bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 22
Matthew 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati:
2
Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana;
3
akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya.
4
Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana.
5
Asi haʋana‐kuraŋgarira, ʋakaenda, mumŋe kumunda wake, mumŋe kukuteŋgesa kwake;
6
ʋamŋe ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaʋaitira ɀakaipa, ʋakaʋaʋuraya.
7
Ɀino mambo wakatsamŋa, akatuma hondo dzake, akaparadza ʋaya ʋakaʋaʋuraya, akapisa guta raʋo.
8
Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa.
9
Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana.
10
Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya.
11
Ɀino mambo wakati acipinda kuzoʋona ʋagere pakudya, akaʋona munhu usina‐kupfeka ŋguʋo yomutambo wokuwana;
12
akati kwaari: Shamŋari, wapinda pano seiko, usineŋguʋo yomutambo wokuwana? Akanyarara.
13
Ɀino mambo akati kuʋaranda: Mumusuŋgei makumbo namaʋoko, mumukandirei kunze murima; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
14
Nokuti ʋazhinji ʋakaɗanwa, asi ʋakasanaŋgurwa ʋashoma.
15
Ɀino ʋaFarise ʋakaenda kundoraŋgana kuti ʋaŋgamuɓata sei pakutaura kwake.
16
Ʋakatuma kwaari ʋadzidzi ʋaʋo naʋaHerode, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; nokuti hamutariri ɀiri kunze kwomunhu.
17
Ɀino tiʋudzei, munofuŋgeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
18
Asi Jesu wakaziʋa kuipa kwaʋo, akati: Munondiidzireiko, imi ʋanyeŋgeri?
19
Ndiratidzei mari yomutero. Ʋakaʋuya kwaari nedenari.
20
Ɀino akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani?
21
Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo, ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari.
22
Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa, ʋakamusiya, ʋakaenda.
23
Nezuʋa iro ʋaSaduse ʋakaȿika kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza,
24
ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinaʋana, munuŋuna wake ŋgaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake ʋana.
25
Kwatiri kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akawana mukadzi, akafa asinaʋana, akasiyira munuŋuna wake mukadzi wake;
26
nokuɗaro ʋo wecipiri, nowecitatu, kuȿikira kunowecinomŋe.
27
Shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo.
28
Ɀino pakumuka kwaʋakafa, ucaʋa mukadzi waniko waʋanomŋe aʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa naye.
29
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Marashika, nokusaziʋa Magwaro, kana simba raMŋari.
30
Nokuti pakumuka kwaʋakafa haʋawani, kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga.
31
Asi kana kuri kumuka kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here ɀamakaʋudzwa naMŋari, paakati:
32
Ini ndiri Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu.
33
Ʋanhu ʋazhinji ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34
ƲaFarise ʋakati ʋacinzwa kuti wapxisa ʋaSaduse, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete.
35
Mumŋe waʋo, muɗudziri womurairo, akamubvunza, acimuidza, akati:
36
Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?
37
Akati kwaari: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose.
38
Ndiwo murairo mukuru nowokutaŋga.
39
Wecipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Iɗa wokwako, seɀaunoɀiɗa iwe.
40
Murairo wose naʋaprofita ɀakaɓatanidzwa pamirairo iyi miʋiri.
41
Ɀino ʋaFarise ʋacakaʋuŋgana, Jesu akaʋabvunza,
42
akati: Munofuŋgeiko pamsoro paKristu? Mŋanakomana waniko? Ʋakati kwaari: WaDavidi.
43
Akati kwaʋari: Davidi wakagomutumidza seiko noMŋeya, Ishe wake, aciti:
44
Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako?
45
Ɀino, kana Davidi acimutumidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko?
46
Kwakaŋga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kumubvunza cinhu pazuʋa iro.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28