bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 18
Matthew 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Ndianiko mukuru paʋushe bgokudeŋga?
2
Akaɗanira kwaari mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo,
3
akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
4
Naiɀoɀo aninani unoɀininipisa somŋana uyu muɗuku, ndiye mukuru muʋushe bgokuɗeŋga.
5
Aninani unogamucira mŋana muɗuku mumŋe wakaɗai nezita raŋgu, unondigamucira ini.
6
Asi aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa, ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, anyudzwe muguŋgwa rakadzika.
7
Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe.
8
Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri.
9
Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri.
10
Cenjerai kuti murege kuɀidza mumŋe waʋaɗuku aʋa; nokuti ndinoti kwamuri, kuɗeŋga ʋatumŋa ʋaʋo ʋanosiʋona misi yose ciso caƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
11
[Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzoponesa cakarashika.]
12
Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here?
13
Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka.
14
Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe.
15
Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.
16
Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu.
17
Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise.
18
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ɀose ɀamunosuŋga panyika, ɀicasuŋgwa kuɗeŋga; neɀose ɀamunosunuŋgura panyika, ɀicasunuŋgurwa kuɗeŋga.
19
Ndinoti kwamuri ɀe: Kana ʋaʋiri ʋenyu ʋakatenderana panyika pamsoro pecimŋe cinhu caʋanokumbira, ʋacaciitirwa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
20
Nokuti apo pakaʋuŋgana ʋaʋiri kana ʋatatu muzita raŋgu, ndiri’po pakati paʋo.
21
Ɀino Petro wakaʋuya akati kwaari: Ishe, hama yaŋgu icanditadzira kaŋganiko, ndikaikaŋganwira? Kuȿikira kanomŋe here?
22
Jesu akati kwaari: Handiti kwauri, kuȿikira kanomŋe; asi kuȿikira makumi manomŋe anoʋereŋgwa kanomŋe.
23
Saka ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaŋga aciɗa kugadzira maŋgaʋa naʋaranda ʋake.
24
Ɀino wakati acitaŋga kugadzira, mumŋe wakaŋga anecikwerete camatarenta aneɀuru ɀamazana ɀinegumi akaiswa kwaari.
25
Asi wakati acishaiwa caaŋgaripa naco, ishe wake akaraira kuti ateŋgeswe, iye nomukadzi naʋana, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, kuti cikwerete ciripxe.
26
Ɀino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, iʋai nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripirai ɀose.
27
Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunuŋgura, akamukaŋganwira cikwerete.
28
Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako!
29
Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira.
30
Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutoroŋgo, kuȿikira acizoripa cikwerete.
31
Ɀino ʋamŋe ʋaranda ʋaiɓata pamŋe cete naye ʋakati ʋaciʋona ɀaitwa, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaenda kundoʋudza ishe waʋo ɀose ɀakaitwa.
32
Ɀino ishe wake akamuɗana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukaŋganwira cikwerete ico cose, nokuti iwe wakakumbira ɀikuru kwandiri.
33
Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumŋe muranda unoɓata pamŋe cete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?
34
Ɀino ishe wake akatsamŋa, akamuisa kuʋarwadzi, kuȿikira acizoripa cikwerete cake cose.
35
Saiɀoɀo Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ʋacakuitirai ʋo, kana musiŋgakaŋganwiriyi mumŋe nomumŋe hama yake nomŋoyo wenyu wose.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28