bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 17
Joshua 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Ndiwo mugoʋe worudzi rwaManase; nokuti iye wakaŋga ari mŋana weɗaŋgwe waJosefa. Kana ari Makiri, mŋana weɗaŋgwe waManase, ɓaɓa ʋaGireadi, iye wakapiwa Gireadi neBashani, nokuti wakaŋga ari murwi.
2
Ʋamŋe ʋana ʋaManase ʋakapiwa mugoʋe nemhuri dzaʋo: Ʋana ʋaAbiezeri, naʋana ʋaHereki, naʋana ʋaAsrieri, naʋana ʋaShekemi, naʋana ʋaHeferi, naʋana ʋaShemida, ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋana ʋaʋakomana ʋaManase, mŋanakomana waJosefa, nemhuri dzaʋo.
3
Asi Zerofeadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋake akaŋga ari Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza.
4
Iʋo ʋakasweɗera kumuprista Ereazari, nokunaJoshua, mŋanakomana waNuni, nokumacinda, ʋakati: Jehova wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzeɗu; naiɀoɀo akaʋapa nhaka pakati paʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋaʋo, seɀakaŋga ɀarairwa naJehova.
5
Manase akapiwa migoʋe inegumi, kunze kweGireadi neBashani mhiri kwaJoridani;
6
nokuti ʋanasikana ʋaManase ʋakaŋga ʋanenhaka pakati paʋanakomana ʋake; nyika yeGireadi yakaŋga iri yaʋamŋe ʋanakomana ʋaManase.
7
Muganho waManase wakabva kwaAsheri, ndokuȿika paMikmetati, pamberi peShekemi; ɀino muganho ndokuenda kuruʋoko rworudyi, kuȿikira kuʋanhu ʋakaŋga ʋagere Eni‐tapua.
8
Nyika yeTapua yakaŋga iri yaManase; asi Tapua pamuganho waManase rakaŋga riri guta raʋana ʋaEfraimi.
9
Ɀino muganho ndokuɓuruka kurukoʋa Kana, necezasi kworukoʋa; maguta iwayo akaŋga ari aEfraimi pakati pamaguta aManase; muganho waManase wakaŋga uri necokumsoro kworukoʋa, ndokuguma paguŋgwa.
10
Kurutiʋi rwezasi nyika yakaŋga iri yaEfraimi; kurutiʋi rwokumsoro yakaŋga iri yaManase; guŋgwa waiʋa muganho wake; miganho ikaȿika kwaAsheri kumsoro, nokwaIsakari kumabvazuʋa.
11
Pakati paIsakari naAsheri Manase wakaŋga aneBeti‐sheani nemisha yaro, neJibreami nemisha yaro, naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Dori nemisha yaro, naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Endori nemisha yaro, naʋakaŋga ʋagere Taanaki nemisha yaro, naʋakaŋga ʋagere Megido nemisha yaro, ari makomo matatu.
12
Asi ʋana ʋaManase ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere mumaguta iwayo; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo.
13
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaʋa nesimba, ʋakaita ʋaKanani ʋaɓati ʋecibaro, haʋana‐kuʋadziŋga cose.
14
Ɀino ʋana ʋaJosefa ʋakataura naJoshua, ʋakati: Makatipireiko mugoʋe mumŋe cete necikamu cimŋe cete, kuti iʋe nhaka yeɗu, ɀatiri ʋanhu ʋazhinji, nokuti Jehova wakatiropafadza kuȿikira ɀino?
15
Joshua akati kwaʋari: Kana muri ʋanhu ʋazhinji, endai henyu kuɗondo, mundoɀitemera nɀimbo ipapo panyika yaʋaPerezi neyaʋaRefaimi; ɀamusiŋgakwaniri panyika yamakomo yaEfraimi.
16
Ʋana ʋaJosefa ʋakati: Nyika yamakomo haiŋgatikwaniri; ʋuye ʋaKanani ʋose ʋanogara munyika yomupata ʋaneŋgoro dzamatare, iʋo ʋose ʋari paBeti‐sheani nemisha yaro, naʋari mumupata weJezreeri.
17
Ɀino Joshua akataura naʋeimba yaJosefa, iʋo ʋaEfraimi naʋaManase, akati: Imi muri ʋanhu ʋazhinji, munesimba guru, hamuŋgaʋi nomugoʋe mumŋe cete;
18
asi nyika yamakomo icaʋa yenyu; nokuti kunyaŋge riri ɗondo, mucafanira kuritema, maɓuɗiro aro ose agoʋa enyu; nokuti munofanira kudziŋga ʋaKanani, kunyaŋge ʋaneŋgoro dzamatare, ʋuye kunyaŋge ʋanesimba.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24