bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Matthew 11
Matthew 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo.
2
Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake,
3
achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”
4
Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona;
5
zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri.
6
Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.”
7
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
8
Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo.
9
Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita.
10
Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
11
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari.
12
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.
13
Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani.
14
Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya.
15
Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
16
“Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti,
17
‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’
18
Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’
19
“Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.”
20
Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati,
21
“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota.
22
“Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi.
23
Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi.
24
“Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ”
25
Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche.
26
Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
27
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye.
28
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.
29
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.
30
Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28