bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 4
Joshua 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Ɀino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Joridani, Jehova akataura naJoshua, akati:
2
Uɀitorere ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri kuʋanhu, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe;
3
ugoʋaraira, uciti: Pano pakati paJoridani, pakaramba pamire tsoka dzaʋaprista, muɀitorere mabge anegumi namaʋiri, muyambuke nawo, mundoaisa paʋato, pamucandoʋata ʋusiku bguno.
4
Ipapo Joshua akaɗana ʋarume aʋo ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakaŋga agadza pakati paʋana ʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe,
5
Joshua akati kwaʋari: Tuŋgamirirai areka yaJehova Mŋari wenyu, muyambuke kuȿikira pakati paJoridani, mumŋe nomumŋe wenyu anoŋge ibge ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi aʋana ʋaIsraeri.
6
Kuti cinhu ici ciʋe ciratidzo pakati penyu, kuti kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza pashure, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko?
7
Imi muti kwaʋari: Nokuti mvura yaJoridani yakagurwa pamberi peareka yesuŋgano yaJehova; ŋguʋa yayakayambuka Joridani, mvura yaJoridani yakagurwa; mabge awa acaʋa ciraŋgaridzo pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi.
8
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naJoshua, ʋakanoŋga mabge anegumi namaʋiri pakati paJoridani, seɀakataura Jehova kunaJoshua, akaenzana namarudzi aʋana ʋaIsraeri, ʋakayambuka nawo, ʋakaatakura, kuȿikira paʋakandoʋata, ʋakaaisa’po.
9
Ɀino Joshua akamisa mabge anegumi namaʋiri mukati maJoridani, pakaŋga pamire tsoka dzaʋaprista ʋaitakura areka yesuŋgano; ari’po kuȿikira nhasi.
10
Nokuti ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakamira mukati maJoridani kuȿikira ɀose ɀapera ɀakaŋga ɀarairwa Joshua naJehova, kuti aɀiʋudze ʋanhu, ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Joshua naMosesi; ʋanhu ʋakakurumidza kuyambuka.
11
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakati ʋapedza kuyambuka, areka yaJehova ikayambuka ʋo, naʋaprista pamberi paʋanhu.
12
Naʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, ʋakayambuka pamberi paʋanhu, ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa, seɀaʋakaʋudzwa naMosesi.
13
Ʋaneŋge ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa, ndiʋo ʋakayambuka pamberi paJehova, ʋakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14
Nomusi uyo Jehova akakudza Joshua pamberi paʋaIsraeri ʋose; ʋakamutya seɀaʋaitya Mosesi mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
15
Ɀino Jehova akataura naJoshua, akati:
16
Raira ʋaprista ʋanotakura areka yecipupuriro, kuti ʋakwire ʋaɓuɗe mukati maJoridani.
17
Naiɀoɀo Joshua akaraira ʋaprista, akati: Kwirai, muɓuɗe mukati maJoridani.
18
Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare.
19
Ʋanhu ʋakakwira ʋakaɓuɗa paJoridani pazuʋa regumi romŋedzi wokutaŋga, ʋakadzika matente aʋo muGirgari, pamuganho wamabvazuʋa eJeriko.
20
Joshua akamisa aya mabge anegumi namaʋiri aʋakanoŋga muJoridani paGirgari.
21
Akataura naʋana ʋaIsraeri, akati: Kana ʋana ʋenyu ʋacizobvunza madziɓaɓa aʋo paŋguʋa inoʋuya, ʋaciti: Mabge awa anoti kuɗiniko?
22
Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma.
23
Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka;
24
kuti ndudzi dzose dzenyika dziziʋe kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo runesimba; kuti ʋatye Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24