bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 6
Matthew 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
Cenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi paʋanhu, kuti muʋonekwe naʋo; kana maɗaro hamunamuɓairo kunaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
2
Ɀino kana ucipa ʋarombo ɀipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, seɀinoita ʋanyeŋgeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti ʋakudzwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋapiwa muɓairo waʋo.
3
Asi iwe, kana ucipa ɀipo, ruʋoko rwako rworuɓoshwe ŋgarurege kuziʋa cinoitwa norudyi rwako,
4
kuti kupa kwako kuʋe pakaʋanda; ipapo Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda ʋacakupa muɓairo.
5
Kana mucinyeŋgetera, musaʋa saʋanyeŋgeri, nokuti ʋanofarira kunyeŋgetera ʋamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti ʋaʋonekwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.
6
Asi iwe, kana ucinyeŋgetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukoʋa wako, unyeŋgetere kunaƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.
7
Pakunyeŋgetera kwenyu, musapamhidza ɀisinamaturo saʋahedeni; nokuti iʋo ʋanofuŋga kuti ʋacanzwika nokutaura kwaʋo kuzhinji.
8
Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari.
9
Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene.
10
Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀa kunoitwa kuɗeŋga.
11
Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana.
12
mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu.
13
Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.]
14
Nokuti kana mucikaŋganwira ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacakukaŋganwirai ʋo.
15
Asi kana musiŋgakanwiri ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu haʋaŋgakukaŋganwiriyi ʋo kuɗarika kwenyu.
16
Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.
17
Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako;
18
kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.
19
Regai kuɀiʋuŋganidzira fuma panyika, paneɀipfunho neŋgura ɀinopedza, napanembava dzinopaza dziciɓa.
20
Asi muɀiʋuŋganidzire fuma kuɗeŋga, pasineɀipfunho neŋgura ɀinopedza, pasinembava dzinopaza dziciɓa.
21
Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo.
22
Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa.
23
Asi kana ziso rako rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Ɀino kana ciedza ciri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24
Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
25
Saka ndinoti kwamuri: Regai kufuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, muciti, ndicadyei, kana ndicanwei; kana pamsoro pomuʋiri wenyu, muciti, ndicafukeiko? Ʋupenyu habgupfuʋuri ɀokudya here, kana muʋiri haupfuʋuri ɀokufuka here?
26
Tarirai shiri dzokuɗeŋga, hadzidɀari, hadziceki, hadziʋuŋganidziri mumatura; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanodzipa ɀokudya. Imi hamudzipfuʋuri ɀikuru here?
27
Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya?
28
Munofuŋganyireiko pamsoro peɀokufuka? Fuŋgai maruʋa eɓundo, kumera kwawo; haaɓati, haaruki;
29
asi ndinoti kwamuri, kuti kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo.
30
Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here?
31
Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko?
32
Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose.
33
Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri.
34
Naiɀoɀo musafuŋganya pamsoro peɀamaŋgwana; nokuti maŋgwana acaɀifuŋganyira ɀawo; zuʋa rimŋe nerimŋe rinokwanirwa nenhamo yaro.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28