bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 7
Joshua 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
1
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakaɗarika pacinhu cakayeriswa; nokuti Akani, mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda, wakatora cinhu ceɀakayeriswa; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋana ʋaIsraeri.
2
Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai.
3
Ʋakadzokera kunaJoshua, ʋakati kwaari: Ʋanhu ʋose ŋgaʋarege kukwira; ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ŋgaʋaende kundorwa neAi, asi ʋanhu ʋose ŋgaʋarege haʋo kutambudzwa kuenda’ko, nokuti ʋashoma haʋo.
4
Naiɀoɀo ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ʋakaenda’ko, iʋo ʋakatiza pamberi paʋarume ʋeAi.
5
Ʋarume ʋeAi ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi matatu naʋatanhatu ʋaʋo, ʋakaʋateʋerera kubva pamberi pesuʋo kuȿikira Shebarimi, ʋaciʋaʋuraya pakuɓuruka kwaʋo; ipapo mŋoyo yaʋanhu yakanyauka, ikaita semvura.
6
Ɀino Joshua akabvarura ŋguʋo dzake, akawira pasi neciso cake pamberi peareka yaJehova kuȿikira maɗekwana, iye naʋakuru ʋaʋaIsraeri, ʋakaisa guruʋa pamisoro yaʋo.
7
Joshua akati: Haiwa! Ishe Mŋari, makayambusireiko ʋanhu aʋa paJoridani, kuti mutiise mumaʋoko aʋaAmori, ʋatiparadze? Ƌai takatenda heɗu kugara mhiri kwaJoridani!
8
Haiwa, Ishe, ndicati kuɗiniko, ʋaIsraeri ɀaʋakafuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo!
9
Nokuti ʋaKanani naʋose ʋagere munyika ino ʋacaɀinzwa, ʋacatikomba, nokudzima zita reɗu panyika; ɀino zita renyu guru mucariiteiko?
10
Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Simuka, wawireiko kuɗai paciso cako?
11
ƲaIsraeri ʋatadza, ʋaɗarika suŋgano yaŋgu yandakaʋaraira; ʋatora cinhu cakayeriswa, ʋaɓa ʋo, nokunyeŋgera, nokuciʋiga pakati penhumbi dzaʋo.
12
Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋaŋgagoni kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋanofuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo, nokuti ʋaʋa ʋanhu ʋakatukwa; handicazoʋi nemi, kana musiŋgaparadzi cinhu cakayeriswa pakati penyu.
13
Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu.
14
Naiɀoɀo maŋgwana munofanira kusweɗera namarudzi enyu; ɀino rudzi runoɓatwa naJehova, runofanira kusweɗera nedzimba dzarwo, neimba inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera nemhuri dzayo, nemhuri inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera murume mumŋe nomumŋe.
15
Ɀino uyo unoɓatwa anecinhu cakayeriswa, unofanira kupiswa nomŋoto, iye neɀose ɀaanaɀo; nokuti wakaɗarika suŋgano yaJehova, ʋuye nokuti wakaita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paIsraeri.
16
Naiɀoɀo Joshua wakamuka maŋgwanani, akaswededza ʋaIsraeri namarudzi aʋo; rudzi rwaJuda ndokuɓatwa;
17
ɀino akasweɗedza dzimba dzaJuda, imba yaZera ikaɓatwa; ɀino akasweɗedza murume mumŋe nomumŋe weimba yaʋaZera, Zabdi akaɓatwa;
18
ɀino akasweɗedza mhuri yake, murume mumŋe nomumŋe, Akani mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda akaɓatwa.
19
Ɀino Joshua akati kunaAkani: Mŋana waŋgu, cikudza Jehova Mŋari waIsraeri, uɀireʋurure kwaari; ndiʋudze ɀino ɀawakaita, usandiʋanzira iɀo.
20
Ipapo Akani akapindura Joshua, akati: Ɀirokwaɀo, ndakatadzira Jehova Mŋari waIsraeri, ndakaita ɀokuti neɀokuti;
21
ndakaʋona pakati peɀakapambga ŋguʋo yakanaka, inobva Babironi, nesirveri yakaȿika mashekeri anamazana maʋiri, norurimi rwendarama rwakaȿika mashekeri anamakumi mashanu pakuyerwa kwarwo; ipapo ndakaɀicocora, ndikaɀitora; tarirai, ɀakaʋigwa pasi mutente raŋgu, sirveri iri pasi paɀo.
22
Naiɀoɀo Joshua akatuma nhume, iʋo ʋakamhanyira kutente rake, ʋakandowana ɀakaʋigwa mutente rake, sirveri iri pasi paɀo.
23
Ʋakaɀibvisa mutente, ʋakaɀiisa kunaJoshua, nokuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋakaɀiisa pasi pamberi paJehova.
24
Ipapo Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakatora Akani, mŋanakomana waZera, nesirveri, neŋguʋo, nemboŋgoro dzake, namakwai ake, netente rake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, ʋakakwira naʋo kumupata weAkori.
25
Ɀino Joshua akati: Wakatipinzireiko paɗambudziko? Jehova ucakupinza paɗambudziko nhasi. Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, ʋakaʋapisa nomŋoto, nokuʋataka namabge.
26
ʋakaʋuŋganidza pamsoro pake mabge akaita murwi mukuru uri’po kuȿikira nhasi; Jehova akaɀidzora pakutsamŋa kwake kukuru. Naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kuȿikira nhasi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24