bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 19
Leviticus 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 20 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini Jehova Mŋari wenyu ndiri mutȿene.
3
Mumŋe nomumŋe wenyu unofanira kutya mai ʋake naɓaɓa ʋake, ʋuye munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; ndini Jehova Mŋari wenyu.
4
Musaʋa nehanya neɀifananidzo, kana kuɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga; ndini Jehova Mŋari wenyu.
5
Kana mucipa Jehova ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, munofanira kucipa kuti mugamucirwe.
6
Cinofanira kudyiwa nomusi wamunocipa nawo, ʋuye nomusi unoteʋera; kana ɀimŋe ɀikasara kuȿikira pazuʋa retatu, ɀinofanira kupiswa nomŋoto.
7
Kana cikatoŋgodyiwa nezuʋa retatu, ɀinonyaŋgadza; hacigamucirwi.
8
Asi mumŋe nomumŋe unocidya, ucaʋa nemhoȿa, nokuti wamhura cinhu citȿene caJehova; munhu uyu unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
9
Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako.
10
Usakohwa ɀose pamunda wako wemizambiriŋga, ʋuye usaʋuŋganidza micero yawira pasi yomunda wako wemizambiriŋga; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu.
11
Musaɓa; musanyeŋgera, musareʋerana nhema.
12
Musapika nhema nezita raŋgu, kuti usamhura zita raMŋari wako; ndini Jehova.
13
Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana nomuɓayiro womuranda unokuɓatira.
14
Usatuka matsi, kana kupiŋganidza ɓofu; asi unofanira kutya Mŋari wako; ndini Jehova.
15
Musaita ɀisakarurama pakutoŋga; usatsaura murombo, kana kukudza unesimba; asi unofanira kutoŋga wokwako nokururama.
16
Usafamba‐famba pakati paʋanhu ʋokwako, uciʋacera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehova.
17
Usaʋeŋga hama yako mumŋoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwaɀo, kuti urege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwake.
18
Usatsiʋa, kana kugara wakatsamŋira ʋana ʋaʋanhu ʋokwako, asi unofanira kuɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; ndini Jehova.
19
Ceŋgetai mitemo yaŋgu. Usaɓerekesa ɀipfuwo ɀako norumŋe rudzi; usadɀara mbeu dzamarudzi maʋiri mumunda mako; usafuka ŋguʋo yakarukwa neɀinhu ɀamarudzi maʋiri.
20
Aninani unoʋata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyeŋgwa nomurume, asina‐kudzikinurwa kwaɀo, kana kusunuŋgurwa, ʋanofanira kurobga; asi haʋafaniri kuʋurawa, nokuti wakaŋga asina‐kusunuŋgurwa.
21
Ŋgaaʋuye necipiriso cemhoȿa kunaJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana, riʋe gondobge recipiriso cemhoȿa.
22
Ɀino muprista unofanira kumuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa pamberi paJehova pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza; ipapo ucakaŋganwirwa ɀiʋi ɀake ɀaakatadza.
23
Kana muciȿika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti micero yayo yakaita seisina‐kudziŋgiswa; makore matatu icaʋa kwamuri seisina‐kudziŋgiswa; haifaniri kudyiwa.
24
Asi negore recinna micero yayo yose icaʋa mitȿene, kuti murumbidze Jehova naɀo.
25
Negore recishanu muŋgadya micero yayo, kuti irambe icimuɓerekera micero yayo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
26
Musadya cinhu cineropa raco; musaita mazaŋgo, kana kutenda mashura.
27
Musaʋeʋura misoro yenyu muciita matendeʋure, ʋuye musashatsa nhiʋi dzendebvu dzenyu.
28
Musaɀiceka miʋiri yenyu nokuɗa kwaʋakafa, kana kuɀitema nyora; ndini Jehova.
29
Usaisa mŋanasikana wako, ucimuita cifeʋe; kuti nyika irege kupata, nyika izare neɀakaipa.
30
Ceŋgetai masaɓata aŋgu, nokutya imba yaŋgu tȿene; ndini Jehova.
31
Musaʋa nehanya namaȿikiro, kana naʋaʋuki; musaʋatȿaka, kuti muȿiɓiswe naʋo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
32
Unofanira kusimukira wacena vudzi, nokukudza mutana, ʋuye utye Mŋari wako; ndini Jehova.
33
Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira ɀakaipa.
34
Mutorwa ugere nemi ŋgaaʋe kwamuri somunhu wakaɓerekerwa pakati penyu, unofanira kumuɗa seɀaunoɀiɗa iwe, nokuti nemi ʋo makaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
35
Musaita ɀisina‐kururama pakutoŋga, kana pakuyera necitanda, kana pakuyera kurema, kana paciyero.
36
Iʋai neɀiyero ɀakarurama, neɀokuenzanisa naɀo ɀakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
37
Ceŋgetai mitemo yaŋgu yose, neɀandakatoŋga ɀose, kuti muɀiite; ndini Jehova.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27