bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Leviticus 22
Leviticus 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 23 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2
Taura naAroni naʋanakomana ʋake, kuti ʋaɀitsaure paɀinhu ɀitȿene ɀavana ʋaIsraeri, ɀaʋanonditsaurira, kuti ʋarege kushatsa zita raŋgu dɀene; ndini Jehova.
3
Uti kwaʋari: Aninani kuʋana ʋenyu kumarudzi enyu ose, unosweɗera kuɀinhu ɀitȿene, ɀakatsaurirwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, asina‐kunaka, munhu uyo unofanira kubviswa pamberi paŋgu; ndini Jehova.
4
Aninani kuʋana ʋaAroni unamaperembudzi kana uneɀinoyerera ŋgaarege kudya ɀinhu ɀitȿene kuȿikira anaka. Aninani unoɓata cinhu cakaȿiɓiswa nowakafa kana munhu unoɓuɗirwa nembeu yake;
5
kana aninani unoɓata cinhu cipi necipi cinokambaira ciŋgamuȿiɓisa, kana munhu waaŋgaȿiɓiswa naye, unokusanaka kupi nokupi.
6
Munhu unoɓata cinhu cipi necipi cakaɗai, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; haafaniri kudya ɀinhu ɀitȿene asati ashambidza muʋiri wake nemvura.
7
Kana zuʋa raʋira ucaʋa wakanaka; pashure uŋgadya hake ɀinhu ɀitȿene, nokuti ndiɀo ɀokudya ɀake.
8
Ŋgaarege kudya cinhu cakafa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kuti aɀiȿiɓise naɀo; ndini Jehova.
9
Naiɀoɀo ʋanofanira kuceŋgeta ɀandakaraira, kuti ʋarege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, ʋafe naɀo, kana ʋaɀishatsa; ndini Jehova, ndinoʋatsaura.
10
Mŋeni ŋgaarege kudya cinhu citȿene; mutorwa ugere nomuprista, kana muranda, ŋgaʋarege kudya cinhu citȿene.
11
Asi kana muprista akateŋga munhu nomuteŋgo wemari yake, iye uŋgaɀidya; ʋuye ʋose ʋanoɓerekerwa mumba make, ʋaŋgadya ɀokudya ɀake.
12
Kana mŋanasikana womuprista akawanikwa nomŋeni, ŋgaarege kudya cipiriso cinotsaurwa ceɀinhu ɀitȿene.
13
Asi kana mŋanasikana womuprista iri cirikadzi, kana warambga nomurume, asinaʋana, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake, sapaʋusikana bgake, iye uŋgadya ɀokudya ɀaɓaɓa ʋake; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya.
14
Kana munhu akadya cinhu citȿene asiŋgaziʋi, ucafanira kuwedzera ceshanu caco kwaciri, kuti adzosere kumuprista cinhu citȿene.
15
Ŋgaʋarege kushatsa ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova;
16
kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi, kana ʋacidya ɀinhu ɀaʋo ɀitȿene; nokuti ndini Jehova ndinoʋatsaura.
17
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
18
Taura naAroni, naʋanakomana ʋake, naʋana ʋaIsraeri ʋose, uti kwaʋari: Aninani weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa pakati paʋaIsraeri, unoʋuya necipo cake, kana ciri cemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuɗa kwaʋo, caʋanoʋuya naco kunaJehova, kuti cipiswe;
19
munofanira kuʋuya nomukono usina‐kuremara kana weŋombe, kana gondobge ramakwai, kana nhoŋgo yembudzi, kuti mugamucirwe.
20
Asi musaʋuya necinhu cakaremara, nokuti hamuŋgagamucirwi nokuɗa kwaco.
21
Aninani unoʋuya neciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, cokupika naco, kana kuti iʋe nhendo yokuɗa kwake, kana ciri ceŋombe kana camakwai, cinofanira kuʋa cakakwana, kuti cigamucirwe; ŋgacirege kuʋa cakaremara.
22
Kana ciri cinhu cakaita ɓofu, kana cakavunika, kana cakakuʋara, kana cinamaronda, kana cinecikwekwe, kana cinapakafunuka, murege kupa Jehova iɀoɀo, musapisira Jehova iɀoɀo paartari.
23
Kana iri nzombe ɗuku kana gwaiana ɀinemitezo yakareɓesa kana yakafupika, muŋgaʋuya naɀo kuti muite nhendo yokuɗa kwenyu, asi haɀiŋgagamucirwi pakuripira mhiko.
24
Musapa Jehova cinhu cinamanhu akakuʋadzwa, kana akapxanyika, kana akaputswa, kana akacekwa; musaɗaro panyika yenyu.
25
Musagamucira ɀakaɗai paruʋoko rwomutorwa, kuti mupe Mŋari wenyu ɀokudya ɀakaɗai, nokuti ɀakaipa, ɀakaremara, haɀiŋgagamucirwi nokuɗa kwenyu.
26
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
27
Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi ɀiciɓerekwa, ɀinofanira kugara panamai ʋaɀo mazuʋa manomŋe; kubva pazuʋa rorusere napashure paro ɀiŋgagamucirwa kuti ɀiite cipo cinopisirwa Jehova.
28
Kana iri mhou kana nhunɀi, musaɀiʋuraya pamusi mumŋe naʋana ʋaɀo.
29
Kana muciɓayira Jehova ciɓayiro cokuʋoŋga, munofanira kuciɓayira saiɀoɀo kuti mugamucirwe.
30
Cinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ndini Jehova.
31
Naiɀoɀo ceŋgetai mirairo yaŋgu, muiite; ndini Jehova.
32
Usashatsa zita raŋgu dɀene; ndinoɗa kutsaurwa pakati paʋana ʋaIsraeri, ndini Jehova, ndinokutsaurai;
33
ndakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; ndini Jehova.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27