bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 20
Matthew 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nomŋene weimba, wakaɓuɗa maŋgwanani kundotȿakira munda wake wemizambiriŋga ʋaɓati.
2
Wakati atenderana naʋaɓati kuʋapa denari pazuʋa, akaʋatuma kumunda wake wemizambiriŋga.
3
Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yecitatu, akaʋona ʋamŋe ʋamire paɗare, ʋasiŋgaɓati;
4
akati kwaʋari: Endai imi ʋo mumunda wemizambiriŋga, ndigokupai ɀakafanira. Ʋakaenda.
5
Akaɓuɗa ɀe neŋguʋa ineŋge yecitanhatu neyepfumbamŋe, akaɗaro ɀe.
6
Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe, akawana ʋamŋe ʋamire; akati kwaʋari: Makamirireiko pano zuʋa rose musiŋgaɓati?
7
Ʋakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa ɓasa. Akati kwaʋari: Endai nemi ʋo mumunda wemizambiriŋga.
8
Aʋa maɗekwana, mŋene womunda wemizambiriŋga akati kumutariri wake: Ƌana ʋaɓati, uʋape muɓairo waʋo, ucitaŋga kunoʋokupedzisira, ugumire kunoʋokutaŋga.
9
Ɀino ʋeŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe ʋakati ʋaciʋuya, mumŋe nomumŋe akapiwa denari.
10
Ʋokutaŋga ʋakati ʋaciʋuya, ʋakati ʋacapiwa nokupfuʋura; iʋo ʋakapiwa ʋo mumŋe nomumŋe denari.
11
Ʋakati ʋacipiwa, ʋakapopotera mŋene weimba,
12
ʋakati: Aʋa ʋokupedzisira, ʋakaɓata ŋguʋa imŋe cete, maʋaenzanisa nesu, takatambudzika zuʋa rose, ticipiswa nezuʋa.
13
Akapindura, akati kunomumŋe waʋo: Shamŋari, handikuitiri ɀisakarurama; hauna‐kutenderana neni kuti upiwe denari here?
14
Tora ɀako, uende, ndinoɗa kupa wokupedzisira sewe.
15
Ko handina‐kutenderwa kuita neɀaŋgu pandinoɗa napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
16
Saiɀoɀo ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira.
17
Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri ʋari ʋoga, akati kwaʋari panzira:
18
Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori, ʋacamutoŋgera rufu.
19
Ʋacamuisa kuʋahedeni, kuti asekwe, aroʋeswe, aroʋerwe pamucinjikwa, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe.
20
Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari.
21
Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu.
22
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona.
23
Akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe waŋgu, asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, nokuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀa ʋakaɀigadzirirwa iɀo naƂaɓa ʋaŋgu.
24
Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe.
25
Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo.
26
Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu.
27
Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu.
28
Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
29
Ʋakati ʋacibva Jeriko, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera.
30
Ɀino tarira, mapofu maʋiri akaŋga agere panzira, akati acinzwa kuti Jesu wopfuʋura, akaɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni!
31
Ʋanhu ʋazhinji ʋakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kuɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni!
32
Ipapo Jesu akamira, akaaɗana, akati: Munoɗa kuti ndikuitireiko?
33
Akati kwaari: Ishe, kuti meso eɗu aȿinudzwe.
34
Jesu akaanzwira tsitsi, akaɓata meso awo; pakarepo akaȿinudzwa, akamuteʋera.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→