bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 14
Matthew 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
Neŋguʋa iyo Herode, muɓati, wakanzwa mukurumbira waJesu,
2
akati kuʋaranda ʋake: Uyu ndiJohane mubapatidzi; wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari.
3
Nokuti Herode wakaŋga aɓata Johane, akamusuŋga, akamuisa mutoroŋgo, nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake.
4
Nokuti Johane wakati kwaari: Haunakutenderwa kuti uʋe naye.
5
Ɀino wakaŋga aciɗa kumuʋuraya, asi wakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋaiti muprofita.
6
Asi zuʋa rokuɓerekwa kwaHerode rakati raȿika, mukunda waHerodiasi akatamba pakati paʋo, akafadza Herode.
7
Naiɀoɀo wakamupikira nemhiko kuti ucamupa cinhu cipi necipi caaneŋge acakumbira.
8
Ɀino iye, wakati arairwa namai ʋake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubapatidzi.
9
Mambo akaɀidya mŋoyo, asi nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere pakudya, akaraira kuti apiwe.
10
Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutoroŋgo.
11
Ʋakaʋuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa; iye akaenda nawo kunamai ʋake.
12
Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu, ʋakauʋiga; ndokuenda kundoʋudza Jesu.
13
Jesu wakati aɀinzwa, akabva’po negwa, akaenda kurenje ari oga. Ɀino ʋanhu ʋaciɀinzwa, ʋakabva kumaguta, ʋakamuteʋera netsoka.
14
Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, akaporesa ʋarwere ʋaʋo.
15
Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano irenje, zuʋa roɗa kuʋira, endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya.
16
Asi Jesu wakati kwaʋari: Haʋafaniri haʋo kuenda; imi muʋapei ɀaʋaŋgadya.
17
Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri.
18
Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri
19
Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji.
20
Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere.
21
Ʋakaŋga ʋadya ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi.
22
Pakarepo wakagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire mhiri, iye ndokusara kuendisa ʋanhu ʋazhinji.
23
Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga.
24
Asi igwa ɀino rakaŋga raʋa pakati peguŋgwa, ricitambudzika namafuŋgu, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa.
25
Neŋguʋa yecinna yoʋusiku akaʋuya kwaʋari, acifamba pamsoro peguŋgwa.
26
Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya.
27
Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya.
28
Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura.
29
Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu.
30
Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei!
31
Pakarepo Jesu akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuɗuku, wanyunyutireiko?
32
Ʋakati ʋapinda mugwa, mhepo ikanyarara.
33
Ipapo ʋakaŋga ʋari mugwa ʋakamunamata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ndimi Mŋanakomana waMŋari!
34
Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika panyika yeGenesareti.
35
Ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakamuziʋa, ʋakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; ʋakaʋuya kwaari naʋose ʋairwara;
36
ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate cete mupendero weŋguʋo yake; ʋose ʋakaɓata ʋakaporeswa.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28