bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 14
Joshua 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
1
Ndidzo nhaka dzakagamucirwa naʋana ʋaIsraeri panyika yeKanani, dzaʋakagoʋerwa nomuprista Ereazari, naJoshua mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri.
2
Ʋakagoʋerwa nhaka yaʋo nemijenya, seɀaʋakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, nhaka yamarudzi mapfumbamŋe nehafu.
3
Nokuti Mosesi wakaŋga apa marudzi maʋiri nehafu nhaka yaʋo mhiri kwaJoridani; asi ʋaRevi haana‐kuʋapa nhaka pakati paʋo.
4
Nokuti ʋana ʋaJosefa ʋakaŋga ʋanamarudzi maʋiri, rwaManase norwaEfraimi; haʋana‐kupa ʋaRevi mugoʋe munyika iyo, asi maguta maʋaŋgagara, namafuro awo eŋombe dzaʋo nefuma yaʋo.
5
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova, ʋakakamura nyika.
6
Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakasweɗera kunaJoshua paGirgari, Karebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari: Unoziʋa shoko rakataurwa naJehova kunaMosesi munhu waMŋari, pamsoro paŋgu napamsoro pako, paKadeshi‐barnea.
7
Ini ndakaŋga ndaȿika makore anamakumi manna ŋguʋa yandakatumŋa naMosesi muranda waJehova paKadeshi‐barnea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari seɀandakafuŋga ini.
8
Asi hama dzaŋgu dzakaŋga dzakwira neni dzakaʋodza mŋoyo yaʋanhu; asi ini ndakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wose.
9
Mosesi akapika nomusi uyo, akati: Ɀirokwaɀo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, icaʋa nhaka yako neyaʋana ʋako nokusiŋgaperi, nokuti wakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wako wose.
10
Ɀino tarira, Jehova wakandiceŋgeta ndiri mupenyu, seɀaakataura, makore ano anamakumi manna namashanu kubva paŋguʋa Jehova yaakataura shoko iri kunaMosesi, ʋaIsraeri ʋacafamba murenje; ɀino, tarira, nhasi ndaʋa namakore anamakumi masere namashanu.
11
Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda.
12
Naiɀoɀo ɀino cindipa nyika iyi yamakomo yakarebga naJehova musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti ʋaAnaki ʋakaŋga ʋari’po namaguta makuru anamaȿiŋgo; ɀimŋe Jehova ucaʋa neni, ndikagona kuʋadziŋga, seɀakataurwa naJehova.
13
Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebi mŋanakomana waJefune Hebroni, iʋe nhaka yake.
14
Naiɀoɀo Hebroni rakazoʋa nhaka yaKarebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga ateʋera Jehova Mŋari waIsraeri nomŋoyo wake wose.
15
Zita reHebroni pakutaŋga rakaŋga riri Kiriati‐arba; iye Arba wakaŋga ari munhu mukuru pakati paʋaAnaki ʋose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24