bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 25
Leviticus 25
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 26 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi pagomo reSinai, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika munyika yandicakupai, nyika inofanira kuitira Jehova saɓata.
3
Unofanira kudɀara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiriŋga yako makore matanhatu, nokuʋuŋganidza micero yayo.
4
Asi pagore recinomŋe nyika inofanira kuzorora kwaɀo, riʋe saɓata kunaJehova; usadɀara munda wako, kana kugurira mizambiriŋga yako.
5
Magoko ako usaakohwa, namazambiriŋga womuzambiriŋga wako usina‐kugurirwa usaatanha; rinofanira kuʋa gore rokuzorora kwaɀo kwenyika.
6
Gohwa resaɓata renyika ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀenyu; ɀako neɀomuranda wako, neɀomurandakadzi wako, neɀomuɓatiri wako, neɀomutorwa wako ugere newe;
7
neɀeɀipfuwo ɀako, neɀemhuka dziri munyika yako; ɀiɓereko ɀaɀo ɀose ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀaɀo.
8
Unofanira kuʋereŋga ʋo masaɓata manomŋe amakore, manomŋe akaʋereŋgwa kanomŋe; kuti mazuʋa amasaɓata manomŋe amakore aite kwauri makore makumi manna namapfumbamŋe.
9
Ɀino pazuʋa regumi romŋedzi wecinomŋe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwaɀo; pazuʋa rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
10
Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sunuŋguko panyika yose kunaʋose ʋagere’mo; rinofanira kuʋa gore rejuberi kwamuri; munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuneɀake, munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuhama dzake.
11
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuʋa rejuberi kwamuri; musadɀara, ʋuye musakohwa naro magoko, ʋuye musatanha naro mazambiriŋga emizambiriŋga isina‐kugurirwa.
12
Nokuti igore rejuberi; rinofanira kuʋa dɀene kwamuri; munofanira kudya ɀiɓereko ɀaro paminda.
13
Negore iri rejuberi munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuneɀake.
14
Ɀino kana uciteŋgesera wokwako cinhu, kana kuteŋga cinhu kwaari, musamanikidzana.
15
Uteŋge kunowokwako ucienzanisa namakore kubva pagore rejuberi, naiye unofanira kukuteŋgesera acienzanisa namakore akasara okukohwa.
16
Unofanira kuwedzera muteŋgo waɀo ucienzanisa nokuwanda kwamakore, ʋuye unofanira kutapudza muteŋgo ucienzanisa noʋushoma bgamakore; nokuti iye unokuteŋgesera ŋguʋa dzokukohwa.
17
Musamanikidzana, asi utye Mŋari wako; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.
18
Naiɀoɀo munofanira kuita ɀandakatema, nokuceŋgeta ɀandakatoŋga, nokuɀiita, kuti mugare munyika makaceŋgeteka.
19
Nyika icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, imi mucadya mukaguta, mukagara’mo makaceŋgeteka.
20
Ɀino kana mukati: Ticadyei negore recinomŋe? Tarirai, hatifaniri kudɀara, hatifaniri kuʋuŋganidza ɀiɓereko ɀeɗu;
21
ipapo ndicaraira kuti mukomborerwe neni pagore recitanhatu, kuti rikuɓerekerei ɀiɓereko ɀicariŋgana makore matatu.
22
Negore rorusere mucadɀara, mucidya ɀiɓereko ɀisharu; kuȿikira gore repfumbamŋe, kuȿikira ɀiɓereko ɀaro ɀiciȿika, mucadya ɀisharu.
23
Nyika haifaniri kuteŋgeswa cose nokusiŋgaperi, nokuti nyika ndeyaŋgu; nokuti muri ʋaeni naʋatorwa kwandiri.
24
Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikinurwe.
25
Kana hama yako ikaʋa murombo, ikateŋgesa ɀimŋe ɀayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuʋuya kuzodzikinura iɀo ɀakateŋgeswa nehama yako.
26
Kana munhu akashaiwa unoɀidzikinura, akazoʋa mufumi, akawana ɀinoriŋgana kuɀidzikinura;
27
unofanira kuʋereŋga makore kubva pakuteŋgeswa kwaɀo, agodzosera kunaiye waakateŋgana naye ɀakasara, iye ndokudzokera kuneɀake;
28
asi kana asiŋgagoni kuɀidzikinura, iɀo ɀaakateŋgesa ɀinofanira kugara kunaiye wakaɀiteŋga kuȿikira pagore rejuberi; ɀino pagore rejuberi ɀinofanira kusunuŋgurwa, iye agodzokera kuneɀake.
29
Kana munhu akateŋgesa imba iri muguta rakakombga namaȿiŋgo, uŋgaidzikinura gore rose raakateŋga naro risati rapera; unofanira kuʋa nesimba rokuidzikinura gore rose.
30
Kana isiŋgadzikinurwi gore rose rikapera, ɀino imba iyo iri muguta rakakombga namaȿiŋgo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaiteŋga nokusiŋgaperi, nokumarudzi ake; haiŋgasunuŋgurwi negore rejuberi.
31
Asi dzimba dzemisha isina‐kukombga namaȿiŋgo dzinofanira kuʋereŋgwa pamŋe cete neminda yenyika; dziŋgadzikinurwa, dzicasunuŋgurwa pagore rejuberi.
32
Asi pa maguta aʋaRevi, idzo dzimba pamaguta aʋo, ʋaRevi ʋaŋgadzidzikinura ŋguʋa ipi neipi.
33
Kana munhu akadzikinura kuʋaRevi, imba yakateŋgeswa neguta rake ɀinofanira kusunuŋgurwa pagore rejuberi; nokuti dzimba mumaguta aʋaRevi ndedzaʋo pakati paʋana ʋaIsraeri.
34
Asi minda yokuruwa rwamaguta aʋo haiŋgateŋgeswi, nokuti ndeyaʋo nokusiŋgaperi.
35
Kana hama yako ikaʋa murombo, akapera simba anewe, unofanira kumuɓatsira, agare newe somŋeni kana mutorwa.
36
Usatora mhindu yemari kwaari kana yeɀiɓereko kwaari, asi unofanira kutya Mŋari wako, kuti hama yako igare newe.
37
Usamupa mari yako ucireʋa mhindu, kana ɀokudya ɀako ucireʋa kuwedzerwa.
38
Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndiʋe Mŋari wenyu.
39
Kana hama yako ikaʋa murombo, agere newe, akaɀiteŋgesa kwauri, usamuɓatisa somusuŋgwa;
40
ŋgaaʋe somuɓatiri unopiwa muɓairo, kana somutorwa kwauri; ŋgaakuɓatire kuȿikira pagore rejuberi.
41
Ipapo ŋgaaɓuɗe hake kwauri, iye pamŋe cete naʋana ʋake, adzokere kuhama dzake, adzokere kunamadziɓaɓa ake.
42
Nokuti iʋo ʋaranda ʋaŋgu ʋandakaɓuɗisa munyika yeEgipita; ŋgaʋarege kuteŋgeswa, seɀinoitwa ʋasuŋgwa.
43
Usamuɓata nehasha, asi utye Mŋari wako.
44
Kana ʋari ʋasuŋgwa ʋako, ʋarume kana ʋakadzi, ʋaucazoʋa naʋo — muŋgaɀiteŋgera ʋasuŋgwa, ʋarume naʋakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
45
Muŋgateŋga ʋo kuʋana ʋaʋatorwa ʋagere pakati penyu nokuʋana ʋaʋo ʋari pakati penyu, ʋaʋakaɓereka panyika yenyu; iʋo ʋaŋgaʋa ʋenyu.
46
Muʋaite nhaka yaʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, kuti ʋaʋe ʋaʋo; munofanira kutora ʋasuŋgwa ʋenyu kwaʋari nokusiŋgaperi; asi kana dziri hama dzenyu, ʋana ʋaIsraeri, mumŋe ŋgaarege kuɓata mumŋe nehasha.
47
Kana mŋeni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikaʋa murombo, akaɀiteŋgesa kumŋeni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumŋana worudzi rwomŋeni uyo,
48
kana ateŋgeswa, uŋgadzikinurwa; munuŋuna kana mukoma wake uŋgamudzikinura;
49
kana ɓaɓamunini ʋake, kana mŋanakomana waɓaɓamunini ʋake, uŋgamudzikinura, kana aninani ʋehama dzake dzomumba make uŋgamudzikinura; kana iye akazoʋa mufumi, uŋgaɀidzikinura amene.
50
Ɀino iye nomuteŋgi wake ʋanofanira kuʋereŋga makore kubva pagore raakaɀiteŋgesa naro kwaari kuȿikira pagore rejuberi, muteŋgo waakaɀiteŋgesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; ŋguʋa yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa neŋguʋa yomuɓatiri unopiwa muɓairo wake.
51
Kana makore mazhinji aciŋge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, ɀicibva pamari yaakaŋga ateŋga nayo.
52
Kana kuciŋge kwasara makore mashoma kuȿikira pagore rejuberi, unofanira kuraŋgana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake ɀicienzaniswa namakore ake.
53
Unofanira kugara naye gore rimŋe nerimŋe somuɓatiri unopiwa muɓairo wake; ŋgaarege kumuɓata nehasha pamberi pako.
54
Kana asiŋgadzikinurwi nemitoʋo iyi, unofanira kusunuŋgurwa negore rejuberi, iye naʋana ʋake pamŋe cete naye.
55
Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋaŋgu; ʋaranda ʋaŋgu ʋandakaɓuɗisa panyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27