bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 12
Matthew 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya.
2
ƲaFarise ʋakatiʋaciɀiʋona, ʋakati kwaari: Tarira, ʋadzidzi ʋako ʋanoita ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata.
3
Asi wakati kwaʋari: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye;
4
kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi?
5
Ko hamuna‐kuraʋa pamurairo, kuti nesaɓata ʋaprista ʋanoputsa murairo wesaɓata mutembere, ʋasinemhoȿa?
6
Asi ndinoti kwamuri: Unokurira tembere uri pano.
7
Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa.
8
Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
9
Wakabva’po, akapinda musinagoge raʋo.
10
Ɀino tarira, kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀakatenderwa kuporesa nesaɓata here? kuti ʋamupomere mhoȿa.
11
Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here?
12
Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata.
13
Ɀino akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako! Akarutambanudza, rukaʋandudzwa, rukaʋa sorumŋe.
14
Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakaraŋgana pamsoro pake, kuti ʋaŋgamuʋuraya sei.
15
Jesu wakati aciɀiziʋa, akabva’po; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa ʋose,
16
akaʋaraira kuti ʋarege kumuziʋisa pacena,
17
kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
18
Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga.
19
Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere; Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.
20
Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni, Nomŋenje unopxititika haangaudzimi, Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde.
21
Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo.
22
Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo.
23
Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waDavidi here?
24
Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Munhu uyu haaɓuɗisi mŋeya yakaipa, asi naBeerzeburi, mucinda wemŋeya yakaipa.
25
Ɀino Jesu aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neguta kana imba inoɀipesanisa, haiŋgamiri.
26
NaSatani kana aciɓuɗisa Satani, unoɀipesanisa; ʋushe bgake bgucamira seiko?
27
Neni, kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Saka iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu.
28
Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa noMŋeya waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri.
29
Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake.
30
Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza.
31
Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Ʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose nokumhura, asi kumhura Mŋeya, haʋaŋgakukaŋganwirwi.
32
Aninani unotaura shoko rakaipa kuMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa; asi unotaura shoko rakaipa kuMŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi, kana paŋguʋa ino, kana kuneinoʋuya.
33
Itai muti uʋe wakanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakanaka ʋo; kana itai muti uʋe wakaipa, neɀiɓereko ɀawo ɀakaipa ʋo; nokuti muti unozikanwa neɀiɓereko ɀawo.
34
Imi, ɀiɓereko ɀenyoka, muŋgagona seiko kutaura ɀinhu ɀakanaka, ɀamuri ʋakaipa? Nokuti muromo unotaura ɀizere pamŋoyo.
35
Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa.
36
Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga.
37
Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa.
38
Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri.
39
Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona.
40
Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu.
41
Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋacarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano.
42
Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ucarupa mhoȿa, nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
43
Ɀino kana mŋeya wetȿina waɓuɗa kumunhu, unopota panɀimbo dzisinemvura, ucitȿaka zororo, ucirishaiwa.
44
Ɀino unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandakaɓuɗa; asi uciȿika, unoiwana isineciro, yakatȿairwa, yanatswa.
45
Ɀino unoenda, ndokutora mimŋe mŋeya minomŋe inoupfuʋura nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake. Ɀicaita saiɀoɀo ʋo norudzi urwu rwakaipa.
46
Wakati acataura naʋanhu ʋazhinji, tarira, mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakamira kunze, ʋacitȿaka kutaura naye.
47
Mumŋe akati kwaari: Haʋo mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu ʋamire kunze, ʋacitȿaka kutaura nemi.
48
Akapindura, akati kunaiye wamuʋudza: Mai ʋaŋgu ndianiko, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko?
49
Ndokutambanudza ruʋoko rwake kuʋadzidzi ʋake, akati: Tarirai, mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu!
50
Nokuti aninani unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28