bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 15
Matthew 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Ɀino ʋaFarise naʋanyori ʋakaʋuya kunaJesu ʋacibva Jerusarema, ʋakati:
2
Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoɗarikireiko tsika dzaʋakuru, nokuti haʋashambi maʋoko kana ʋacidya ɀokudya?
3
Akapindura, akati kwaʋari: Nemi ʋo munoɗarikireiko murairo waMŋari nokuɗa kwetsika dzenyu?
4
Nokuti Mŋari wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako; ʋuye, Unotuka ɓaɓa kana mai, ŋgaafe norufu.
5
Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari,
6
haacakudzi ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, asi haanemhoȿa. Makatorera murairo waMŋari simba netsika dzenyu.
7
Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti:
8
Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo, Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni.
9
Asi ʋanondinamata pasina, Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu.
10
Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise:
11
Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu.
12
Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here?
13
Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa.
14
Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri.
15
Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu.
16
Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here?
17
Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze?
18
Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu.
19
Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari;
20
ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu.
21
Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni.
22
Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa.
23
Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu.
24
Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri.
25
Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu.
26
Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana.
27
Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo.
28
Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
29
Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi.
30
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa.
31
Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri.
32
Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira.
33
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai?
34
Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene.
35
Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi;
36
akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji.
37
Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere.
38
Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi.
39
Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28