bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 9
Leviticus 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 10 →
1
Ɀino nomusi worusere Mosesi wakaɗana Aroni naʋanakomana ʋake, naʋakuru ʋaIsraeri,
2
akati kunaAroni: Tora mukono wemhuru ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge ciʋe cipiriso cinopiswa, ɀisinemhoȿa, uʋuye naɀo pamberi paJehova.
3
Utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Torai nhoŋgo yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi, nemhuru, negwaiana, ɀose ɀegore rimŋe, ɀisinemhoȿa, ciʋe cipiriso cinopiswa;
4
nenzombe, negondobge ɀiʋe ɀipiriso ɀokuyananisa, muɀiɓayire pamberi paJehova; necipiriso coʋupfu bgakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehova unoɀiratidza kwamuri.
5
Ɀino iʋo ʋakaʋuya neɀakaŋga ɀarairwa naMosesi pamberi pomukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋuŋgano yose ikasweɗera, ʋakamira pamberi paJehova.
6
Ipapo Mosesi akati: Ndico cinhu cakarairwa naJehova kuti muciite, kuti kubginya kwaJehova kuɀiratidze kwamuri.
7
Mosesi akati kunaAroni: Sweɗera kuartari uɓayire cipiriso cako ceɀiʋi, necipiriso cako cinopiswa, uɀiyananisire iwe naʋanhu; uʋuye ʋo necipo caʋanhu, kuti uʋayananisire, seɀakarairwa naJehova.
8
Ipapo Aroni wakasweɗera kuartari, akaɓaya mhuru yecipiriso ceɀiʋi, cakaŋga ciri cake.
9
Ʋanakomana ʋaAroni ʋakaʋuya neropa kwaari, iye akanyika munwe wake muropa, akariisa panyaŋga dzeartari, akaɗurura ropa mujiŋga meartari;
10
asi mafuta, netȿo, namafuta akaŋga ari pamsoro peciropa cecipiriso ceɀiʋi, wakaɀipisa pamsoro peartari, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
11
Nyama neɗebge akaɀipisa nomŋoto kunze kwemisasa.
12
Akaɓaya cipiriso cinopiswa; ʋanakomana ʋaAroni ʋakamugamucidza ropa, iye akarisasa pamsoro peartari kunhiʋi dzose.
13
Ipapo ʋakamugamucidza ʋo cipiriso cinopiswa, nhindi imŋe neimŋe, nomusoro, akaɀipisa pamsoro pecipiriso cinopiswa pamsoro peartari.
14
Akasuka ʋura namakumbo, akaɀipisa pamsoro peartari.
15
Ipapo akaʋuya necipo caʋanhu, akatora mbudzi yecipiriso ceɀiʋi, caiʋa caʋanhu, akaiɓaya, akaiɓayira ɀiʋi, seyokutaŋga.
16
Ipapo akaʋuya necipiriso cinopiswa, akaciɓayira seɀakaŋga ɀarairwa.
17
Akaʋuya ʋo necipiriso coʋupfu, akatsamura’po tsama yake, ndokucipisira pamsoro peartari, aciwedzera pacipiriso cinopiswa camaŋgwanani.
18
Akaɓaya ʋo nzombe negondobge, kuti ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisira ʋanhu; ʋanakomana ʋaAroni ʋakamugamucidza ropa, akarisasa pamsoro peartari kunhiʋi dzose;
19
namafuta enzombe, neegondobge, neɓemhe, namafuta anofukidza ʋura, netȿo, namafuta anofukidza ciropa;
20
akaisa mafuta pamsoro pecityu, akapisa mafuta pamsoro peartari;
21
Aroni akazuŋguzira ɀityu neɓandauko rorudyi, kuti ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi.
22
Ɀino Aroni wakasimudzira maʋoko ake kuʋanhu, akaʋaropafadza; akaɓuruka, apedza kuɓayira cipiriso ceɀiʋi, necipiriso cinopiswa, neɀiɓayiro ɀokuyananisa naɀo.
23
Mosesi naAroni ʋakapinda mutente rokusoŋgana, ʋakaɓuɗa ɀe, ʋakaropafadza ʋanhu; kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋanhu ʋose.
24
Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukapisa cipiriso cinopiswa namafuta pamsoro peartari; ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakaɗanidzira, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27