bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 8
Joshua 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Ɀino Jehova wakati kunaJoshua: Usatya, kana kuvunduswa; tora ʋanhu ʋose ʋehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira, ndaisa muruʋoko rwako mambo weAi naʋanhu ʋake, neguta rake, nenyika yake.
2
Unofanira kuitira Ai seɀawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa ɀiŋgatapxa ɀaro, neŋombe dzaro, ɀiʋe ɀenyu; uɀigadzirire ʋaŋgaʋandira guta neceseri kwaro.
3
Naiɀoɀo Joshua akasimuka, naʋarume ʋose ʋehondo, kuti ʋakwire Ai; Joshua akatsaura ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, akaʋatuma ʋusiku.
4
Akaʋaraira, akati: Tarirai, munofanira kundoʋandira guta neceseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makaɀigadzira mose;
5
ɀino ini naʋanhu ʋose ʋandinaʋo, ticasweɗera kuguta; ɀino kana ʋaciɓuɗa kuzorwa nesu, sapakutaŋga, isu ticatiza pamberi paʋo;
6
ipapo ʋacaɓuɗa, ʋacititeʋera, kuȿikira taʋanyeŋgera kure neguta; nokuti ʋacati: Ʋanotiza pamberi peɗu sapakutaŋga; nesu ticatiza pamberi paʋo;
7
ipapo imi munofanira kusimuka pamakaŋga makaʋandira, mundokunda guta, nokuti Jehova Mŋari wenyu ucariisa mumaʋoko enyu.
8
Ɀino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomŋoto; munofanira kuita seɀakarebga naJehova; tarirai, ndakurairai.
9
Ɀino Joshua akaʋatuma, ʋakaenda kundoʋanda, ʋakagara pakati peBeteri neAi, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweAi; asi Joshua wakaʋata pakati paʋanhu ʋusiku ubgo.
10
Ɀino Joshua akamuka maŋgwanani, akaʋuŋganidza ʋanhu, akakwira iye naʋakuru ʋaIsraeri, ʋakatuŋgamirira ʋanhu kuenda Ai.
11
Naʋarume ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, ʋakakwira, ʋakasweɗera pamberi peguta, ʋakadzika matente aʋo kurutiʋi rwokumsoro rweAi. Ɀino kwakaŋga kunomupata pakati pake neAi.
12
Akatsaura ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀishanu, akaʋaraira kuʋanda pakati peBeteri neAi, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta.
13
Naiɀoɀo ʋakaraira ʋanhu, iyo hondo yose yaiʋa kurutiʋi rwokumsoro rweguta, naʋaiʋanda kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta; asi Joshua wakaenda ʋusiku ubgo pakati pomupata.
14
Ɀino mambo weAi wakati aʋona iɀoɀo, ʋakakurumidza kumuka maŋgwanani, ʋarume ʋeguta ʋakaɓuɗa kundorwa naIsraeri, iye naʋanhu ʋake ʋose, panɀimbo yakaŋga yatarwa, paMupata; asi haana‐kuziʋa kuti kwakaŋga kunaʋaʋandiri neceseri kweguta.
15
Ɀino Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakaita saʋakundwa naʋo, ʋakatiza nenzira yerenje.
16
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari muguta ʋakakokwa kundoʋateʋera; ʋakateʋera Joshua, ʋakanyeŋgerwa kure neguta.
17
Kwakaŋga kusinomunhu wakasara paAi neBeteri, asina‐kuɓuɗa kundoteʋera Israeri; ʋakasiya guta rakashama, ʋakateʋera Israeri.
18
Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tambanudzira pfumo riri muruʋoko rwako kurutiʋi rweAi, nokuti ndicariisa muruʋoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakaŋga riri muruʋoko rwake kurutiʋi rweguta;
19
ipapo ʋaʋandiri ʋakakurumidza kusimuka paʋakaŋga ʋagere, ʋakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruʋoko rwake, ʋakapinda muguta, ʋakarikunda; ʋakakurumidza kupisa guta.
20
Ɀino ʋarume ʋeAi ʋakati ʋaciceuka, ʋonei ʋutsi bgeguta bgucikwira kuɗeŋga, ʋakashaiwa kwaʋaŋgatizira kupi nokupi; naʋanhu ʋakaŋga ʋatizira kurenje ʋakadzoka kuzorwa naʋaiʋateʋera.
21
Ɀino Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaʋona kuti ʋaʋandiri ʋakunda guta, ʋuye kuti ʋutsi bgeguta bgokwira kuɗeŋga, ʋakadzoka ɀe kuzoʋuraya ʋarume ʋeAi.
22
Naʋamŋe ʋakaɓuɗa muguta kuzorwa naʋo; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋari pakati paʋaIsraeri, ʋamŋe necoʋuno ʋamŋe necokoko; ʋakaʋaʋuraya, kuȿikira ʋasina‐kurega mumŋe waʋo ari mupenyu, kana wakatiza.
23
Ʋakaɓata mambo weAi, aciri mupenyu, ʋakamuisa kunaJoshua.
24
Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋapedza kuʋuraya nomunondo unopinza ʋanhu ʋose ʋeAi kusaŋgo, kurenje kwaʋakaŋga ʋaʋateʋerera, kuȿikira ʋapera, ʋaIsraeri ʋakadzokera Ai, ʋakariparadza nomunondo unopinza.
25
Ʋose ʋakaʋurawa nomusi iwoyo, ʋarume naʋakadzi, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, iʋo ʋarume ʋose ʋeAi,
26
nokuti Joshua haana‐kudzosa ruʋoko rwake, rwaakaŋga akatambanudza pfumo, kuȿikira aparadza cose ʋanhu ʋeAi.
27
Asi ŋombe neɀiŋgatapxa ɀeguta iro ʋaIsraeri ʋakaɀitapa kuti ɀiʋe ɀaʋo, seɀakarebga neshoko raJehova, raakaraira Joshua.
28
Naiɀoɀo Joshua akapisa Ai, akariita murwi uŋgaʋa’po nokusiŋgaperi, neɗoŋgo kuȿikira nhasi.
29
Akasuŋgirira mambo weAi pamuti kuȿikira maɗekwana; asi pakuʋira kwezuʋa Joshua akaʋaraira, ʋakaturura citunha cake pamuti, ʋakacikanda panopindwa napo pasuʋo reguta, ʋakatutira pamsoro paco murwi mukuru wamabge; ari’po kuȿikira nhasi.
30
Ɀino Joshua wakaʋakira Jehova Mŋari waIsraeri artari pagomo reEbari,
31
seɀakaŋga ɀarairwa ʋana ʋaIsraeri naMosesi, muranda waJehova, seɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi; yakaŋga iri artari yamabge asina‐kuʋezwa; hakunomunhu wakaŋga asimudzira ɗare pamsoro pawo; ʋakaɓayira’po Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, nokuɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa.
32
Akanyora ɀe ipapo pamabge murairo waMosesi, waakanyora pamberi paʋaIsraeri.
33
ƲaIsraeri ʋose naʋakuru ʋaʋo naʋatariri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo ʋakamira paareka necoʋuno neceseri, pamberi paʋaprista ʋaRevi, ʋaisitakura areka yesuŋgano yaJehova, pamŋe cete naʋatorwa naʋakaŋga ʋaɓerekerwa munyika; hafu yaʋo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yaʋo pamberi pegomo reEbari; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi, muranda waJehova, kuti ʋataŋge kuropafadza ʋana ʋaIsraeri.
34
Pashure akaraʋa mashoko ose omurairo, okuropafadza nookutuka, seɀaɀakanyorwa ɀose mubuku yomurairo.
35
Kwakaŋga kusineshoko rimŋe, paɀose ɀakaŋga ɀarairwa naMosesi, risina‐kurabga naJoshua pamberi peʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, naʋakadzi naʋana, naʋatorwa ʋakaŋga ʋagere pakati paʋo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24