bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 16
Matthew 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
ƲaFarise naʋaSaduse ʋakaʋuya kuzomuidza, ʋakakumbira kwaari kuti aʋaratidze ciratidzo cinobva kuɗeŋga.
2
Asi wakapindura, akati kwaʋari: Paŋguʋa yamaɗekwana munoti: Kucacena, nokuti ɗeŋga rakatȿuka.
3
Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa.
4
Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Ipapo akaʋasiya, akabva.
5
Ɀino ʋadzidzi ʋakaenda mhiri, ʋakakaŋganwa kutora ɀiŋgwa.
6
Jesu akati kwaʋari: Tarirai, mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse.
7
Ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Unoɗaro, nokuti hatina‐kutora ciŋgwa.
8
Ɀino Jesu, aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Imi ʋokutenda kuɗuku, munoraŋgana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuneɀiŋgwa?
9
Hamunzwisisi naɀino here, kana kuraŋgarira ɀiŋgwa ɀishanu ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀishanu, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani?
10
Kana ɀiŋgwa ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀinna, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani?
11
Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse.
12
Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse.
13
Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko?
14
Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita.
15
Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani?
16
Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu.
17
Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
18
Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi.
19
Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga.
20
Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu.
21
Kubva paŋguʋa iyo Jesu wakataŋga kuratidza ʋadzidzi ʋake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa ɀizhinji naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa ɀe nezuʋa retatu.
22
Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira, akati: Mŋari ŋgaakunzwirei ŋgoni, Ishe! hamuŋgaitirwi iɀoɀo.
23
Asi wakatendeʋuka, akati kunaPetro: Ibva shure kwaŋgu, Satani! Uri cigumbuso kwandiri, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
24
Ɀino Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere.
25
Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.
26
Nokuti munhu ucaɓatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? Kana munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake?
27
Nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya naʋatumŋa ʋake nokubginya kwaƂaɓa ʋake; ipapo ucaripira mumŋe nomumŋe paakaɓata napo.
28
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano, ʋasiŋgazonzwi rufu, ʋasati ʋaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya muʋushe bgake.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28