bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 10
Leviticus 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 11 →
1
Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira.
2
Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukaʋaʋuraya, ʋakafa pamberi paJehova.
3
Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara.
4
Ipapo Mosesi akaɗana Mishaeri naErzafani, ʋanakomana ʋaUzieri, ɓaɓamunini ʋaAroni, akati kwaʋari: Sweɗerai, mubvise hama dzenyu pamberi penɀimbo tȿene, muʋatakurire kunze kwemisasa.
5
Ipapo ʋakasweɗera, ʋakaʋatakurira kunze kwemisasa ʋanamajasi aʋo, seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi.
6
Ɀino Mosesi akati kunaAroni nokunaEreazari nokunaItamari, ʋanakomana ʋake: Musasunuŋgura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura ŋguʋo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamŋira ʋuŋgano yose; asi hama dzenyu, ʋeimba yose yaIsraeri, iʋo ŋgaʋaceme kupisa kwakatuŋgidzwa naJehova.
7
Musaɓuɗa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehova ari pamsoro penyu. Ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi.
8
Ɀino Jehova wakataura naAroni, akati:
9
Usanwa waini kana cinhu cinoɓata, iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, kana mucipinda mutente rokusoŋgana, kuti murege kufa; uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose.
10
Munofanira kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, pakati peɀisina‐kunaka neɀakanaka;
11
munofanira kudzidzisa ʋana ʋaIsraeri mirairo yose yakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.
12
Ɀino Mosesi wakataura naAroni naEreazari naItamari, ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋasara, akati: Torai cipiriso coʋupfu cakasara paɀipiriso ɀakapisirwa Jehova nomŋoto, muɀidyire kurutiʋi rweartari ɀisinembiriso, nokuti ɀitȿene kwaɀo;
13
munofanira kuɀidyira panɀimbo tȿene, nokuti ndiwo mugoʋe wako nomugoʋe waʋanakomana ʋako paɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto, nokuti ndiɀo ɀandakarairwa.
14
Munofanira kudyira panɀimbo tȿene cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, nokuti makaɀipiwa, kuti uʋe mugoʋe wako, nomugoʋe waʋanakomana ʋako paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa ɀaʋana ʋaIsraeri.
15
Ʋanofanira kuʋuya neɓandauko rinosimudzwa; necityu cinozuŋguzirwa, pamŋe cete neɀipiriso ɀamafuta ɀinopiswa nomŋoto, kuti ʋaɀizuŋguzire, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova; cinofanira kuʋa cako necaʋanakomana ʋako, pamŋe cete newe; unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi, seɀakarairwa naJehova.
16
Ɀino Mosesi wakanatso‐tȿaka mbudzi yecipiriso ceɀiʋi, akawana kuti yapiswa, akatsamŋira Ereazari naItamari, ʋanakomana ʋaAroni ʋakaŋga ʋasara, akati:
17
Makaregerei kudyira cipiriso ceɀiʋi panɀimbo tȿene, ɀaciri citȿene kwaɀo, ʋuye nokuti wakakupai ico, kuti mubvise kutadza kweʋuŋgano, muʋayananisire pamberi paJehova?
18
Tarirai, ropa rayo harina‐kuʋuyiswa mukati menɀimbo tȿene, seɀandakaraira.
19
Ipapo Aroni akati kunaMosesi: Tarira, ʋakapisa nhasi cipiriso caʋo ceɀiʋi, necipiriso caʋo cinopiswa pamberi paJehova, ini ndikawirwa neɀinhu iɀi ɀakaɗai; ɀino ɗai ndakadya cipiriso ceɀiʋi nhasi, ɀiŋgaɗai ɀaifadza Jehova here?
20
Mosesi wakati acinzwa iɀoɀo, akatenda naɀo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27