bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 10
Matthew 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
1
Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
2
Mazita avapostori vane gumi navaviri ndiwaya: Wokutanga Simoni, ainzi Petirosi, naAndireya, munun'una wake; Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake;
3
Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateu, muteresi; Jakobho, mwanakomana waArifeo, naTadheo;
4
Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti, uya wakamupandukira.
5
Ava vane gumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti, “Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria;
6
asi zviri nani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsiraeri.
7
Mufambe, muparidze, muchiti, ‘Ushe hwekudenga hwaswedera.’
8
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu.
9
Musatora ndarama kana sirivha, kana ndarira muzvikwama zvenyu;
10
kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mushandi akafanira kuti apiwe zvokudya zvake.
11
“Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva.
12
“Kana muchipinda mumba muikwazise.
13
Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14
Ani naani asingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu.
15
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa, kupfuura guta iro.
16
“Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva.
17
Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo.
18
Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.
19
Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
20
“Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu.
21
“Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa.
22
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa.
23
Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’
24
“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake.
25
Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
26
“Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena.
27
Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba.
28
Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena.
29
Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu.
30
Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.
31
Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
32
“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33
“Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34
“Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa.
35
Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake;
36
navavengi vomunhu vachava veimba yake.
37
“Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni.
38
Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni.
39
ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
40
“Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma.
41
Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama.
42
Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28