bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Matthew 21
Matthew 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri,
2
akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri.
3
Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma.
4
Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati:
5
Ʋudzai mŋanasikana weZioni: Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri, Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro, Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa.
6
Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu,
7
ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo.
8
Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira.
9
Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro!
10
Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko?
11
Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea.
12
Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa,
13
akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo.
14
Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa.
15
Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu,
16
ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza?
17
Akaʋasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuʋata’po.
18
Maŋgwanani wakati acidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19
Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo.
20
Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko?
21
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa.
22
Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa.
23
Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
24
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
25
Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
26
Asi kana tikati, Kuʋanhu, tinotya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋose ʋanoti, Johane muprofita.
27
Ʋakapindura, ʋakati kunaJesu: Hatiziʋi. Akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
28
Ɀino munofuŋgeiko? Mumŋe munhu wakaŋga anaʋana ʋaʋiri; akaenda kunowokutaŋga, akati: Mŋana, enda nhasi kundoɓata mumunda waŋgu wemizambiriŋga.
29
Iye akapindura, akati: Handiɗi; asi pashure akaɀidya mŋoyo, akaenda.
30
Akaenda kunowecipiri, akataura saiɀoɀo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda.
31
Ndoupiko kunaiʋaʋo ʋaʋiri wakaita kuɗa kwaɓaɓa ʋake? Ʋakati: Wokutaŋga. Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋateresi neɀifeʋe ʋanokutaŋgirai kupinda muʋushe bgaMŋari.
32
Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda.
33
Inzwai mumŋe mufananidzo: Mumŋe munhu waiʋa’po, mŋene weimba, wakasima munda wake wemizambiriŋga; akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira mauri, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo.
34
Ŋguʋa yeɀiɓereko yakati yoȿika, akatuma ʋaranda ʋake kuʋarimi, kundotora ɀiɓereko ɀake.
35
Asi ʋarimi ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaroʋa mumŋe, ʋakaʋuraya mumŋe, ʋakataka mumŋe namabge.
36
Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, ʋazhinji kunoʋokutaŋga; ʋakaʋaitira saiɀoɀo.
37
Ɀino pashure akatuma mŋanakomana wake kwaʋari, aciti: Mŋanakomana waŋgu ʋacaʋa nehanya naye.
38
Asi ʋarimi ʋakati ʋaciʋona mŋanakomana, ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, titore nhaka yake.
39
Ɀino ʋakamuɓata ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya.
40
Ɀino kana mŋene womunda wemizambiriŋga acizoʋuya, ucaiteiko naʋarimi iʋaʋo?
41
Ʋakati kwaari: Ucaparadza kwaɀo ʋanhu aʋo ʋakaipa, akaisa ʋamŋe ʋarimi mumunda wemizambiriŋga, ʋacazomupa ɀiɓereko neŋguʋa dzaɀo.
42
Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kutoŋgoraʋa here paMagwaro panoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona; Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu?
43
Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Mucatorerwa imi ʋushe bgaMŋari, bgukapiwa ʋanhu ʋanoɓereka ɀiɓereko ɀabgo.
44
Unowira pamsoro pebge iri, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira.
45
Ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakati ʋacinzwa mifananidzo yake, ʋakaziʋa kuti unoʋareʋa iʋo.
46
Ɀino ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋakaŋga ʋaciti muprofita.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Matthew Commentaries
→
Devotional
Matthew Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→