bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 9
Matthew 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake.
2
Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
3
Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari.
4
Asi Jesu aciziʋa mifuŋgo yaʋo, akati: Munofuŋgireiko ɀakaipa mumŋoyo yenyu?
5
Nokuti cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe?
6
Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako!
7
Akasimuka, akaenda kumba kwake.
8
Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari, wakapa ʋanhu simba rakaɗai.
9
Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera.
10
Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake.
11
Ɀino ʋaFarise ʋaciɀiʋona, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko naʋateresi naʋatadzi?
12
Iye, aciɀinzwa, akati: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara.
13
Asi endai, mudzidze kuti ndokuɗiniko kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro; nokuti handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
14
Ɀino ʋadzidzi ʋaJohane ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Isu, naʋaFarise, tinoɀinyimireiko ɀokudya kazhinji, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko?
15
Jesu akati kwaʋari: Shamŋari dzecikomba dziŋgacema seiko cikomba ciciri naʋo? Asi mazuʋa acaȿika, acabviswa cikomba kwaʋari; neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya.
16
Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya.
17
Haʋaɗiri ʋo waini itȿa muhomboɗo tsaru, nokuti homboɗo dziŋgaparuka, waini ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi ʋanoɗira waini itȿa muhomboɗo itȿa, ɀiʋiri ɀose ɀiceŋgeteke.
18
Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame.
19
Ipapo Jesu akasimuka, akamuteʋera naʋadzidzi ʋake.
20
Ɀino mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaʋuya shure kwake, akaɓata mupendero weŋguʋo yake;
21
nokuti wakati mumŋoyo make: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa.
22
Asi Jesu wakatendeʋuka, akamuʋona, akati: Mukunda, tsuŋga mŋoyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi akaponeswa kubva paŋguʋa iyo.
23
Ɀino Jesu wakati aȿika mumba momuɓati, akaʋona ʋaridzi ʋenyere naʋanhu ʋazhinji ʋaciita mhere‐mhere,
24
akati kwaʋari: Ibvai, nokuti musikana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka.
25
Asi ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaɓuɗiswa, akapinda, akaɓata ruʋoko rwake, musikana ndokumuka.
26
Mukurumbira waɀo ukaɓuɗira kunyika iyo yose.
27
Ɀino Jesu wakati acibva’po, mapofu maʋiri akamuteʋera, akaɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni!
28
Akati kupinda mumba, mapofu akaʋuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe!
29
Ɀino wakaɓata meso aʋo, akati: Muitirwe pamakatenda napo.
30
Meso aʋo akaȿinudzwa. Jesu akaʋaraira ɀikuru, akati: Cenjerai kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu.
31
Asi ʋakaɓuɗa, ʋakamurumbidza munyika iyo yose.
32
Ʋakati ʋaciɓuɗa, tarira, ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga ari mbeʋeʋe waiʋa nomŋeya wakaipa.
33
Mŋeya wakaipa ukati waɓuɗiswa, mbeʋeʋe ikataura; ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa, ʋakati: Hakuna‐kumboʋonekwa ɀakaɗai pakati paʋaIsraeri.
34
Asi ʋaFarise ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomukuru wemŋeya yakaipa.
35
Ɀino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, acidzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose.
36
Asi wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋaneta, ʋarashwa, samakwai asinomufudzi.
37
Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma.
38
Naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28