bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 11
Leviticus 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 12 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati kwaʋari:
2
Taurai naʋana ʋaIsraeri, muti: Ndiɀo ɀipenyu ɀamuŋgadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
3
Ɀose pakati pemhuka ɀinamahwanda akaparadzana, kana ɀinetȿoka dzakaparadzana, ɀinodzeya, muŋgaɀidya.
4
Asi pakati peɀinodzeya, kana pakati peɀinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri;
5
nembira, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri.
6
netsuro, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri.
7
Neŋguruʋe, nokuti inetsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri.
8
Regai kudya nyama yaɀo, kana kuɓata ɀitunha ɀaɀo; ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka kwamuri.
9
Ndiɀo ɀamuŋgadya kuneɀose ɀiri mumvura: Ɀose ɀiri mumvura, mumakuŋgwa nomunzizi, ɀineɀimbi namakwande, ndiɀo ɀamuŋgadya.
10
Asi ɀose ɀisineɀimbi namakwande ɀiri mumakuŋgwa nomunzizi, paɀose ɀinopfakanyika mumvura, paɀose ɀipenyu ɀiri mumvura, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri.
11
Ŋgaɀiʋe ɀinonyaŋgadza kwamuri; musadya nyama yaɀo, neɀitunha ɀaɀo ɀinofanira kuʋa cinhu cinonyaŋgadza kwamuri.
12
Ɀose ɀiri mumvura ɀisineɀimbi namakwande ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri.
13
Iɀi pakati peshiri ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri, ŋgaɀirege kudyiwa, ŋgaɀiʋe ɀinonyaŋgadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
14
noruʋaŋgu, nenjerere, namarudzi adzo;
15
namarudzi ose amakuŋguʋu;
16
nemhou, nezizi, neshiri yeguŋgwa, namarudzi ose oruʋaŋgu;
17
nezizi ɗuku, nekanyurura‐hoʋe, nezizi guru;
18
nejicidza, nekondo, negora;
19
nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, neciremŋaremŋa.
20
Ɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀicifamba namakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀinhu ɀinonyaŋgadza kwamuri.
21
Asi iɀi muŋgadya pakati peɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀicifamba namakumbo manna, ɀinamakumbo pamsoro petsoka dzaɀo aɀinokwakuka nawo panyika.
22
Ndiɀo ɀamuŋgadya pakati paɀo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose ecinjiki, namarudzi eɓambamukota, namarudzi egwatakwata.
23
Asi ɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀinamakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri.
24
Mucaȿiɓiswa neɀiɀi: Aninani unoɓata ɀitunha ɀaɀo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
25
Aninani wakatakura citunha caɀo, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
26
Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisinetsoka dzakaparadzana, dzisiŋgadzeyi, ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri; mumŋe nomumŋe unoɀiɓata ucaʋa usina‐kunaka.
27
Ɀose ɀinofamba netsoka dzakapfaʋa pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri; aninani unoɓata ɀitunha ɀaɀo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
28
Munhu unotakura ɀitunha ɀaɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri.
29
Ɀisakanaka kwamuri pakati peɀinokambaira, ɀinokambaira panyika ndiɀo: Ciɗembo, negonzo, namarudzi egwaʋaʋa,
30
necipfira, nedɀinyu, negoroʋodyo, nedambakura, norwaivi.
31
Iɀoɀo ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri pakati peɀose ɀinokambaira; aninani unoɀiɓata kana ɀakafa ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
32
Cinhu cipi necipi cinowirwa necimŋe caɀo kana cakafa, cicaʋa cisina‐kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana ŋguʋo, kana ɗebge, kana homboɗo, kana iri nhumbi ipi neipi inoɓatwa ɓasa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, iʋe isina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo icaʋa yakanaka.
33
Hari imŋe neimŋe yevu yawirwa mukati mayo necimŋe caɀo, ɀose ɀiri mukati mayo ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka, naiyo munofanira kuiputsa.
34
Ɀokudya ɀose ɀiri’mo ɀiŋgadyiwa, kana ɀaɗirwa mvura, ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka; neɀinonwiwa ɀose ɀiri muhari iyo ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka.
35
Ɀose ɀinowirwa necitunha caɀo, ɀicaʋa ɀisina‐kunaka, kana coto, kana cikuʋa cehari, ɀinofanira kuputswa cose; haɀina‐kunaka, ŋgaɀiʋe ɀisina‐kunaka kwamuri.
36
Asi tsime kana dziʋa makaceŋgetwa mvura, ɀicaʋa ɀakanaka; asi cinogunɀa citunha caɀo cicaʋa cisina‐kunaka.
37
Kana citunha cecimŋe caɀo cikawira pamsoro pembeu yakaŋga yokushwa, icaʋa yakanaka.
38
Asi kana mbeu ikaɗirwa mvura, citunha cecimŋe caɀo cikawira pamsoro payo, inofanira kuʋa isina‐kunaka kwamuri.
39
Kana mhuka ipi neipi iŋgadyiwa, ikafa, aninani unogunɀa citunha cayo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
40
Unodya citunha cayo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; nomunhu unotakura citunha cayo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
41
Ɀose ɀinokambaira, ɀinokambaira panyika, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza, haɀifaniri kudyiwa.
42
Ɀose ɀinofamba neɗumbu, ʋuye ɀose ɀinofamba namakumbo manna, ʋuye ɀose ɀinofamba namakumbo mazhinji, ɀose ɀinokambaira, ɀinokambaira panyika, hamufaniri kuɀidya; nokuti ɀinonyaŋgadza.
43
Musaɀiita ʋanonyaŋgadza necinokambaira cipi necipi, musaɀiita ʋasina‐kunaka naɀo, kuti murege kuȿiɓiswa naɀo.
44
Nokuti ndini Jehova, Mŋari wenyu; naiɀoɀo ɀitsaurei, muʋe ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene; musaɀiȿiɓisa necinokambaira cipi necipi cinopfakanyika panyika.
45
Nokuti ndini Jehova wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; naiɀoɀo muʋe ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene.
46
Ndiwo murairo wemhuka, noweshiri, noweɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika mumvura, neɀisikwa ɀose ɀinokambaira panyika;
47
kuti mutsaure pakati peɀisakanaka neɀakanaka, napakati peɀipenyu ɀiŋgadyiwa neɀipenyu ɀisiŋgadyiwi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27