bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 19
Matthew 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudea mhiri kweJoridani.
2
Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa’po.
3
ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
4
Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi?
5
Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.
6
Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa.
7
Ʋakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, ago mu rasha?
8
Akati kwaʋari: Nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha ʋakadzi ʋenyu, asi kubva pakutaŋga ɀakaŋga ɀisina‐kuɗaro.
9
Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge.
10
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Kana ɀakaɗaro pakati pomurume nomukadzi, haɀina‐kunaka kuwana.
11
Asi iye akati kwaʋari: Ʋose haʋagamuciri shoko iri, asi aʋo ʋakaɀipiwa.
12
Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire.
13
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aise maʋoko pamsoro paʋo, aʋanyeŋgeterere; ʋadzidzi ʋakaʋaraira.
14
Asi Jesu wakati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku, musaʋadziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋakaɗai.
15
Akaisa maʋoko pamsoro paʋo, akabva’po.
16
Tarira, mumŋe munhu wakaʋuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaita cinhu cakanaka cipi, kuti ndiʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi?
17
Akati kwaari: Unondibvunzireiko pamsoro peɀakanaka? Uri’po mumŋe wakanaka. Asi kana uciɗa kupinda paʋupenyu, ceŋgeta mirairo.
18
Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema;
19
kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, uɗe wokwako seɀaunoɀida iwe.
20
Jaya rikati kwaari: Iɀoɀo ɀose ndakaɀiceŋgeta; ndicakashaiweiko?
21
Jesu akati kwaari: Kana uciɗa kukwana, enda uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, ugoʋa nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya unditeʋere.
22
Asi jaya rakati ricinzwa shoko iri, rikaenda rineshuŋgu; nokuti rakaŋga rinefuma zhinji.
23
Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ɀinoremera mufumi kupinda muʋushe bgokuɗeŋga.
24
Ndinoti kwamuri ɀe: Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari.
25
Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakakahadzika kwaɀo, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa?
26
Jesu ndokuʋatarira, akati kwaʋari: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀose ɀinobvira.
27
Ɀino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai; ticagopiweiko?
28
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, imi makanditeʋera pakuɓerekwa kutȿa, kana Mŋanakomana womunhu acizogara pacigaro coʋushe cokubginya kwake, imi ʋo mucagara paɀigaro ɀinegumi neɀiʋiri, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri.
29
Mumŋe nomumŋe wakasiya dzimba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana ɓaɓa, kana mai, kana mukadzi, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwezita raŋgu, ucapiwa ɀinezana, akagara nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi.
30
Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28