bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 13
Matthew 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
1
Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa.
2
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo.
3
Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha.
4
Ɀino pakukusha kwake dzimŋe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikaȿika dzikadzidya.
5
Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika.
6
Asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi.
7
Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga.
8
Asi dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko; dzimŋe zana, dzimŋe makumi matanhatu, dzimŋe makumi matatu.
9
Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
10
Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo?
11
Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa.
12
Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo.
13
Naiɀoɀo ndinotaura kwaʋari nemifananidzo, nokuti ʋanoʋona, asi haʋaʋoni; ʋanonzwa, asi haʋanzwi, kana kunzwisisa.
14
Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwaʋari, kunoti: Nokunzwa, mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi; Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgatoŋgoʋonesesi;
15
Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira; Nameso aʋo ʋakaatsinzina. Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso, Nokunzwa nenzeʋe, Nokunzwisisa nomŋoyo, Ʋakadzoka, Ndiʋaporese.
16
Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoʋona; nenzeʋe dzenyu, nokuti dzinonzwa.
17
Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa.
18
Naiɀoɀo imi inzwai mufananidzo womukushi.
19
Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
20
Asi wakakushwa parukaŋgarabge, ndiye unonzwa shoko, ndokurigamucira pakarepo nomufaro.
21
Asi haanomudzi mukati make, ndiye weciŋguʋa ciɗuku; kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo unogumburwa.
22
Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko.
23
Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unoɓereka ɀiɓereko, mumŋe aciita zana, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe makumi matatu.
24
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25
Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda.
26
Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo.
27
Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?
28
Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here?
29
Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo.
30
Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu.
31
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make;
32
iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo.
33
Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
34
Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi;
35
kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.
36
Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.
37
Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu.
38
Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa.
39
Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa.
40
Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika.
41
Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama,
42
ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
43
Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
44
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo.
45
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka;
46
akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro.
47
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe;
48
kana rwazara ʋanorukweʋera pamhenderekedzo, ʋakagara pasi, ʋakaʋuŋganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa ʋanodzirasha.
49
Ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika; ʋatumŋa ʋacaɓuɗa, ʋacaɓuɗisa ʋakaipa pakati paʋakarurama,
50
ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
51
[Jesu akati kwaʋari:] Manzwisisa iɀoɀo ɀose here? Ʋakati kwaari: Hoŋo, [Ishe].
52
Akati kwaʋari: Naiɀoɀo munyori mumŋe nomumŋe wakadzidziswa ɀoʋushe bgokuɗeŋga, wakafanana nomunhu, mŋene weimba, unoɓuɗisa ɀinhu ɀitȿa neɀekare pafuma yake.
53
Jesu wakati apedza mifananidzo iyo, akabva’po.
54
Akaȿika kunyika yake, akaʋadzidzisa musinagoge raʋo, nokuɗaro ʋakakatyamara, ʋakati: Munhu uyu wawanepiko kucenjera uku namaɓasa esimba?
55
Ko haazi mŋanakomana womuʋezi here? Ko mai ʋake haʋaidzwi Maria here, naʋanuŋuna ʋake Jakobo, naJosefa, naSimoni, naJudasi here?
56
Nehanɀadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi ɀinhu iɀoɀo ɀose?
57
Ʋakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make.
58
Akasaita maɓasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwaʋo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→