bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 26
Leviticus 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 27 →
1
Musaɀiitira ɀifananidzo, kana kuɀimutsira mufananidzo wakaʋezwa kana shoŋgwe yebge; musaisa ibge rinomufananidzo munyika yenyu kuti mufugamire’po, nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu.
2
Munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu, nokukudza imba yaŋgu tȿene; ndini Jehova.
3
Kana mucifamba nemitemo yaŋgu, nokuceŋgeta mirairo yaŋgu, muciiita;
4
ini ndicakunisirai mvura neŋguʋa yayo, nenyika icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nemiti yesaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo.
5
Kupura kwenyu kucaȿika pakukohwa mazambiriŋga, nokukohwa mazambiriŋga kucaȿika paŋguʋa yokudɀara; mucadya ɀokudya ɀenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makaceŋgeteka.
6
Ndicakupai rugare panyika, kuti muʋate pasi musiŋgavunduswi nomunhu; ɀikara ndicaɀipedza panyika, nomunondo hauŋgapfuʋuri nomunyika yenyu;
7
mucadziŋga ʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋakaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
8
Ʋashanu ʋenyu ʋacadziŋga ʋanezana, naʋanezana ʋenyu ʋacadziŋga ʋaneɀuru ɀinegumi, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
9
Ini ndicakuraŋgarirai, ndicakuɓerekesai nokukuwanzai; ndicasimbisa suŋgano yaŋgu nemi.
10
Mucadya ɀiyo ɀakaceŋgetwa ŋguʋa huru, mucafanira kuɓuɗisa ɀekare kudziʋurira ɀitȿa.
11
Ndicagadza tabernakeri yaŋgu pakati penyu; mŋeya waŋgu hauŋgakusemiyi.
12
Ndicafamba pakati penyu, ndicaʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
13
Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti murege kuʋa ʋatapxa ʋaʋo; ndakavuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
14
Asi kana musiŋgaɗi kunditerera, musiŋgaɗi kuita mirairo iyi yose;
15
kana muciramba mitemo yaŋgu, kana mŋeya yenyu icisema ɀandakatoŋga, kuti murege kuɗa kuita mirairo yaŋgu yose, asi muciputsa suŋgano yaŋgu,
16
neni ʋo ndicakuitirai iɀi: Ndicaʋuyisa ɀinotyisa pamsoro penyu, hosha yorukosoro nefiviri ɀicaparadza meso nokuwondisa mŋeya yenyu; mucadɀara mbeu yenyu pasina, nokuti ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀidya.
17
Ndicakutoŋgai kuti mukundwe pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋanokuʋeŋgai ʋacaʋa ʋaɓati ʋenyu; mucatiza kunyaŋge kusinomunhu unokudziŋgai.
18
Ɀino kunyaŋge ɀakaɗaro kana musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kukuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu.
19
Ndicaputsa kuɀikudza kwenyu pamsoro pesimba renyu, ɗeŋga renyu ndicariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira;
20
simba renyu ricaperera pasina; nokuti nyika yenyu haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo, nemiti yenyika haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo.
21
Kana mucindiramba, musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kanomŋe maɗambudziko pamsoro peɀiʋi ɀenyu.
22
Ndicatuma ɀikara ɀesaŋgo pakati penyu, ɀicakupedzerai ʋana ʋenyu, nokuparadza ɀipfuwo ɀenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzicashaiwa ʋanhu.
23
Ɀino kana musiŋgaɗi kudzorwa neni neɀinhu iɀi, asi mucindiramba,
24
neni ʋo ndicakurambai; neni ʋo, ini ndimene, ndicakuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu.
25
Ndicaʋuyisa munondo pamsoro penyu, ucatsiʋa suŋgano yaŋgu; mucaʋuŋganidzwa mumaguta enyu, ini ndicatuma matenda pakati penyu; mucaiswa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu.
26
Kana ndicivuna muɗonɀo wenyu weciŋgwa, ʋakadzi ʋanegumi ʋacaɓika ciŋgwa cenyu mucoto cimŋe, ʋacikudzoserai ciŋgwa cenyu cayerwa; mucadya, asi hamuŋgaguti.
27
Ɀino kana musiŋgaɗi naiɀoɀo ɀose kunditerera, asi mucindiramba,
28
ipapo neni ʋo ndicakurambai nokutsamŋa kukuru; ndicakuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu.
29
Mucadya nyama yaʋanakomana ʋenyu, nenyama yaʋanasikana ʋenyu mucaidya.
30
Ndicaparadza nɀimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuʋa, nokukanda ɀitunha ɀenyu pamsoro peɀitunha ɀeɀifananidzo ɀenyu; mŋeya waŋgu ucakusemai.
31
Ndicaita maguta enyu matoŋgo, nenɀimbo dzenyu tȿene ndicadziparadza, handiŋganhuwidzi munhuwi weɀinozipa ɀenyu.
32
Ndicaparadza nyika yenyu; ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacagara’mo, ʋacashamiswa naɀo.
33
Ndicakurashanyai pakati paʋahedeni, nokuvomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu icaʋa renje, maguta enyu acaʋa matoŋgo.
34
Ɀino nyika icafarira masaɓata ayo, paŋguʋa yokuparadzwa kwayo, imi muri munyika yaʋaʋeŋgi ʋenyu; paŋguʋa iyo nyika icazorora, icifarira masaɓata ayo.
35
Paŋguʋa yose yokuparadzwa kwayo icazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamasaɓata enyu, paŋguʋa yamakagara’mo.
36
Kana ʋari ʋamŋe ʋenyu ʋakasara, ndicatuma kutya pamŋoyo yaʋo ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana ʋacinzwa shizha ricipepereka, ʋacatiza; ʋacatiza somunhu unotiza munondo, ʋacawa kunyaŋge kusinomunhu unoʋadziŋga.
37
Ʋacawirana saʋanhu ʋanowa pamberi pomunondo, kusinomunhu unoʋadziŋga; hamuŋgaʋi nesimba rokumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu.
38
Mucandofira pakati paʋahedeni, nenyika yaʋaʋeŋgi ʋenyu icakudyai.
39
Ʋamŋe ʋenyu ʋakasara ʋacawonda muɀiʋi ɀaʋo panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; ʋacawonda samadziɓaɓa aʋo akawonda muɀiʋi ɀawo.
40
Ɀino ʋacaɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo neɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, nokuɗarika kwaʋakaɗarika nako kwandiri, ʋuye ɀaʋakandiramba,
41
neni ʋo ndakaʋaramba, ndikaʋaisa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; ɀino kana mŋoyo yaʋo isina‐kudziŋgiswa ikaɀininipisa, ʋakatenda kurobga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo;
42
ipapo ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu naJakobo; nesuŋgano yaŋgu naIsaka, nesuŋgano yaŋgu naAbrahama, ndicairaŋgarira; nyika ndicairaŋgarira ʋo.
43
Nyika icafanira kusiyiwa naʋo, kuti ifarire masaɓata ayo icakaparadzwa iʋo ʋasi’po; ʋacarobga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, nokuti ʋakaramba ɀandakaŋga ndatoŋga, mŋeya yaʋo ikasema mitemo yaŋgu.
44
Kunyaŋge ɀakaɗaro, kana ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, handiŋgaʋarashi, handiŋgaʋasemi, ndiʋaparadze cose, nokuputsa suŋgano yaŋgu naʋo; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo;
45
asi nokuɗa kwaʋo ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu namadziteteguru aʋo, ʋandakaɓuɗisa munyika yeEgipita pamberi paʋahedeni, kuti ndiʋe Mŋari waʋo; ndini Jehova.
46
Ndiyo mitemo neɀakatoŋgwa nemirairo yakaitwa naJehova pakati pake naʋana ʋaIsraeri pagomo reSinai nomuromo waMosesi.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27