bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 14
Leviticus 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Ndiwo murairo womunhu unamaperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumuprista;
3
ɀino muprista unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, muprista agocerekedza munhu uyu; kana akaʋona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu unamaperembudzi;
4
muprista unofanira kuraira kuti unoɗa kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi.
5
Ɀino muprista araire kuti shiri imŋe iʋurawe muhari yevu, pamsoro pemvura inoyerera.
6
Ɀino unofanira kutora shiri mhenyu, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, ndokuɀinyika pamŋe cete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaʋurawa pamsoro pemvura inoyerera.
7
Ɀino unofanira ku ri sasa kanomŋe pamsoro pomunhu unoɗa‐kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureʋa kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusaŋgo.
8
Ɀino munhu unoɗa‐kunatswa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuʋeʋura vudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agoʋa wakanaka; pashure unofanira kupinda mukati memisasa, asi ŋgaagare kunze kwetente rake mazuʋa manomŋe.
9
Nomusi wecinomŋe unofanira kuʋeʋura vudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aʋeʋure vudzi rake rose; ɀino ŋgaasuke ŋguʋo dzake, ndokushamba muʋiri wake, agoʋa wakanaka.
10
Nomusi worusere unofanira kutora makwaiana maʋiri amakondobge, asinemhoȿa, negwaiana rimŋe reshece rinegore rimŋe, risinemhoȿa, neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, nerogi imŋe yamafuta.
11
Ɀino muprista, unomunatsa, unofanira kuisa munhu unoɗa‐kunatswa pamberi paJehova, pamŋe cete neɀinhu iɀi, pamukoʋa wetente rokusoŋgana;
12
muprista ndokutora rimŋe ramakwaiana amakondobge, ndokuriɓayira, ciʋe cipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cokuzuŋguzira pamberi paJehova;
13
ɀino unofanira kuʋuraya gwaiana regondobge paʋanoʋurayira cipiriso ceɀiʋi necipiriso cinopiswa panɀimbo tȿene; nokuti cipiriso cemhoȿa ndecomuprista secipiriso ceɀiʋi; citȿene kwaɀo.
14
Ipapo muprista unofanira kutora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, muprista agoriisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
15
ɀino muprista unofanira kutora mamŋe mafuta erogi, ndokuaɗira mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe;
16
ɀino muprista ŋgaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe, asase mamŋe mafuta nomunwe wake kanomŋe pamberi paJehova;
17
mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwake muprista unofanira kuaisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamsoro peropa recipiriso cemhoȿa;
18
mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti muprista amuyananisire pamberi paJehova.
19
Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa;
20
muprista unofanira kupisa cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu pamsoro peartari, kuti muprista amuyananisire, anake.
21
Kana ari murombo, asiŋgagoni kuwana ɀizhinji ɀakaɗai, unofanira kutora gwaiana rimŋe regondobge, ciʋe cipiriso cemhoȿa cokuzuŋguzira, kumuyananisira, necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu, pamŋe cete nerogi yamafuta;
22
nenjiʋa mbiri, notwana tuʋiri twenjiʋa, seɀaanogona kuwana; imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa;
23
nomusi worusere unofanira kuʋuya naɀo kumuprista pamsoro pokunatswa kwake, kumukoʋa wetente rokusoŋgana pamberi paJehova.
24
Ɀino muprista unofanira kutora gwaiana recipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, muprista agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova;
25
ɀino ŋgaaʋuraye gwaiana recipiriso cemhoȿa, agotora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, ariise pamuceto wenzeʋe yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
26
ɀino muprista ŋgaaɗire mamŋe mafuta mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe;
27
muprista agosasa nomutendeka wake worudyi mamŋe mafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe kanomŋe pamberi paJehova.
28
Ɀino muprista ŋgaaise mamŋe mafuta ari muruʋoko rwake pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panɀimbo yeropa recipiriso cemhoȿa.
29
Mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehova.
30
Ɀino unofanira kuɓayira njiʋa imŋe, kana kana kenjiʋa, seɀaanogona kuwana;
31
seɀaanogona kuwana, imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa, pamŋe cete necipiriso coʋupfu; kuti muprista ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehova.
32
Ndiwo murairo wehosha yamaperembudzi kumunhu usiŋgagoni kuwana ɀakakwanisira kunatswa kwake.
33
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:
34
Kana maȿika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti iʋe yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
35
muridzi weimba unofanira kuʋuya kuzoʋudza muprista, aciti: Ndinoʋona kuti imba yaŋgu ineŋge inehosha.
36
Ipapo muprista unofanira kuraira kuti ʋaɓuɗise ɀose ɀiri mumba, iye muprista asina‐kupinda kundotarira hosha, kuti ɀose ɀiri mumba ɀirege kuȿiɓiswa; pashure muprista apinde kundotarira imba iyo.
37
Ɀino ŋgaacerekedze hosha; kana akaʋona kuti hosha iri mumadziro eimba; inamaʋara akapinda, akaita samatema kana matȿuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
38
muprista unofanira kuɓuɗa paimba, ndokuenda kumukoʋa weimba, ndokupfiga imba mazuʋa manomŋe;
39
ɀino muprista unofanira kudzoka ɀe nezuʋa recinomŋe, kuti acerekedze; kana akaʋona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
40
muprista unofanira kuraira kuti ʋabvise mabge anehosha paari, ʋaakandire panɀimbo isina‐kunaka kunze kweguta;
41
ipapo ŋgaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhiʋi dzose, mavu aʋanopara agoɗururirwa kunze kweguta panɀimbo isina‐kunaka;
42
ɀino mamŋe mabge atorwe, aiswe panɀimbo yamamŋe iwayo, iye atore rimŋe ivu aʋuwe imba naro.
43
Kana hosha ikadzoka ɀe, ikaɓuɗa muimba iyo, mabge ambobviswa, imba yaparwa nokuʋuyiwa,
44
muprista unofanira kupinda nokucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwaɀo, yaʋa yakaipa.
45
Ɀino unofanira kuputsa imba, namabge ayo, namatanda ayo, nevu rose reimba, ndokuɀitakurira kunze kweguta kunɀimbo isina‐kunaka.
46
Ʋuye aninani unopinda mumba paŋguʋa yose yokupfigwa kwayo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
47
Munhu wakaʋata muimba iyo, unofanira kusuka ŋguʋo dzake.
48
Kana muprista akapinda, akatarira, akaʋona kuti hosha haina‐kupararira mumba, kubva pakuʋuyiwa kweimba, muprista unofanira kureʋa kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
49
Ɀino unofanira kutora shiri mbiri, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, kuti anatse imba;
50
ipapo ŋgaaʋuraye shiri imŋe muhari yevu pamsoro pemvura inoyerera,
51
ndokutora ɗanda romusidari, nehisopi, nomuceka mutȿuku, neshiri mhenyu, aɀinyike muropa reshiri yakaʋurawa ʋuye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomŋe;
52
unofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, neɗanda romusidari, nehisopi nomuceka mutȿuku;
53
asi shiri mhenyu unofanira kuiregedza, kuti iende hayo kunze kweguta kusaŋgo; saiɀoɀo unofanira kuyananisira imba iyo, kuti iʋe yakanaka.
54
Ndiwo murairo wamarudzi ose amaperembudzi napakafunuka;
55
nowamaperembudzi eŋguʋo, neeimba,
56
nowapakaɀimba, nowapakafunuka, noweciʋara,
57
kuziʋisa muprista kana cinhu cisina‐kunaka kana cakanaka. Ndiwo murairo wamaperembudzi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27