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa, kana ɀipiriso ɀoʋupfu, kana kuɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, Jehova amene ŋgaabvunzisise pamsoro paɀo;
24
aziʋe kana tisina‐kuita cinhu ici nokucenjera ʋuye nokufuŋga, ticiti: Ɀimŋe paŋguʋa inoʋuya ʋana ʋenyu ʋacataura naʋana ʋeɗu, ʋaciti: Imi munemhaka yeiko naJehova Mŋari waIsraeri?
25
Nokuti Jehova wakaita Joridani muganho pakati peɗu nemi, imi ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi; hamunomugoʋe kunaJehova; naiɀoɀo ʋana ʋenyu ʋaŋgaregesa ʋana ʋeɗu kutya Jehova.
26
Saka takati: Ŋgatiɀigadzire, tiɀiʋakire artari, isati iri yeɀipiriso ɀinopiswa, kana yokuɓayira’po;
27
asi ciʋe capupu pakati peɗu nemi, napakati paʋana ʋeɗu ʋanotiteʋera, kuti ticaita ɓasa raJehova pamberi pake neɀipiriso ɀeɗu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɗu, neɀipiriso ɀeɗu ɀokuyananisa, kuti ʋana ʋenyu ʋarege kuzoti kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya: Hamunomugoʋe kunaJehova.
28
Naiɀoɀo takati: Kana ʋacizoɗaro kwatiri kana kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya, isu ticati: Tarirai muʋone mufananidzo weartari yaJehova, yakaitwa namadziɓaɓa eɗu, isati iri yeɀipiriso ɀinopiswa, kana yokuɓayira’po; asi capupu pakati peɗu nemi.
29
Mŋari atiɓatsire, tirege kumukira Jehova, nokutsauka nhasi pakuteʋera Jehova, ticiʋaka artari yeɀipiriso ɀinopiswa neyeɀipiriso ɀoʋupfu, kana yokuɓayira’po, parutiʋi rweartari yaJehova, Mŋari weɗu, iri pamberi petabernakeri yake.
30
Ɀino Pinehasi muprista, namacinda eʋuŋgano, iʋo ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋanaye, ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, naʋana ʋaManase, ʋakafara naɀo.
31
Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, akati kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi, nokuʋana ʋaManase: Nhasi tinoziʋa kuti Jehova uri pakati peɗu, nokuti hamuna‐kuɗarikira Jehova pacinhu ici; makarwira ʋana ʋaIsraeri ɀino paruʋoko rwaJehova.
32
Ipapo Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, namacinda ʋakabva kuʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi, panyika yeGireadi, ʋakadzokera kunyika yeKanani, kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaʋadzosera shoko iro.
33
Ɀino shoko iro rakafadza ʋana ʋaIsraeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakakudza Mŋari; haʋana‐kuzotaura kuti ʋacandorwa naʋo, kuti ʋaparadze nyika makaŋga mugere ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi.
34
Ɀino ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi ʋakatumidza artari iyo: Ndico capupu pakati peɗu, kuti Jehova ndiye Mŋari.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24