bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 27
Leviticus 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
1
Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana munhu akaɀisuŋga nokupika kukuru, ʋanhu ŋgaʋaʋe ʋaJehova seɀaunotara iwe.
3
Kana ucitara muteŋgo womurume unamakore anamakumi maʋiri kuȿikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ŋgakuite mashekeri makumi mashanu esirveri, ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene.
4
Kana ari mukadzi, kutara kwako ŋgakuite mashekeri makumi matatu esirveri.
5
Kana anamakore anobva pamashanu kuȿikira pamakore makumi maʋiri, kutara kwako kwomurume ŋgakuite mashekeri makumi maʋiri, nokwomukadzi mashekeri anegumi.
6
Kana anomŋedzi mumŋe kuȿikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ŋgakuite mashekeri mashanu esirveri, nokutara kwako kwomukadzi ŋgakuite mashekeri matatu esirveri.
7
Kana anamakore makumi matanhatu naanopfuʋura, kana ari murume, kutara kwako ŋgakuite mashekeri anegumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri anegumi.
8
Kana ari murombo, asiŋgaȿiki pakutara kwako, unofanira kuiswa pamberi pomuprista, kuti muprista amutarire; muprista unofanira kumutarira iye wakapika seɀaaŋgagona kuripa.
9
Kana ciri cipfuwo cinopiwa Jehova, cokutenda naco, ɀose ɀaco ɀinopa munhu Jehova ɀinofanira kuʋa ɀitȿene.
10
Haafaniri kuɀishandura kana kutsinhanhisa cakaipa necakanaka, kana cakanaka necakaipa; kana atsinhanhisa cipfuwo necipfuwo, ico necakatsinhiwa, ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀinofanira kuʋa ɀitȿene.
11
Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, cisiŋgapiwi Jehova cokutenda naco, cipfuwo ico cinofanira kuiswa kumuprista;
12
ɀino muprista unofanira kucitarira muteŋgo, kana cakanaka kana cakaipa; seɀawakacitarira iwe muprista, ndiɀo ɀacicaita.
13
Ɀino kana aciɗa kucidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu caco pakutara kwako.
14
Kana munhu aciita imba yake tȿene, kuti iʋe tȿene kunaJehova, muprista unofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; seɀainotarirwa nomuprista, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro.
15
Kana iye wakaita imba yake tȿene aciɗa kuidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakatara iwe, ipapo icaʋa yake.
16
Kana munhu akaitira Jehova ndima yomunda wake tȿene, iwe unofanira kuitarira muteŋgo ucienzanisa neɀakadɀarwa’mo; homeri imŋe yebari yakadɀarwa iite mashekeri makumi mashanu esirveri.
17
Kana aciita munda wake mutȿene kubva pagore rejuberi, seɀawakautarira iwe, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro.
18
Asi kana acitsaura munda wake shure kwegore rejuberi, muprista unofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kuȿikira pagore rejuberi; ɀino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
19
Kana munhu wakatsaura munda wake aciɗa kuudzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakamutarira, ugoʋa wake.
20
Kana asiŋgaɗi kudzikinura munda, kana ɀimŋe aciŋge ateŋgesa munda kunomumŋe, hauŋgazodzikinurwi;
21
asi munda uyu, kana ucisunuŋgurwa negore rejuberi, unofanira kuʋa mutȿene kunaJehova, somunda wakayeriswa; ucaʋa womuprista.
22
Kana acitsaurira Jehova munda waakateŋga, usati uri munda wenhaka yake,
23
muprista unofanira kumutarira muteŋgo seɀawakatara iwe kuȿikira pagore rejuberi; ɀino iye unofanira kuripa mari seɀawakatara iwe, ciʋe cinhu citȿene kunaJehova.
24
Pagore rejuberi munda unofanira kudzokera kumunhu waakaŋga ateŋga kwaari, kunaiye wakaŋga ari muridzi wenyika.
25
Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanɀimbo tȿene; shekeri rimŋe rinoita magera maʋiri.
26
Asi mŋana wemhoŋgora pakati peɀipfuwo, uri waJehova ɀauri mŋana wemhoŋgora, ŋgakurege kuʋa nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndeɀaJehova.
27
Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, unofanira kucidzikinura seɀawakacitarira iwe, aciwedzera ʋo ceshanu caco; kana cisiŋgadzikinurwi, cinofanira kuteŋgeswa seɀawakacitarira iwe.
28
Kunyaŋge ɀakaɗaro, hakunecinhu cakayeriswa, cakayerisirwa Jehova nomunhu paɀose ɀaanaɀo, kana ciri caʋanhu, kana ɀipfuwo, kana munda wenhaka yake, ciŋgateŋgeswa kana kudzikinurwa; cinhu cipi necipi cakayeriswa, cinofanira kuʋa citȿene kwaɀo kunaJehova.
29
Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuʋanhu, haaŋgadzikinurwi; unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
30
Ɀegumi ɀose ɀenyika, kana ɀiri ɀembeu dzenyika, kana micero yemiti, ndeɀaJehova; ɀitȿene kunaJehova.
31
Kana munhu aciɗa kudzikinura cimŋe paɀegumi ɀake, unofanira kuwedzera kwaciri ceshanu caco.
32
Ɀegumi ɀose ɀeŋombe, kana ɀeɀipfuwo ɀiɗuku, ɀose ɀinopfuʋura napazasi petȿimbo, cegumi cinofanira kuʋa citȿene kunaJehova.
33
Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi.
34
Ndiyo mirairo yaʋana ʋaIsraeri yakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27