bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 24
Matthew 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Ɀino Jesu wakaɓuɗa patembere, akati oenda, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
2
Akapindura, akati kwaʋari: Munoʋona ɀinhu iɀi ɀose here? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.
3
Wakati agara pagomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋari ʋoga, ʋakati: Tiʋudzei, kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cokuʋuya kwenyu necokuguma kwenyika cicaʋa cipiko?
4
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
5
Nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ʋacitsausa ʋazhinji.
6
Mucanzwa ɀokurwa neguhu rokurwa; cenjerai, musavunduka, nokuti iɀoɀi ɀose ɀinofanira kumboitwa, asi kuguma kucigere kuȿika.
7
Nokuti rudzi rucamukira rudzi, noʋushe bgucamukira ʋushe; nenzara dzicaʋa’po, nehosha, nokuɗeŋgenyika kwenyika kunɀimbo zhinji.
8
Asi ɀinhu iɀoɀi ɀicaʋa kutaŋga kwenhamo.
9
Ɀino ʋacakuisai kumaɗambudziko, ʋacakuʋurayai, mucaʋeŋgwa namarudzi ose nokuɗa kwezita raŋgu.
10
Ʋazhinji ʋacagumburwa, ʋacaisana kuʋatoŋgi nokuʋeŋgana.
11
Ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋacamuka, ʋacitsausa ʋazhinji.
12
Ruɗo rwaʋazhinji rucatonhora, nokuti kusarurama kucawanda.
13
Asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa.
14
Evaŋgeri iyi yoʋushe icaparidzirwa munyika dzose, ciʋe capupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kucaȿika.
15
Naiɀoɀo kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza, yakarebga nomuprofita Daniere, imire panɀimbo tȿene (unoraʋa ŋgaacerekedze);
16
ɀino ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo;
17
uri pamsoro peɗeŋga reimba, ŋgaarege kuɓuruka kuzotora ɀiri mumba make;
18
nouri mumunda, ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake.
19
Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo;
20
nyeŋgeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuʋa pacando kana nesaɓata.
21
Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po.
22
Ƌai mazuʋa iwayo asaitapudzwa, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa mazuʋa iwayo acatapudzwa.
23
Ɀino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu uri pano, kana apo; regai kutenda.
24
Nokuti ʋacamuka ʋanaKristu ʋenhema, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaratidza ɀiratidzo ɀikuru neɀinoshamisa, kuti kana ɀicibvira, ʋatsause naʋakasanaŋgurwa ʋo.
25
Tarirai, ndagara ndakuʋudzai.
26
Ɀino, kana ʋakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kuɓuɗa; Tarirai, uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.
27
Nokuti semheni inobva mabvazuʋa, icipenyera kumaʋirira, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu.
28
Apo panomutumbu, ndi’po pacaʋuŋganira magora.
29
Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuʋa iwayo, zuʋa ricaȿiɓa, mŋedzi haucazobginyi, nyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba okuɗeŋga acazunuŋguswa.
30
Ipapo ciratidzo coMŋanakomana womunhu cicaʋonekwa kuɗeŋga; ɀino marudzi ose enyika acacema, aciʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya pamsoro pamakore okuɗeŋga nesimba nokubginya kukuru.
31
Ucatuma ʋatumŋa ʋake nehwamanda huru, ʋacaʋuŋganidza ʋasanaŋgurwa ʋake kunobva mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe rutiʋi.
32
Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo.
33
Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa.
34
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika.
35
Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.
36
Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa ʋoga.
37
Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu.
38
Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka,
39
ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu.
40
Neŋguʋa iyo ʋaʋiri ʋacaʋa mumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa.
41
Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya paguyo rimŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa.
42
Rindai naiɀoɀo, nokuti hamuziʋi zuʋa, Ishe wenyu raanoʋuya naro.
43
Asi ziʋai iɀi, kuti mŋene weimba, ɗai aiziʋa ŋguʋa yokuȿika kwembava, uŋgaɗai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe.
44
Naiɀoɀo nemi ʋo, garai makaɀigadzira; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yomusiŋgamutariri.
45
Ndianiko muranda wakatendeka, wakaŋgwara, wakagadzwa nashe wake aʋe mutariri weimba yake, kuti aʋape ɀokudya neŋguʋa yakafanira?
46
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo.
47
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo.
48
Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka;
49
akataŋga kuroʋa ʋamŋe ʋaranda ʋanoɓata pamŋe cete naye, akadya, akanwa pamŋe cete naʋakaɓatwa;
50
ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgamutariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi;
51
akamuroʋesa kwaɀo, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋanyeŋgeri; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28