bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 5
Matthew 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari.
2
Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti,
3
“Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
4
“Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa.
5
“Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika.
6
“Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa.
7
“Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni.
8
“Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari.
9
“Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari.
10
“Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
11
“Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu.
12
Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
13
“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.
14
“Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki.
15
Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba.
16
Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga.
17
“Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa.
18
“Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.
19
“Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga.
20
“Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
21
“Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’
22
asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.
23
“Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe,
24
usiye chipo chako ipapo pamberi pearitari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.
25
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.
26
“Zvirokwazvo ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
27
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’
28
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, atoita upombwe naye mumwoyo make.
29
Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirasire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
30
Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’
31
Zvakanziwo, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokumuramba.’
32
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani aNowana arambwa, anoita upombwe.’
33
“Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’
34
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari;
35
kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
36
Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’
37
Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi.
38
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’
39
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’
40
Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo.
41
Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.
42
“Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
43
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’
44
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai;
45
kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’
46
Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here?
47
“Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here?
48
“Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28