bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 19
Joshua 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Mugoʋe wecipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwaʋana ʋaSimeoni nemhuri dzaʋo; nhaka yaʋo yakaŋga iri pakati penhaka yaʋana ʋaJuda.
2
Panhaka yaʋo ʋakaŋga ʋaneBeeri‐sheba, kana Sheba, neMorada,
3
neHazari‐shuari, ne‐Bara, neEzemi,
4
neErtoradi, neBeturi, neHorma,
5
neZikragi, neBeti‐markaboti, neHazari‐susa,
6
neBeti‐rebaoti, neSharuheni; maguta anegumi namatatu nemisha yawo:
7
Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta manna nemisha yawo;
8
nemisha yose yakapoteredza maguta iwayo kuȿikira paBaarati‐beeri, raiʋa Rama rezasi. Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaSimeoni nemhuri dzaʋo.
9
Nhaka yaʋana ʋaSimeoni yakaŋga yatorwa pamugoʋe waʋana ʋaJuda, nokuti mugoʋe waʋana ʋaJuda wakaŋga uri mukurusa; naiɀoɀo ʋana ʋaSimeoni ʋakapiwa nhaka pakati penhaka yaʋo.
10
Mugoʋe wecitatu wakapiwa ʋana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo; muganho wenhaka yaʋo wakaȿika paSaridi.
11
Muganho waʋo wakakwira kumaʋirazuʋa, kuȿikira paMarara, ndokuȿikira paDabesheti, ndokuȿikira kurukoʋa rwaiʋa pamberi peJokneami;
12
kubva paSaridi wakadzokera kumabvazuʋa, kunoɓuɗa zuʋa, kuȿikira kumuganho weKisroti‐tabori, ndokuɓuɗira kuDaberati, ndokukwira Jafia;
13
kubva ipapo wakapfuʋura kumabvazuʋa ucienda Gati‐heferi, kuȿikira paEti‐kazini, ndokuguma paRimoni, rinoȿika paNea;
14
ɀino muganho ndokudzoka kurutiʋi rwokumsoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIftaeri;
15
neKatati, neNaharari, neShimroni, neIdara, neBeti‐rehemi; maguta anegumi namaʋiri nemisha yawo.
16
Ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo, maguta iwayo nemisha yawo.
17
Mugoʋe wecinna wakapiwa Isakari, iʋo ʋana ʋaIsakari, nemhuri dzaʋo.
18
Muganho waʋo wakaȿika paJezreeri, neKesuroti, neShunemi,
19
neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti,
20
neRabiti, neKishioni, neEbesi,
21
neRemeti, neEni‐ganimi, neEni‐hada, neBeti‐pazezi;
22
muganho ukaȿika paTabori, neShahazuma, neBeti‐shemeshi; muganho ndokugumira paJoridani; maguta anegumi namatanhatu nemisha yawo.
23
Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaIsakari nemhuri dzaʋo, maguta nemisha yawo.
24
Mugoʋe wecishanu wakapiwa rudzi rwaʋana ʋaAsheri nemhuri dzaʋo.
25
Muganho waʋo wakaŋga uri: Herkati, neHari, neBeteni, neAkshafi,
26
neAramereki, neAmadi, neMishari, ndokuȿikira paKarmeri kumaʋirazuʋa, nokuShihori‐riɓnati;
27
ndokudzokera kumabvazuʋa kuBeti‐dagoni ndokuȿikira kwaZeburuni, nokumupata weIftaeri kumsoro, kuȿikira paBeti‐emeki, neNeyeri, nokuɓuɗira paKaburi kuruɓoshwe,
28
neEbroni, neRehobi, neHamoni, neKana, kuȿikira paZidoni guru;
29
ɀino muganho ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombga noruȿiŋgo; muganho ndokudzokera Hosa, ndokuguma paguŋgwa panyika yeAkzibi;
30
ʋuye Uma, neAfeki, neRehobi; maguta makumi maʋiri namaʋiri nemisha yawo.
31
Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaAsheri, nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
32
Mugoʋe wecitanhatu wakapiwa ʋana ʋaNaftari, iʋo ʋana ʋaNaftari nemhuri dzaʋo.
33
Muganho waʋo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdami‐nekebi, neJabneeri, kuȿikira paRakumi, ndokuguma paJoridani;
34
ipapo muganho wakadzoka kumabvazuʋa, ndokuenda Aznoti‐tabori; ndokubva’po, ndokuenda Hukoki; ndokuȿika kwaZeburuni kurutiʋi rwezasi, ndokuȿika kwaAsheri kumaʋirazuʋa, ndokuȿika kwaJuda paJoridani kumabvazuʋa.
35
Maguta akaŋga akakombga namaȿiŋgo akaŋga ari Zidimi, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti,
36
neAdama, neRama, neHazori,
37
neKedeshi, neEdrei, neEni‐hazori,
38
neIroni, neMigdari‐eri, neHoremi, neBeti‐anati, neBeti‐shemeshi; maguta anegumi namapfumbamŋe, nemisha yawo.
39
Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaNaftari nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
40
Mugoʋe wecinomŋe wakapiwa rudzi rwaʋana ʋaDani nemhuri dzaʋo.
41
Muganho wenhaka yaʋo wakaŋga uri Zora, neEshtaori, neIri‐shemeshi;
42
neShaarabini, neAjaroni, neItra,
43
neEroni, neTimna, neEkroni,
44
neErteke, neGibetoni, neBaarati,
45
neJehudi, neBeni‐beraki, neGati‐rimoni,
46
neMe‐jarkoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa.
47
Asi nyika yaʋana ʋaDani yakaŋga iri ɗukusa; naiɀoɀo ʋana ʋaDani ʋakandorwa neReshemi, ʋakarikunda, ʋakariparadza neminondo inopinza, ʋakapiwa guta iro, ʋakagara’mo; ʋakatumidza Reshemi zita rinonzi Dani, zita raɓaɓa ʋaʋo Dani.
48
Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaDani nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
49
Naiɀoɀo ʋakapedza kugoʋera nyika, yakaŋga iri nhaka yaʋo nemiganho yayo; ʋana ʋaIsraeri ʋakapa Joshua, mŋanakomana waNuni nhaka yake pakati paʋo;
50
seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakamupa guta raakakumbira, Timnati‐sera, panyika yamakomo yaEfraimi; akaʋaka guta iro, akagara’mo.
51
Ndidzo nhaka dzakagoʋerwa nemijenya paShiro pamberi paJehova, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, nomuprista Ereazari, naJoshua mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri, kuti dziʋe nhaka dzaʋo. Naiɀoɀo ʋakapedza kugoʋera nyika.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24