bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 16
Leviticus 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 17 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, shure kwokufa kwaʋanakomana ʋaʋiri ʋaAroni, musi waʋakasweɗera pamberi paJehova, ʋakafa;
2
Jehova akati kunaMosesi: Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda ŋguʋa dzose panɀimbo tȿene mukati mecidzitiro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa, ciri pamsoro peareka, kuti arege kufa; nokuti ndicaɀiratidza mugore pamsoro pecifunhiro cokuyananisa.
3
Ɀino Aroni ŋgaapinde munɀimbo tȿene neɀinhu iɀi: Nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge, ciʋe cipiriso cinopiswa.
4
Unofanira kufuka jasi dɀene romuceka, aʋe ʋo namaburuku omuceka pamuʋiri wake, nokuɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire romuceka, nokudzika ʋo ŋgoani yomuceka; ndidzo ŋguʋo tȿene; ŋgaashambidze muʋiri wake nemvura, agoɀifuka.
5
Ɀino unofanira kutora kuʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri nhoŋgo mbiri dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa.
6
Aroni unofanira kuʋuya nenzombe yake ɗuku yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire, iye naʋeimba yake.
7
Ɀino ŋgaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana;
8
Aroni ɀino unofanira kukanda mijenya pamsoro pembudzi mbiri, mumŋe mujenya waJehova, mumŋe waAzazeri.
9
Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nembudzi yakaɓatwa nomujenya pamberi paJehova, ndokuiɓayira ciʋe cipiriso ceɀiʋi.
10
Asi mbudzi yakaɓatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehova kuti ayananisire pamsoro payo, igoregedzwa iende kurenje, iʋe yaAzazeri.
11
Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi;
12
ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro;
13
ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa;
14
ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa.
15
Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa;
16
unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo.
17
Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri.
18
Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose.
19
Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri.
20
Kana apedza kuyananisira nɀimbo tȿene netente rokusoŋgana, neartari, ŋgaaʋuye nembudzi mhenyu,
21
Aroni agoisa maʋoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureʋurura pamsoro payo ɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri nokuɗarika kwaʋo kwose, iɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀose; ŋgaaɀiise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumŋe kurenje nomunhu wakaŋga arairwa.
22
Mbudzi iyo inofanira kutakurira ɀakaipa ɀaʋo ɀose kunyika isinaʋanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
23
Ɀino Aroni unofanira kupinda mutente rokusoŋgana, unofanira kubvisa ŋguʋo dzake dzomuceka, idzo dzaakaŋga akafuka pakupinda kwake panɀimbo tȿene, agodzisiya’po.
24
Unofanira kushambidza muʋiri wake nemvura munɀimbo tȿene, ndokufuka ŋguʋo dzake ndokuɓuɗa, agoɓayira cipiriso cake cinopiswa necipiriso cinopiswa caʋanhu, kuti aɀiyananisire iye naʋanhu.
25
Ɀino ŋgaapise mafuta ecipiriso ceɀiʋi pamsoro peartari.
26
Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
27
Asi nzombe yecipiriso ceɀiʋi, nembudzi yecipiriso ceɀiʋi ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene kuti ɀiyananisire, ɀinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; ɀino ʋanofanira kupisa matebge aɀo nenyama yaɀo namaɀiɀi aɀo nomŋoto.
28
Nomunhu unoɀipisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
29
Unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri: Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi romŋedzi, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokusaɓata maɓasa ose, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
30
nokuti munofanira kuyananisirwa nezuʋa iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa paɀiʋi ɀenyu ɀose pamberi paJehova.
31
Rinofanira kuʋa saɓata rokuzorora kwaɀo kwamuri, munofanira kucema pamŋeya yenyu; murairo usiŋgaperi.
32
Muprista ucazozodzwa nokugadzwa paʋuprista panɀimbo yaɓaɓa ʋake, iye unofanira kuyananisira nokufuka ŋguʋo dzomuceka, idzo ŋguʋo tȿene;
33
unofanira kuyananisira nɀimbo tȿene, ʋuye unofanira kuyananisira tente rokusoŋgana neartari; ʋuye unofanira kuyananisira ʋaprista naʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano.
34
Uyu unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri, kuyananisira ʋana ʋaIsraeri kamŋe cete pagore pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. Akaita seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27