bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 4
Leviticus 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana munhu akatadza nokusaziʋa pacinhu cimŋe ceɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, akaita cimŋe caɀo;
3
kana muprista wakazodzwa akatadza, akapinza ʋanhu pamhoȿa, unofanira kuʋigira Jehova nzombe ɗuku isinemhoȿa, nokuɗa kweɀiʋi ɀake ɀaakatadza, kuti ciʋe cipiriso ceɀiʋi.
4
Ŋgaaʋuye nenzombe ɗuku pamukoʋa wetente rokusoŋgana pamberi paJehova, aise ruʋoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuʋuraya nzombe pamberi paJehova.
5
Ɀino muprista wakazodzwa ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, ariise patente rokusoŋgana,
6
muprista agonyika munwe wake muropa, ndokusasa rimŋe ropa kanomŋe pamberi paJehova, pamberi pecidzitiro cenɀimbo tȿene.
7
Ɀino muprista aise rimŋe ropa pamberi paJehova panyaŋga dzeartari yeɀinonhuwira ɀakanaka, iri mutente rokusoŋgana, agoɗurura rimŋe ropa rose renzombe mujiŋga meartari yeɀipiriso ɀinopiswa, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
8
Ɀino ŋgaabvise mafuta ose enzombe yecipiriso ceɀiʋi, mafuta anofukidza ʋura, namafuta ose ari pamsoro poʋura,
9
netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo,
10
seɀaanobviswa panzombe yecipiriso cokuyananisa naco; ɀino muprista ŋgaaɀipise pamsoro peartari yeɀipiriso ɀinopiswa.
11
Ƌebge renzombe, nenyama yayo yose, pamŋe cete nomusoro wayo, namakumbo ayo, noʋura bgayo, namaɀiɀi ayo;
12
nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorashirwa maɗota, ndokuipisira pamsoro pehuni nomŋoto; ŋgaipisirwe panorashirwa maɗota.
13
Kana ʋuŋgano yose yaIsraeri ikatadza, cinhu ico cikasazikanwa neʋuŋgano, kana ʋakaita cimŋe ceɀinhu ɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, ʋakapara mhaka;
14
kana ciʋi caʋakatadza cikazozikanwa, ɀino ʋuŋgano ŋgaiʋuye nenzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, iʋuyiswe pamberi petente rokusoŋgana.
15
Ɀino ʋakuru ʋeʋuŋgano ŋgaʋaise maʋoko aʋo pamusoro wenzombe pamberi paJehova, nzombe igoʋurawa pamberi paJehova.
16
Ɀino muprista wakazodzwa ŋgaaʋuye nerimŋe ropa renzombe patente rokusoŋgana,
17
muprista anyike munwe wake muropa, arisase kanomŋe pamberi paJehova, pamberi pecidzitiro.
18
Ɀino ŋgaaise rimŋe ropa panyaŋga dzeartari iri pamberi paJehova, iri mutente rokusoŋgana; rimŋe ropa rose agoriɗururira mujiŋga meartari yeɀipiriso ɀinopiswa, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana.
19
Ɀino ŋgaabvise mafuta ose ari’po, aapise pamsoro peartari.
20
Ndiɀo ɀaanofanira kuitira nzombe; seɀaakaitira nzombe yecipiriso ceɀiʋi, ndiɀo ɀaanofanira kuitira iyi; muprista unofanira kuʋayananisira, ʋakaŋganwirwe.
21
Ɀino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, seɀaakapisa nzombe yokutaŋga; ndico cipiriso ceɀiʋi ceʋuŋgano.
22
Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziʋa cimŋe ceɀinhu ɀose ɀakarairwa naJehova Mŋari wake kuti ɀirege kuitwa, akapara mhaka;
23
kana ciʋi cake caakatadza akaciziʋiswa, ŋgaaʋuye nenhoŋgo yembudzi isinemhoȿa, ciʋe cipiriso cake.
24
Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wembudzi, aiʋuraye panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa pamberi paJehova, ciʋe cipiriso ceɀiʋi.
25
Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa recipiriso ceɀiʋi nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yecipiriso cinopiswa, nerimŋe ropa rayo ariɗururire mujiŋga meartari yecipiriso cinopiswa.
26
Mafuta ayo ose ŋgaapiswe pamsoro peartari, seɀaʋakaita namafuta ecipiriso cokuyananisa; muprista amuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀake, akaŋganwirwe.
27
Kana mumŋe waʋanhu ɀaʋo akatadza akaita nokusaziʋa cimŋe ceɀinhu ɀakarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa, akapara mhaka;
28
kana ciʋi cake caakatadza akaciziʋiswa, ŋgaaʋuye neshece yembudzi isinemhoȿa, ciʋe cipiriso cake pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza.
29
Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso ceɀiʋi, aʋuraye cipiriso ceɀiʋi panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa.
30
Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa rayo nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yeɀipiriso ɀinopiswa, asi rimŋe ropa rayo rose ŋgaariɗururire mujiŋga meartari.
31
Ɀino ŋgaabvise mafuta ayo ose, seɀinobviswa mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa naɀo, muprista agoapisa pamsoro peartari, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; muprista unofanira kumuyananisira, akaŋganwirwe.
32
Kana akaʋuya negwaiana rokuita naro cipiriso cake ceɀiʋi, ŋgaaʋuye neshece isinemhoȿa.
33
Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso ceɀiʋi, agoriʋuraya panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa.
34
Ɀino muprista ŋgaatore rimŋe ropa recipiriso ceɀiʋi nomunwe wake, ariise panyaŋga dzeartari yeɀipiriso ɀinopiswa, asi rimŋe ropa raro rose ŋgaariɗururire mujiŋga meartari;
35
ɀino ŋgaabvise mafuta aro ose, seɀinobviswa mafuta egwaiana paciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa naɀo; muprista aapise pamsoro peartari seɀinoitwa neɀipiriso ɀose ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; muprista unofanira kumuyananisira pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza, akaŋganwirwe.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27