bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Joshua 10
Joshua 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Ɀino Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, wakati acinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza cose, ʋuye kuti wakaitira Ai namambo waro seɀaakaitira Jeriko namambo waro, ʋuye kuti ʋanhu ʋeGibeoni ʋakaŋga ʋayanana naʋaIsraeri, ʋakagara pakati paʋo;
2
ʋakatya kwaɀo, nokuti Gibeoni rakaŋga riri guta guru, rakaŋga rakaita somumŋe wemizinda yamambo; ʋuye nokuti rakaŋga riri guru kupfuʋura Ai, naʋarume ʋaro ʋose ʋakaŋga ʋanesimba.
3
Naiɀoɀo Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, akatuma nhume kunaHohami, mambo weHebroni, nokunaPirami, mambo weJarmuti, nokunaJafia, mambo weRakishi, nokunaDebiri, mambo weEgroni, akati:
4
Kwirai kwandiri, mundiɓatsire, tirwe naʋaGibeoni, nokuti ʋakayanana naJoshua naʋana ʋaIsraeri.
5
Naiɀoɀo madzimambo mashanu aʋaAmori, ʋaiti mambo weJerusarema, namambo weHebroni, namambo weJarmuti, namambo weRakishi, namambo weEgroni ʋakaʋuŋgana, ʋakaenda iʋo nehondo dzaʋo dzose, ʋakaʋaka misasa yaʋo pamberi peGibeoni, ʋakarwa naro.
6
Ipapo ʋarume ʋeGibeoni ʋakatuma nhume kunaJoshua kumisasa yakaŋga iri paGirgari, ʋakati: Musaregerera henyu ʋaranda ʋenyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutiɓatsira, nokuti madzimambo ose aʋaAmori ʋagere munyika yamakomo ʋakatiʋuŋganira kuzorwa nesu.
7
Ipapo Joshua akakwira acibva Girgari, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, naʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba noʋumhare.
8
Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti ndaʋaisa mumaʋoko ako; hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako.
9
Naiɀoɀo Joshua akaʋarwira pakarepo; akafamba ʋusiku bgose acibva Girgari.
10
Ɀino Jehova akaʋavundusa pamberi paIsraeri, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru paGibeoni, akaʋadziŋgirira nenzira yaikwira Beti‐horoni, akaʋaparadza kuȿikira Azeka, nokuȿikira Makeda.
11
Ɀino ʋakati ʋacitiza pamberi paʋaIsraeri, ʋari pamatenusirwa anoɓurukira Beti‐horoni, Jehova akakanda pamsoro paʋo mabge makuru akaŋga acibva kuɗeŋga, kuȿikira Azeka, ʋakafa; iʋo, ʋakafa necimvuramabge, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa neminondo naʋana ʋaIsraeri.
12
Ɀino Joshua akataura naJehova nomusi Jehova waakaisa ʋaAmori mumaʋoko aʋana ʋaIsraeri, akati pamberi paʋaIsraeri: Iwe zuʋa mira pamsoro peGibeoni, Newe mŋedzi pamupata weAjaroni.
13
Zuʋa rikamira, nomŋedzi ukarambira’po, Kuȿikira rudzi rwatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋarwo. Iɀi haɀina‐kunyorwa here mubuku yaJashari? Zuʋa rikaramba rimire pakati peɗeŋga, rikasakurumidza kuʋira ŋguʋa yakaita sezuʋa rose.
14
Hakuna‐kumboʋa nezuʋa rakaɗaro kubva pakutaŋga kana shure kwaro, kuti Jehova wakaterera inzwi romunhu; nokuti Jehova wakarwira Israeri.
15
Joshua akadzokera naʋaIsraeri ʋose kumisasa paGirgari.
16
Madzimambo awo mashanu akatiza, ʋakandoʋanda muɓako paMakeda.
17
Joshua akaʋudzwa, ɀicinzi: Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akaʋanda muɓako paMakeda.
18
Ɀino Joshua akati: Kuŋgurusai mabge makuru pamuromo weɓako, nokuisa ʋarume ipapo kuʋarinda.
19
Asi imi musamira henyu; teʋerai ʋaʋeŋgi ʋenyu, mundoʋuraya ʋeshure ʋaʋo; musaʋatendera kupinda mumaguta aʋo, nokuti Jehova Mŋari wenyu wakaʋaisa mumaʋoko enyu.
20
Ɀino Joshua naʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋapedza kuʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru, kuȿikira ʋaparadzwa, naʋakaŋga ʋasara kwaʋari ʋapinda mumaguta akaʋakirwa maȿiŋgo;
21
ʋanhu ʋose ʋakadzokera kumisasa kunaJoshua paMakeda norugare; hakunomunhu wakasimudzira mumŋe waʋana ʋaIsraeri rurimi rwake.
22
Ɀino Joshua akati: Zarurai muromo weɓako, muɓuɗise madzimambo mashanu iwayo muɓako muʋuye nawo kwandiri.
23
Iʋo ʋakaita saiɀoɀo, ʋakaɓuɗisa madzimambo iwayo mashanu muɓako ʋakaʋuya naʋo kwaari, ʋaiti mambo weJerusarema, namambo weHebroni, namambo weJarmuti, namambo weRakishi, namambo weEgroni.
24
Ɀino ʋakati ʋaɓuɗisa madzimambo iwayo ʋakaʋuya naʋo kunaJoshua, Joshua akaɗana ʋarume ʋose ʋaIsraeri, akati kuʋakuru nehondo ʋakaŋga ʋanaye: Sweɗerai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo awa. Iʋo ʋakasweɗera, ʋakaisa tsoka dzaʋo pamitsipa yaʋo.
25
Ɀino Joshua akati kwaʋari: Musatya, kana kuvunduswa; simbai mutsuŋge mŋoyo, nokuti Jehova ucaita saiɀoɀo naʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose, ʋamunorwa naʋo.
26
Pashure Joshua akaʋaɓaya, akaʋaʋuraya, ndokuʋasuŋgirira pamiti mishanu; ʋakaramba ʋakasuŋgirirwa pamiti kuȿikira maɗekwana.
27
Neŋguʋa yokuʋira kwezuʋa Joshua akaraira ʋanhu, ʋakaʋaturura pamiti, ʋakaʋakandira muɓako maʋakaŋga ʋakaʋanda, ʋakaisa mabge makuru pamuromo weɓako; ari’po kuȿikira zuʋa rino ranhasi.
28
Joshua akakunda Makeda nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akaʋaparadza cose naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe; akaitira mambo weMakeda seɀaakaitira mambo weJeriko.
29
Ɀino Joshua akabva Makeda, iye naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaenda Ribna ʋakarwa neRibna;
30
Jehova akariisa ʋo namambo waro mumaʋoko aIsraeri; akariparadza neminondo inopinza, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya’mo kunyaŋge nomumŋe; akaitira mambo waro seɀaakaitira mambo weJeriko.
31
Ɀino Joshua akabva Ribna, iye naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaenda Rakishi, ʋakaʋaka misasa yaʋo pedyo naro, ʋakarwa naro;
32
Jehova akaisa Rakishi mumaʋoko aʋaIsraeri, akarikunda nezuʋa repiri, akariparadza neminondo inopinza, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo, seɀose ɀaakaitira Ribna.
33
Ɀino Horami, mambo weGezeri, wakakwira kuzoɓatsira Rakishi; Joshua akamuʋuraya naʋanhu ʋake, kuȿikira asina‐kumusiyira kunyaŋge nomunhu mumŋe.
34
Ɀino Joshua akabva Rakishi, iye naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaenda Egroni; ʋakaʋaka misasa yaʋo pedyo naro, ʋakarwa naro;
35
ʋakarikunda nomusi iwoyo, ʋakariparadza neminondo inopinza; ʋakaparadza cose nomusi iwoyo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo, seɀose ɀaakaitira Rakishi.
36
Ɀino Joshua akabva Egroni, iye naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaenda Hebroni, ʋakarwa naro;
37
ʋakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe, seɀose ɀaakaitira Egroni; asi wakariparadza cose naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo.
38
Ɀino Joshua akadzokera Debiri, naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo; ʋakarwa naro;
39
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, nokuparadza cose ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo; haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe; seɀaakaitira Hebroni, ndiɀo ɀaakaitira Debiri ʋo, namambo waro; seɀaakaitira ʋo Ribna namambo waro.
40
Saiɀoɀo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana‐kusiya kunyaŋge nomumŋe; asi wakaparadza ɀose ɀipenyu, seɀakaraira Jehova Mŋari waIsraeri.
41
Joshua akaʋaparadza kubva Kadeshi‐barnea kuȿikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kuȿikira Gibeoni.
42
Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua neŋguʋa imŋe, nokuti Jehova Mŋari waIsraeri wakarwira Israeri.
43
Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirgari, iye naʋaIsraeri ʋose ʋaakaŋga anaʋo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24