bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 23
Leviticus 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 24 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Mitambo yakatarwa naJehova, yamunofanira kuparidzira muciti ndidzo ʋuŋgano tȿene, ndiyo mitambo yaŋgu yakatarwa.
3
Maɓasa ŋgaaɓatwe mazuʋa matanhatu; asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, iʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa ripi neripi; isaɓata raJehova mudzimba dzenyu dzose.
4
Ndiyo mitambo yaJehova yakatarwa, ndidzo ʋuŋgano tȿene, dzamunofanira kuparidzira neŋguʋa dzakatarwa:
5
Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, ipaseka raJehova.
6
Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi iwoyo ndiwo mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; munofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe.
7
Nomusi wokutaŋga munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa raʋaranda.
8
Asi munofanira kupa Jehova cipiriso cinopiswa mazuʋa manomŋe; pazuʋa recinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa raʋaranda.
9
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
10
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika munyika yandicakupai, mukakohwa ɀiyo ɀayo, munofanira kuʋuya necisote ceɀitȿa ɀokukohwa kwenyu kumuprista,
11
iye unofanira kuzuŋguzira cisote ico pamberi paJehova, kuti cigamucirwe kwamuri; muprista unofanira kucizuŋguzira nomusi unoteʋera saɓata.
12
Nomusi wamunozuŋguzira cisote nawo, munofanira kuʋuya negwaiana regondobge risina‐kuremara, rinegore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova.
13
Necipiriso caco coʋupfu cinofanira kuʋa ceɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova cinonhuwira ɀakanaka; necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cewaini cecinna cehini.
14
Musadya ciŋgwa, kana ɀiyo ɀakakaŋgiwa, kana hura itȿa, kuȿikira pamusi iwoyo, kuȿikira maʋuya necipo caMŋari wenyu; ndiwo mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
15
Ɀino munofanira kuʋereŋga kubva pamusi unoteʋera saɓata, kubva pamusi wamakaʋuya nawo necisote cinozuŋguzirwa, masaɓata manomŋe.
16
Munofanira kuʋereŋga mazuʋa makumi mashanu kuȿikira pamusi unoteʋera saɓata recinomŋe; ipapo munofanira kupa Jehova cipiriso citȿa coʋupfu.
17
Munofanira kutora kudzimba dzenyu ɀiŋgwa ɀiʋiri ɀinozuŋguzirwa ɀeɀegumi ɀiʋiri ɀeefa; ɀinofanira kuʋa ɀoʋupfu bgakatsetseka, ɀiɓikwe nembiriso, kuti ɀiʋe ɀitȿa kunaJehova.
18
Pamŋe cete neɀiŋgwa munofanira kuʋuya namakwaiana manomŋe asina‐kuremara, egore rimŋe, nenzombe imŋe ɗuku, namakondobge maʋiri; iɀoɀo ɀinofanira kuʋa ciɓayiro cinopisirwa Jehova, pamŋe cete necipiriso caɀo coʋupfu neɀipiriso ɀinoɗururwa, ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
19
Ʋuye munofanira kuɓayira nhoŋgo imŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, namakwaiana maʋiri, mikono yegore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa.
20
Muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamŋe cete neɀiŋgwa ɀitȿa, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova, pamŋe cete namakwaiana maʋiri iwayo; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kunaJehova ɀiri ɀomuprista.
21
Munofanira kuparidza nomus woyo kuti muʋe neʋuŋgano itȿa; hamufaniri kuɓata maɓasa aʋaranda; uʋe mutemo usiŋgaperi padzimba dzenyu dzose kuȿikira kumarudzi enyu ose.
22
Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa kwaɀo miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu.
23
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
24
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Pamŋedzi wecinomŋe, zuʋa rokutaŋga romŋedzi rinofanira kuʋa kwamuri zuʋa rokuzorora kwaɀo, rinoyeʋudzwa nokuridzwa kwehwamanda, iʋe ʋuŋgano tȿene.
25
Musaɓata naro maɓasa ose aʋaranda; munofanira kuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto.
26
Jehova wakataura naMosesi, akati:
27
Zuʋa regumi romŋedzi uyu wecinomŋe izuʋa rokuyananisira; munofanira kuita naro ʋuŋgano tȿene, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto.
28
Nomusi uyo musaɓata ɓasa ripi neripi, nokuti izuʋa rokuyananisirwa, kuti muyananisirwe pamberi paJehova Mŋari wenyu.
29
Nokuti aninani usiŋgacemi pamŋeya wake nomusi iwoyo, ucabviswa pakati porudzi rwake.
30
Nomunhu upi noupi unoɓata ɓasa ripi neripi nomusi iwoyo, munhu uyo ndicamuparadza pakati porudzi rwake.
31
Musaita ɓasa ripi neripi; mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
32
Rinofanira kuʋa kwamuri saɓata rokuzorora kwaɀo, munofanira kucema pamŋeya yenyu; munofanira kuceŋgeta saɓata renyu, nezuʋa repfumbamŋe romŋedzi maɗekwana, kubva pamaɗekwana kuȿikira pamaɗekwana ɀe.
33
Jehova wakataura naMosesi, akati:
34
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyu wecinomŋe Jehova unofanira kuitirwa mutambo wamatumba mazuʋa manomŋe.
35
Nomusi wokutaŋga kunofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; musaita ɓasa ripi neripi raʋaranda.
36
Munofanira kuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto mazuʋa manomŋe; nomusi worusere munofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; muʋigire Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto; izuʋa romutambo mukuru, musaɓata ɓasa ripi neripi raʋaranda.
37
Ndiyo mitambo yakatarwa yaJehova, yamunofanira kuparidzira, muciti iʋuŋgano tȿene, kuti muʋigire Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto, cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, neciɓayiro, neɀipiriso ɀinoɗururwa, cimŋe necimŋe nezuʋa raco;
38
iɀi ŋgaɀiitwe, kunze kwamasaɓata aJehova, nokunze kweɀipo ɀenyu, nokunze kwemhiko dzenyu dzose, nokunze kwenhendo dzenyu dzose dzokuɗa kwenyu, dzamunopa Jehova.
39
Ɀino pazuʋa regumi namashanu romŋedzi wecinomŋe, kana makohwa gohwa reminda, munofanira kuita mutambo waJehova mazuʋa manomŋe; zuʋa rokutaŋga rinofanira kuʋa rokuzorora kwaɀo, nezuʋa rorusere rinofanira kuʋa rokuzorora kwaɀo.
40
Pazuʋa rokutaŋga munofanira kutora micero yemiti yakanaka, namashizha emicindwe, namataʋi emiti mikobvu, nemikonacando yomurukoʋa; munofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wenyu mazuʋa manomŋe.
41
Munofanira kuitira Jehova mutambo mazuʋa manomŋe gore rimŋe nerimŋe; uʋe mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose; munofanira kuuita nomŋedzi wecinomŋe.
42
Munofanira kugara mumatumba mazuʋa manomŋe; ʋose ʋakaɓerekerwa munyika pakati paʋaIsraeri ʋanofanira kugara mumatumba.
43
Kuti marudzi enyu aziʋe, kuti ndakagarisa ʋana ʋaIsraeri mumatumba, ŋguʋa yandakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
44
Ipapo Mosesi wakarondedzera kuʋana ʋaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehova.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27