bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 7
Leviticus 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 8 →
1
Murairo wecipiriso cemhoȿa ndiwo: Citȿene kwaɀo.
2
Paʋanoʋurayira cipiriso cinopiswa, ndi’po paʋanofanira kuʋuraya cipiriso cemhoȿa; ropa raco unofanira kurisasa pamsoro peartari kunhiʋi dzose.
3
Ɀino ŋgaapisire mafuta aco ose, mafuta eɓemhe, namafuta anofukidza ʋura,
4
netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo.
5
Ɀino muprista ŋgaaɀipise paartari, ciʋe cipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto; cipiriso cemhoȿa.
6
Ʋarume ʋose kuʋaprista ŋgaʋacidye; cidyiwe panɀimbo tȿene; citȿene kwaɀo.
7
Seɀinoitwa necipiriso ceɀiʋi, ndiɀo ɀinoitwa ʋo necipiriso cemhoȿa; murairo waɀo ndomumŋe; cicaʋa comuprista unoyananisira naco.
8
Ʋuye muprista, unopisira cipiriso cinopiswa comunhu, uyo muprista unofanira kupiwa ɗebge recipiriso cinopiswa caakaʋuya naco.
9
Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu, cakaɓikwa mucoto, neɀose ɀakagadzirwa mugaŋgo kana muhari, ɀicaʋa ɀomuprista unoʋuya naɀo.
10
Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu, cakakanyiwa namafuta, kana cakawoma, cinofanira kupiwa ʋanakomana ʋose ʋaAroni, mumŋe nomumŋe, ʋacienzaniswa.
11
Ndiwo murairo weɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, ɀinofanira kupiwa Jehova:
12
Kana munhu akaɀipa, kuti aʋoŋge naɀo, pamŋe cete neciɓayiro cokuʋoŋga naco, unofanira kupa ɀiŋgwa ɀiɗuku ɀisina‐kuʋiriswa ɀakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta, neɀiŋgwa ɀakakanyiwa namafuta ɀoʋupfu bgakatsetseka ɀakakaŋgwa.
13
Unofanira kupa ʋo cipo cake ceɀiŋgwa ɀakaʋiriswa pamŋe cete neciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ɀokuʋoŋga naɀo.
14
Ɀino pacipiriso ici unofanira kupa cimŋe pacipo cimŋe necimŋe ciʋe cipiriso cinosimudzirwa Jehova; cicaʋa comuprista unosasa ropa reɀipiriso ɀokuyananisa.
15
Nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa ɀokuʋoŋga naɀo inofanira kudyiwa nomusi waanopa cipo cake; haafaniri kusiya cimŋe caco kuȿikira maŋgwanani.
16
Asi kana ciɓayiro cecipo cake ciri cinhu caakapika, kana cipo cokuɗa kwake, cinofanira kudyiwa nomusi waanoɓayira ciɓayiro cake; ɀakasara paɀiri ɀinofanira kudyiwa maŋgwanani;
17
asi ɀakasara ɀenyama yeciɓayiro ɀinofanira kupiswa nomŋoto nezuʋa retatu.
18
Kana imŋe nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa ikadyiwa nezuʋa retatu, haɀiŋgagamucirwi nomufaro kana kunzi ɀakanaka kunaiye wakaɀipa; cicaʋa cinhu cinonyaŋgadza, nomunhu unoɀidya ucaʋa nemhoȿa.
19
Nyama yakaɓatana necinhu cisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomŋoto. Asi imŋe nyama mumŋe nomumŋe wakanatswa uŋgaidya.
20
Asi munhu unodya nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, ɀiri ɀaJehova, aciri netȿina yake, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
21
Kana aninani akaɓata cinhu cisakanaka, kana ɀiri ɀisakanaka ɀomunhu kana ɀemhuka isakanaka, kana cimŋe cinhu cisakanaka cinonyaŋgadza, akadya nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ɀiri ɀaJehova, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
22
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
23
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Musadya mafuta, kana eŋombe, kana egwai, kana embudzi.
24
Mafuta ecinhu cakaŋgofa coga, namafuta ecinhu cakaʋurawa neɀikara, aŋgaɓatwa nawo pamaɓasa ose, asi hamufaniri kutoŋgoadya.
25
Nokuti aninani unodya mafuta eɀipfuwo ɀaʋanoitira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto, munhu unoadya unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
26
Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana reɀipfuwo, padzimba dzenyu dzose.
27
Aninani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
28
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:
29
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Munhu unoɓayira Jehova ciɓayiro cake ceɀipiriso ɀokuyananisa, unofanira kuʋuya necipo cake kunaJehova cinobva paciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa;
30
maʋoko ake amene anofanira kuʋuya neɀipiriso ɀinoitirwa Jehova nomŋoto; ŋgaaʋuye namafuta pamŋe cete necityu, kuti cityu cizuŋguzirwe, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova.
31
Ɀino muprista ŋgaapise mafuta paartari, asi cityu ndecaAroni naʋanakomana ʋake.
32
Munofanira kupa muprista ɓandauko rorudyi, ciʋe cipiriso cinosimudzwa paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa.
33
Uyo pakati paʋanakomana ʋaAroni unopisira ropa reɀipiriso ɀokuyananisa namafuta, ndiye ucapiwa ɓandauko rorudyi uʋe mugoʋe wake.
34
Nokuti cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, ndiɀo ɀandakatora kuʋana ʋaIsraeri pakati peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaʋo ɀokuyananisa, ndikaɀipa Aroni muprista, naʋanakomana ʋake, ciʋe caʋo nokusiŋgaperi, cinobva kuʋana ʋaIsraeri.
35
Ndiwo mugoʋe waAroni, nomugoʋe waʋanakomana ʋake paɀipiriso ɀinoitirwa Jehova nomŋoto, nomusi waakaʋagadza nawo kuti ʋaɓatire Jehova paɓasa roʋuprista;
36
wakarairwa naJehova kuti ʋapiwe naʋana ʋaIsraeri nomusi wokuzodzwa kwaʋo. Ndiwo mugoʋe waʋo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi aʋo ose.
37
Ndiwo murairo wecipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, necipiriso ceɀiʋi, necipiriso cemhoȿa, nowokugadza, noweɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa;
38
wakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai, nomusi waakaraira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋape Jehova ɀipo ɀaʋo murenje reSinai.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27