bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 6
Joshua 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
(Ɀino guta reJeriko rakaŋga rapfigwa kwaɀo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri; kwakaŋga kusinomunhu waiɓuɗa kana kupinda.)
2
Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tarira, ndakapa mumaʋoko ako Jeriko, namambo waro, naʋarume ʋaro ʋanesimba noʋumhare.
3
Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu.
4
Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda.
5
Ɀino kana ʋoridzisa norunyaŋga rwegondobge, kana imi mucinzwa kurira kwehwamanda, ipapo ʋanhu ʋose ʋanofanira kuɗanidzira nokuɗanidzira kukuru; ipapo ruȿiŋgo rweguta rucakoromoka cose, naʋanhu ʋanofanira kupinda, mumŋe nomumŋe ipapo pakaruramana naye.
6
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, akaɗana ʋaprista, akati kwaʋari: Simudzai areka yesuŋgano, ʋaprista ʋanomŋe ʋafambe ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova.
7
Akati kuʋanhu: Pfuʋurai, mupoteredze guta, ʋarume ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋatuŋgamirire areka yaJehova.
8
Ɀino Joshua wakati ataura naʋanhu, ʋaprista ʋanomŋe ʋakatuŋgamira ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge, ʋakaridza hwamanda, areka yesuŋgano yaJehova ikaʋateʋera.
9
Ʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakatuŋgamirira ʋaprista ʋakaŋga ʋaciridza hwamanda, naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda.
10
Ɀino Joshua akaraira ʋanhu, akati: Regai kuɗanidzira, namanzwi enyu ŋgaarege kunzwika, kana shoko rimŋe ŋgarirege kuɓuɗa pamiromo yenyu, kuȿikira pamusi wandinokurairai kuti muɗanidzire; ipapo munofanira kuɗanidzira.
11
Naiɀoɀo wakaraira kuti areka yaJehova ipoteredze guta, iripote kamŋe cete; ʋakapinda ɀe mumisasa, ʋakaʋata’mo.
12
Joshua akamuka maŋgwanani, ʋaprista ʋakasimudza areka yaJehova.
13
Naʋaprista ʋanomŋe ʋakaŋga ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova, ʋakaramba ʋacifamba ʋaciŋgoridza hwamanda; naʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakaʋatuŋgamirira; naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka yaJehova, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda.
14
Nomusi wecipiri ʋakapoteredza guta kamŋe cete, ʋakadzokera kumisasa; ʋakaita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu.
15
Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe.
16
Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta.
17
Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma.
18
Asi imi, cenjerai paɀinhu ɀinoyera, kuti murege kutora cinhu cinoyera, mambociyerisa; naiɀoɀo muŋgatukisa misasa yaIsraeri mukaipinza muɗambudziko.
19
Asi sirveri yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare ɀitȿene kunaJehova; ɀinofanira kuiswa muciʋigiro cefuma caJehova.
20
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɗanidzira, naʋaprista ʋakaridza hwamanda; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa kurira kwehwamanda, ʋanhu ʋakaɗanidzira nokuɗanidzira kukuru, ruȿiŋgo ndokukoromoka cose, ʋanhu ʋakakwira ʋacipinda muguta, mumŋe nomumŋe pakaruramana naye, ʋakakunda guta.
21
Ʋakaparadza cose nomunondo unopinza ɀose ɀakaŋga ɀiri muguta, ʋarume naʋakadzi, ʋaɗuku naʋakuru, nenzombe, namakwai, nemboŋgoro.
22
Joshua akati kuʋarume ʋaʋiri ʋakaŋga ʋandoshora nyika: Pindai muimba yecifeʋe, muɓuɗise mukadzi neɀose ɀaanaɀo, seɀamakapika kwaari.
23
Ɀino majaya iwayo, ʋashori, ʋakapinda, ʋakaɓuɗisa Rakabi, naɓaɓa ʋake, namai ʋake, nehanɀadzi dzake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, ʋakaɓuɗisa ʋo hama dzake dzose, ʋakaʋaisa kunze kwemisasa yaIsraeri.
24
Ipapo ʋakapisa guta nomŋoto, neɀose ɀakaŋga ɀiri mukati maro; asi sirveri, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, ʋakaɀiisa muciʋigiro cefuma ceimba yaJehova.
25
Asi Joshua wakarega Rakabi, cifeʋe ciya, ari mupenyu, iye naʋeimba yaɓaɓa ʋake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo; iye akagara pakati paIsraeri kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga aʋanza nhume dzakatumŋa naJoshua kundoshora Jeriko.
26
Neŋguʋa iyo Joshua akaʋapikisa, aciti: Munhu unozomuka akaʋaka guta iri reJeriko ŋgaatukwe; ucarashikirwa neɗaŋgwe rake kana aciteya nheyo dzaro, ʋuye ucarashikirwa norugotwe rwake kana acimutsa masuʋo aro.
27
Naiɀoɀo Jehova wakaŋga anaJoshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24