bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 18
Leviticus 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 19 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Ndini Jehova, Mŋari wenyu.
3
Regai kuita seɀakaŋga ɀiciitwa panyika yeEgipita mamakaŋga mugere, ʋuye regai kuita seɀinoitwa panyika yeKanani, kwandicazokuisai; musafamba netsika dzaʋo.
4
Itai ɀandakatoŋga ini, ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, kuti mufambe maɀiri; ndini Jehova, Mŋari wenyu.
5
Naiɀoɀo ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, neɀandakatoŋga; kana munhu akaɀiita ucararama naɀo; ndini Jehova.
6
Ŋgakurege kuʋa nomunhu unosweɗera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehova.
7
Usafukura ɓaɓa ʋako, namai ʋako; ndimai ʋako, usaʋafukura.
8
Usafukura mukadzi waɓaɓa ʋako; ndiko kufukura ɓaɓa ʋako.
9
Usafukura hanɀadzi yako, mŋanasikana waɓaɓa ʋako, kana mŋanasikana wamai ʋako, kana ʋakaɓerekerwa mumusha, kana ʋakaɓerekerwa kumŋe.
10
Usafukura mŋanasikana womŋanakomana wako, kana mŋanasikana womŋanasikana wako; nokuti kufukurwa kwaʋo ndiko kwako.
11
Usafukura mŋanasikana womukadzi waɓaɓa ʋako, wakaɓerekwa naɓaɓa ʋako, ihanɀadzi yako.
12
Usafukura ʋatete ʋako; ihama yomumba maɓaɓa ʋako.
13
Usafukura mainini ʋako, nokuti ihama yomumba mamai ʋako.
14
Usafukura ɓaɓamunini ʋako, usasweɗera kumukadzi wake, ndimainini ʋako.
15
Usafukura mukadzi womŋanakomana wako, ndimukadzi womŋanakomana wako; usamufukura.
16
Usafukura mukadzi womunuŋuna wako, ndiko kufukurwa kwomŋanakomana wako.
17
Usafukura mukadzi pamŋe cete nomŋanasikana wake; usatora mŋanasikana womŋanakomana wake, kana mŋanasikana womŋanasikana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; ɀakashata.
18
Usatora mukadzi pamŋe cete nomunuŋuna wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamŋe cete nomumŋe aciri mupenyu.
19
Usasweɗera kumukadzi kuti umufukure, acakaipa nokuʋa kumŋedzi kwake.
20
Usaʋata nomukadzi wowokwako, kuti uɀiȿiɓise naye.
21
Usapa mumŋe waʋana ʋako kuti apinde mumŋoto kunaMoreki, ʋuye usamhura zita raMŋari wako; ndini Jehova.
22
Usaʋata nomurume seɀinoʋatwa nomukadzi; ɀinonyaŋgadza.
23
Usaʋata necipfuʋo cipi necipi kuti uɀiȿiɓise naco; nomukadzi ŋgaarege kumira pamberi pecipfuwo kuti akwirwe naco; ɀinonyaŋgadza kwaɀo.
24
Regai kuɀiȿiɓisa kunecinhu cimŋe caiɀoɀi; nokuti ʋahedeni ʋakaȿiɓiswa neɀinhu iɀi ɀose, iʋo ʋandakadziŋga pamberi penyu;
25
nenyika yakaȿiɓiswa; naiɀoɀo ndinoiroʋa pamsoro peɀakaipa ɀayo, nyika irutse ʋanhu ʋagere’mo.
26
Naiɀoɀo imi ceŋgetai mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, kuti murege kuita cinhu cimŋe caiɀoɀo ɀinonyaŋgadza; kana ari wakaɓerekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
27
(Nokuti ʋanhu ʋenyika ino, ʋakakutaŋgirai, ʋakaita ɀinhu iɀi ɀose ɀinonyaŋgadza, nyika ikaȿiɓiswa;)
28
kuti nyika irege kukurutsai ʋo, kana muciiȿiɓisa, seɀayakarutsa ʋanhu ʋakakutaŋgirai.
29
Nokuti aninani unoita cinhu cimŋe caiɀoɀi ɀinonyaŋgadza, ʋanhu ʋanoɀiita ʋacabviswa pakati porudzi rwaʋo.
30
Naiɀoɀo ceŋgetai ɀandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyaŋgadza, dzaiitwa musati maʋa’po, kuti murege kuɀiȿiɓisa naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27