bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 13
Joshua 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Ɀino Joshua wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; Jehova akati kwaari: Wakwegura, waʋa namakore mazhinji, dziciri’ko nyika zhinji dzinofanira kuʋa dzenyu.
2
Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzaʋaFiristia, naʋaGeshuri ʋose;
3
kubva paShihori kurutiʋi rweEgipita, kuȿikira kumuganho weEkroni kumsoro, wainzi ndowaʋaKanani; madzishe mashanu aʋaFiristia, ʋaiti: WeGaza, noweAshdodi, noweAshkeroni, noweGiti, noweEkroni, naʋaAvimi,
4
kurutiʋi rweZasi, nyika yose yaʋaKanani, neMeara, waiʋa waʋaZidoni, kuȿikira paAfeki, kuȿikira kumuganho waʋaAmori;
5
nenyika yaʋaGebari, neRebanoni rose kumabvazuʋa, kubva paBaari‐gadi pajiŋga pegomo reHermoni, kuȿikira paʋanopinda paHamati;
6
ʋanhu ʋose ʋagere panyika yamakomo, kubva paRebanoni kuȿikira paMisrefoti‐maimi, naʋaZidoni ʋose, iʋaʋo ndicaʋadziŋga pamberi paʋana ʋaIsraeri; asi iwe unofanira kuipa ʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, seɀandakakuraira.
7
Ɀino unofanira kugoʋera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamŋe nehafu yorudzi rwaManase, iʋe nhaka yaʋo.
8
ƲaRubeni naʋaGadi ʋakapiwa nhaka yaʋo pamŋe cete naye, iyo yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, seɀaʋakapiwa naMosesi, muranda waJehova;
9
kubva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose reMedeba kuȿikira paDiboni;
10
namaguta ose aSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, kuȿikira kumuganho waʋana ʋaAmoni;
11
neGireadi, nenyika yaʋaGeshuri naʋaMaakati, negomo rose reHermoni, neBashani rose kuȿikira paSareka,
12
noʋushe bgose bgaOgi paBashani, wakaŋga aciɓata ʋushe paAshtaroti neEdrei (ndiye wakaŋga asara paʋaRefaimi); nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋakundwa naMosesi ʋakadziŋgwa naye.
13
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kudziŋga ʋaGeshuri kana ʋaMaakati; asi ʋaGeshuri naʋaMaakati ʋagere pakati paʋaIsraeri kuȿikira nhasi.
14
Asi rudzi rwaʋaRevi ɓedzi haana‐kurupa nhaka; ɀipiriso ɀaJehova, Mŋari waIsraeri, ɀaipiswa, ndiɀo ɀaiʋa nhaka yaʋo, seɀaakataura naye.
15
Joshua akapa rudzi rwaʋana ʋaRubeni mugoʋe waʋo nedzimba dzaʋo.
16
Nyika yaʋo yakabva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose paMedeba;
17
Heshboni namaguta aro ose ari paɓani; Diboni, neBamoti‐baari, neBeti‐baari‐meoni;
18
neJahazi, neKedemoti, neMefahati;
19
neKiriataimi, neSibma, neZereti‐shahari mugomo romupata;
20
neBeti‐peori, nemitenusirwa yePisga, neBeti‐jeshimoti;
21
namaguta ose eɓani, noʋushe bgose bgaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, wakaŋga akundwa naMosesi pamŋe cete naʋakuru ʋeMidiani, neEvi, neRekemi, neZuri, neHuri, neReba, namacinda aSihoni, akaŋga agere munyika iyo.
22
Barami, mŋanakomana waBeori, muʋuki, naiye ʋo wakaʋurawa nomunondo naʋana ʋaIsraeri pakati paʋamŋe ʋakaʋurawa naʋo.
23
Muganho waʋana ʋaRubeni rwakaŋga ruri Joridani nenyika yarwo. Ndiyo yaiʋa nhaka yaʋana ʋaRubeni nemhuri dzaʋo, iwo maguta nemisha yawo.
24
Mosesi akapa rudzi rwaʋaGadi, iʋo ʋana ʋaGadi, mugoʋe waʋo nemhuri dzaʋo.
25
Nyika yaʋo raiʋa Jazeri, namaguta ose eGireadi, nehafu yenyika yaʋana ʋaAmoni, kuȿikira paAroeri, pamberi peRaba;
26
nokubva paHeshboni, kuȿikira paRamati‐mizpe, neBetonimi; nokubva paMahanaimi, kuȿikira pamuganho weDebiri;
27
nomumupata Beti‐harami, neBeti‐nimra, neSukoti, neZafoni, noʋumŋe ʋushe bgakaŋga bgasara bgaSihoni, mambo weHeshboni, neJoridani nenyika yarwo, kuȿikira pamagumisiro eguŋgwa reKineroti, mhiri kwaJoridani, kumabvazuʋa.
28
Ndiyo nhaka yaʋana ʋaGadi nemhuri dzaʋo iwo maguta nemisha yawo.
29
Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yaʋo; ndiyo yaiʋa nhaka yehafu yorudzi rwaʋana ʋaManase nemhuri dzaʋo.
30
Nyika yaʋo yakabva paMahanaimi, neBashani rose, noʋushe bgaOgi, mambo weBashani, nemisha yose yeJairi, yaiʋa paBashani, maguta makumi matanhatu;
31
nehafu yeGireadi, neAshtaroti, neEdrei, maguta oʋushe bgaOgi paBashani, ndiyo yaiʋa yaʋana ʋaMakiri, mŋanakomana waManase, yehafu yaʋana ʋaMakiri nemhuri dzaʋo.
32
Ndidzo nhaka dzakagoʋerwa naMosesi pamapani aMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko kumabvazuʋa.
33
Asi rudzi rwaʋaRevi haruna‐kupiwa nhaka naMosesi; Jehova Mŋari waʋaIsraeri, iye amene, ndiyo nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naye.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24