bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 5
Matthew 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, ʋadzidzi ʋake ʋakasweɗera kwaari.
2
Akashamisa muromo wake, akaʋadzidzisa, aciti:
3
Ʋakaropafadzwa ʋarombo pamŋeya; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo.
4
Ʋakaropafadzwa ʋanocema; nokuti ʋacanyaradzwa.
5
Ʋakaropafadzwa ʋanyoro; nokuti ʋacagara nhaka yenyika.
6
Ʋakaropafadzwa ʋanenzara nenyota yokururama; nokuti ʋacagutiswa kwaɀo.
7
Ʋakaropafadzwa ʋaneŋgoni; nokuti ʋacaitirwa ŋgoni.
8
Ʋakaropafadzwa ʋakacena pamŋoyo; nokuti ʋacaʋona Mŋari.
9
Ʋakaropafadzwa ʋanoyananisa; nokuti ʋacanzi ʋana ʋaMŋari.
10
Ʋakaropafadzwa ʋanotambudzwa nokuɗa kwokururama; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo.
11
Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu.
12
Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai.
13
Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu.
14
Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki.
15
Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba.
16
Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
17
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuparadza murairo kana ʋaprofita: Handina‐kuʋuya kuparadza, asi kuzadzisa.
18
Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuȿikira ɗeŋga napasi ɀicipfuʋura, yota imŋe kana tsaŋga imŋe yomurairo haɀiŋgatoŋgopfuʋuri, ɀisati ɀaitika ɀose.
19
Naiɀoɀo aninani unoputsa mumŋe wemirairo miɗuku iyi, akadzidzisa ʋanhu kuita saiɀoɀo, ucanzi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoiita, akaidzidzisa, ucanzi mukuru muʋushe bgokuɗeŋga.
20
Nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kusiŋgapfuʋuri kwaʋanyori nokwaʋaFarise, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
21
Makanzwa kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usaʋuraya; aninani unoʋuraya ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa;
22
asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto.
23
Naiɀoɀo kana iwe uciʋuya necipo cako paartari, ukaraŋgarira ipapo kuti hama yako inemhoȿa newe,
24
usiye cipo cako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozoʋuya woisa cipo cako.
25
Kurumidza kutenderana nomudziʋisi wako, uciri munzira naye; kuti mudziʋisi arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi kumutariri, ukasuŋgwa mutoroŋgo.
26
Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
27
Makanzwa kuti ɀakanzi: Usaita ʋupombge.
28
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unotarira mukadzi acimuciʋa, watoita ʋupombge naye mumŋoyo make.
29
Kana ziso rako rorudyi ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure kwauri; nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena.
30
Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena.
31
Ɀakanzi ʋo: Aninani unorasha mukadzi wake, ŋgaamupe rugwaro rwokumuramba.
32
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, asi nemhoȿa yoʋupombge, unomuitisa ʋupombge; aninani unowana warashwa, unoita ʋupombge.
33
Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
34
Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari;
35
kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
36
Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema.
37
Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa.
38
Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino.
39
Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo.
40
Kana munhu aciɗa kukukwirira, kuti akutorere ŋguʋo yako yomukati, umutendere neŋguʋo yokunze ʋo.
41
Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri.
42
Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoɗa kukwereta kwauri.
43
Makanzwa kuti ɀakanzi: Uɗe wokwako, uʋeŋge muʋeŋgi wako.
44
Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai;
45
kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama.
46
Nokuti kana muciɗa ʋanokuɗai, munomuɓairo weiko? Ko ʋateresi haʋaiti saiɀoɀo ʋo here?
47
Kana mucikwazisa hama dzenyu ɓedzi, munopfuʋura ʋamŋe neiko? Ko naʋahedeni haʋaiti saiɀoɀo ʋo here?
48
Naiɀoɀo muʋe ʋakakwana, saƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋakakwana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28