bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 24
Joshua 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Ɀino Joshua akaʋuŋganidza marudzi ose aʋaIsraeri paShekemi, akaɗana ʋakuru ʋaIsraeri, naʋatuŋgamiriri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo, naʋatariri ʋaʋo; ʋakaɀiisa pamberi paMŋari.
2
Joshua akati kuʋanhu ʋose: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Madziɓaɓa enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, ɓaɓa ʋaAbrahama, naNahori, acishumira ʋamŋe ʋamŋari.
3
Ini ndikatora ɓaɓa ʋenyu Abrahama mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKanani, ndikawanza ʋana ʋake, ndikamupa Isaka.
4
Ndikapa Isaka Jakobo naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, riʋe rake; Jakobo naʋana ʋake ʋakaɓurukira Egipita.
5
Ndikatuma Mosesi naAroni, ndikatambudza Egipita, neɀandakaita pakati payo; pashure ndikakuɓuɗisai.
6
Ndikaɓuɗisa madziɓaɓa enyu paEgipita, mukaȿika paguŋgwa; ʋaEgipita ʋakateʋera madziɓaɓa enyu ʋaneŋgoro ʋuye naʋanhu ʋakataȿa mabiza kuȿikira paGuŋgwa Dɀuku.
7
Ɀino ŋguʋa yaʋakacema kunaJehova, akaisa rima pakati penyu naʋaEgipita, akaʋuyisa guŋgwa pamsoro paʋo, akaʋafukidza; meso enyu akaʋona ɀandakaita paEgipita, mukagara mureŋje mazuʋa mazhinji.
8
Ndikakuȿitsai kunyika yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani; iʋo ʋakarwa nemi, ndikaʋaisa mumaʋoko enyu, nyika yaʋo ikaʋa yenyu, ndikaʋaparadza pamberi penyu.
9
Ɀino Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi, akasimuka, akarwa naIsraeri, akatuma nhume kundoɗana Barami, mŋanakomana waBeori, kuti amutuke.
10
Asi ini ndakaramba kunzwa Barami, naiɀoɀo wakaramba aciŋgokuropafadzai; naiɀoɀo ndakakurwirai paruʋoko rwake.
11
Ɀino makayambuka Joridani, mukaȿika paJeriko; ʋarume ʋeJeriko ʋakarwa nemi, ʋaiti: ƲaAmori, naʋaPerezi, naʋaKanani, naʋaHeti, naʋaGirgashi, naʋaHivi, naʋaJebusi; ndikaʋaisa mumaʋoko enyu.
12
Ndikatuma pamberi penyu mago, akaʋadziŋga pamberi penyu, iwo madzimambo maʋiri aʋaAmori; haʋana‐kudziŋgwa neminondo yenyu kana noʋuta bgenyu.
13
Ndikakupai nyika yomusina‐kurima, namaguta amusina‐kuʋaka, mamugere ɀino; munodya minda yemizambiriŋga neyemiorivi yamusina‐kusima.
14
Naiɀoɀo ityai Jehova ɀino, mumushumirei nomŋoyo wose neɀokwaɗi; rashai ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi napaEgipita, imi mushumire Jehova.
15
Kana muciti ɀakaipa kushumira Jehova, ɀitsaurirei nhasi wamunoɗa kushumira, kana ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi, kana ʋamŋari ʋaʋaAmori ʋamugere munyika yaʋo; asi kana ndirini naʋeimba yaŋgu ticashumira Jehova.
16
Ipapo ʋanhu ʋakapindura ʋakati: Mŋari atiɓatsire, kuti tirege kurasha Jehova ticishumira ʋamŋe ʋamŋari.
17
Nokuti Jehova Mŋari weɗu, ndiye wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, isu namadziɓaɓa eɗu, paimba yoʋuranda; ndiye wakaita ɀiratidzo ɀikuru ticiɀiʋona, akaticeŋgeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuʋura nokwadziri.
18
Jehova ndiye wakadziŋga ndudzi dzose pamberi peɗu, iʋo ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere munyika ino; naiɀoɀo nesu ʋo ticashumira Jehova, nokuti ndiye Mŋari weɗu.
19
Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Hamuŋgagoni kushumira Jehova, nokuti ndiMŋari mutȿene, ndiMŋari unegoɗo, haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu.
20
Kana mukarasha Jehova, mukashumira ʋamŋari ʋaʋatorwa, iye ucakushandukirai nokukuitirai ɀakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai ɀakanaka.
21
Ipapo ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Kwete, asi ticashumira Jehova.
22
Joshua akati kuʋanhu: Munoɀipupurira kuti makatsaura Jehova kuti mumushumirei. Iʋo ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu.
23
Naiɀoɀo ɀino rashai ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋari pakati penyu, murerekere mŋoyo yenyu kunaJehova Mŋari waIsraeri.
24
Ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Jehova Mŋari weɗu ndiye waticashumira, ticaterera inzwi rake.
25
Naiɀoɀo Joshua akaita suŋgano naʋanhu musi iwoyo, akaʋasimbisira mutemo nomurairo paShekemi.
26
Joshua akanyora mashoko iwayo mubuku yomurairo waMŋari, akatora ibge guru, akarimisa pasi pomuouki, wakaŋga uri paimba tȿene yaJehova.
27
Joshua akati kuʋanhu ʋose: Tarirai, ibge iri ricakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehova; naiɀoɀo ricakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mŋari wenyu.
28
Naiɀoɀo Joshua akaendisa ʋanhu, mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake.
29
Ɀino shure kwaiɀoɀo Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova, wakafa, aʋa namakore anezana negumi.
30
Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐sera, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi.
31
ƲaIsraeri ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋakaziʋa maɓasa ose akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova.
32
Mafupa aJosefa, akaŋga aʋuya naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaaʋiga paShekemi, panɀimbo yenyika yakaŋga yateŋgwa naJakobo kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari; ikazoʋa nhaka yaʋana ʋaJosefa.
33
Ɀino Ereazari, mŋanakomana waAroni, akafa, ʋakamuʋiga mucikomo comŋanakomana wake Pinehasi, caakaŋga apiwa munyika yamakomo yaEfraimi.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24