bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 23
Joshua 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, Jehova azorodza ʋaIsraeri paʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, naJoshua akwegura, aʋa namakore mazhinji,
2
Joshua akaɗana ʋaIsraeri ʋose, ʋakuru ʋaʋo naʋatuŋgamiriri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo, naʋatariri ʋaʋo, akati kwaʋari: Ndakwegura, ndaʋa namakore mazhinji.
3
Imi makaʋona ɀose ɀakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehova Mŋari wenyu nokuɗa kwenyu; nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye wakakurwirai.
4
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, iʋe nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridani, pamŋe cete nendudzi dzose dzandakaparadza, kuȿikira kuguŋgwa guru kumaʋirazuʋa.
5
Jehova Mŋari wenyu amene ucadziɓuɗisa pamberi penyu, nokudzidziŋga murege kudziʋona, kuti mupiwe nyika yadzo, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu.
6
Naiɀoɀo simbai kwaɀo kuti muceŋgete nokuita ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, murege kutsauka kwaɀiri kana kurudyi kana kuruɓoshwe;
7
kuti murege kuveŋgana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureʋa mazita aʋamŋari ʋaʋo, kana kupikisa naʋo, kana kuʋashumira, kana kuʋafugamira;
8
asi namatirai Jehova Mŋari wenyu, seɀamakaita kuȿikira nhasi.
9
Nokuti Jehova wakadziŋga pamberi penyu ndudzi huru dzaiʋa nesimba; asi kana muri’mi, hakunomunhu wakamira pamberi penyu kuȿikira nhasi.
10
Munhu mumŋe kwamuri ucadziŋga ʋanhu ʋanecuru cezana, nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unokurwirai, seɀaakakuʋudzai.
11
Naiɀoɀo cenjerai kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu.
12
Nokuti kana mukatoŋgodzokera, mukanamatira ʋakasara ʋendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana naʋo, mukapinda kwaʋari, naiʋo ʋakapinda kwamuri;
13
muziʋe ɀirokwaɀo, kuti Jehova Mŋari wenyu haaŋgadziŋgi ndudzi idzi pamberi penyu; asi ʋacaʋa musuŋgo neriʋa kwamuri, netyaʋa kunhiʋi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kuȿikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu.
14
Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; ɀino imi munoziʋa mumŋoyo yenyu yose nomumŋeya yenyu yose, kuti hapanecinhu cimŋe paɀose ɀakanaka ɀakataurwa pamsoro penyu naJehova Mŋari wenyu, cakakona.
15
Ɀino seɀamakaitirwa iɀo ɀinhu ɀose ɀakanaka, ɀakataurwa pamsoro penyu naJehova Mŋari wenyu, saiɀoɀo Jehova ucakuitirai ɀose ɀakaipa, kuȿikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu.
16
Kana mukaɗarika suŋgano yaJehova Mŋari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukafugama pamberi paʋo, ipapo kutsamŋa kwaJehova kucakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24