bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 15
Leviticus 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 16 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:
2
Taurai naʋana ʋaIsraeri, muti kwaʋari: Kana murume aneɀimŋe ɀinoyerera, ɀinoɓuɗa pamuʋiri wake, ucaʋa usina‐kunaka nokuɗa kwokuyerera kwake.
3
Ndiko kusanaka kwokuyerera kwake: Kana muʋiri wake uciɓuɗisa ɀinoyerera, kana muʋiri warega hawo kuɓuɗisa ɀinoyerera, ndiko kusanaka kwokuyerera kwake.
4
Nhoʋo imŋe neimŋe yaanoʋata pamsoro payo icaʋa isina‐kunaka; necinhu cimŋe necimŋe caanogara cicaʋa cisina‐kunaka.
5
Aninani unoɓata nhoʋo dzake, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
6
Munhu unogara pacinhu cakagarwa naiye uneɀinoyerera, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
7
Munhu unoɓata muʋiri waiye uneɀinoyerera, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
8
Kana munhu uneɀinoyerera akapfira mumŋe wakanaka mate, iye ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
9
Cigaro cipi necipi cinogarwa nomunhu uneɀinoyerera cicaʋa cisina‐kunaka.
10
Aninani unoɓata cinhu cakaŋga ciri pasi pake, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; kunyaŋge wakatakura ɀinhu iɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
11
Aninani unoɓatwa nomunhu uneɀinoyerera, kana asina‐kumboshamba maʋoko ake nemvura, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
12
Hari yevu inoɓatwa nomunhu uneɀinoyerera ŋgaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumŋe nomumŋe unofanira kusukurudzwa nemvura.
13
Kanamunhu uneɀinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, unofanira kuɀitarira mazuʋa manomŋe okuɀinatsa kwake, ɀino asuke ŋguʋo dzake, ndokushambidza muʋiri wake nemvura inoyerera, anake.
14
Nomusi worusere unofanira kutora njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa, aʋuye pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ape muprista idzedzo;
15
ɀino muprista unofanira kudziɓayira, imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa; muprista amuyananisire pamberi paJehova pamsoro pokuyerera kwake.
16
Kana mbeu yomurume upi noupi ikaɓuɗa kwaari, unofanira kushambidza muʋiri wake wose nemvura, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
17
Ŋguʋo ipi neipi, neɗebge ripi neripi, ɀaɗonherwa nembeu, ɀinofanira kusukwa nemvura, ɀiʋe ɀisina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
18
Mukadzi ʋo wakaʋata nomurume nembeu, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuɀishambidza nemvura, ʋaʋe ʋasina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
19
Kana mukadzi aneɀinoyerera, ɀinoyerera pamuʋiri wake riri ropa, ucaʋa pakusanaka kwake mazuʋa manomŋe; aninani unomuɓata ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
20
Cinhu cipi necipi caanoʋata pamsoro paco pakusanaka kwake cicaʋa cisina‐kunaka, ʋuye cinhu cipi necipi caanogara cicaʋa cisina‐kunaka.
21
Aninani unoɓata nhoʋo dzake unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
22
Aninani unoɓata cinhu cipi necipi caanogara, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
23
Kana akaɓata cinhu ciri panhoʋo, kana cinhu cipi necipi caanogara, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
24
Ʋuye murume upi noupi kana akaʋata naye aciri pakusanaka kwake, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe; nhoʋo dzose dzaanoʋata pamsoro padzo dzicaʋa dzisina‐kunaka.
25
Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuʋa mazhinji paŋguʋa isati iri yokuʋa kwake kumŋedzi, ʋuye kana aneɀinoyerera kuɗarika ŋguʋa yokuʋa kwake kumŋedzi, mazuʋa ose okuyerera kwokusanaka kwake unofanira kuita seɀaanoita pamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi. Waʋa usina‐kunaka.
26
Nhoʋo ipi neipi yaanoʋata pamsoro payo mazuʋa ose okuyerera kwake icaʋa kwaari senhoʋo yokuʋa kwake kumŋedzi; cinhu cipi necipi caanogara cicaʋa cisina‐kunaka, sa paŋguʋa yokusanaka kwokuʋa kwake kumŋedzi.
27
Aninani unoɓata ɀinhu iɀo ucaʋa usina‐kunaka, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
28
Asi kana anatswa pakuyerera kwake, unofanira kuɀitarira mazuʋa manomŋe; kana iwo apera ucaʋa wakanaka.
29
Nomusi worusere unofanira kutora njiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa, aʋuye nadzo kumuprista, kumukoʋa wetente rokusoŋgana.
30
Ɀino muprista unofanira kuʋuraya imŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa; muprista amuyananisire pamberi paJehova pamsoro pokuyerera kwokusanaka kwake.
31
Saiɀoɀo munofanira kuparadzanisa ʋana ʋaIsraeri pakusanaka kwaʋo, kuti ʋarege kufa pakusanaka kwaʋo, kana ʋaciȿiɓisa tabernakeri yaŋgu iri pakati paʋo.
32
Ndiwo murairo womunhu uneɀinoyerera, nounoɓuɗisa mbeu yake, akazoʋa usina‐kunaka naɀo;
33
nounorwara nokuʋa kwake kumŋedzi, nouneɀinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounoʋata naiye usina‐kunaka.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27