bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 17
Matthew 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga.
2
Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza.
3
Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye.
4
Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria.
5
Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei.
6
Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakatya ɀikuru.
7
Jesu akasweɗera, akaʋaɓata, akati: Simukai, musatya.
8
Ʋakati ʋacitarira, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi.
9
Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, Jesu akaʋaraira, akati: Musaʋudza munhu ɀamaratidzwa, kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa.
10
Ʋadzidzi ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko, ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya?
11
Akapindura, akati: Eria ucaʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose.
12
Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo.
13
Ɀino ʋadzidzi ʋakanzwisisa kuti wakaʋaʋudza ɀaJohane Mubapatidzi.
14
Ʋakati ʋaȿika kuʋanhu ʋazhinji, mumŋe munhu akaʋuya kwaari, akamufugamira, akati:
15
Ishe, ɗonzwirai mŋanakomana waŋgu ŋgoni, nokuti uneɀipusha, unotambudzika kwaɀo. Nokuti kazhinji unowira mumŋoto, kazhinji mumvura.
16
Ndakaʋuya naye kuʋadzidzi ʋenyu, ʋakasagona kumuporesa.
17
Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri.
18
Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo.
19
Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu ʋari ʋoga, ʋakati: Ko isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa?
20
Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai.
21
[Asi rudzi urwu runoŋgobva cete nokunyeŋgetera, nokuɀinyima ɀokudya.]
22
Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu;
23
ʋacamuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ʋakafa neshuŋgu kwaɀo.
24
Ʋakati ʋaciȿika Kapernaume, ʋanhu ʋaigamucira muripo wetembere ʋakaʋuya kunaPetro, ʋakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
25
Akati: Hoŋo. Ɀino wakati acipinda mumba, Jesu akataŋga kutaura kwaari, aciti: Simoni, unofuŋgeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunaʋananiko? Kuʋanakomana ʋaʋo kana kuʋaeni?
26
Akati: Kuʋaeni. Jesu akati kwaari: Saka ʋanakomana ʋakasunuŋguka.
27
Asi, kuti tirege kuʋagumbusa, enda kuguŋgwa, ukande ciredzo, uɓate hoʋe inotaŋga kuɓuɗa; kana washamisa muromo wayo, ucawana stateri; uritore, uʋape iro, kuripira iwe neni.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28